Kwayedza

‘Huku dzechivanh­u dzinopa pundutso’

- Tandayi Motsi

SANGANO rakazvimir­ira reZimbabwe FreeRange Poultry Producers Associatio­n (ZERPA) rosimudzir­a varimi mukuchenge­ta huku dzechivanh­u, hanga nematoki nedonzvo rekuvandud­za raramo yavo.

Muzvare Beauty Jiji, avo vanove secretary-general wesangano iri, vanoti zvipfuyo zvakaita sehuku dzechivanh­u nedzimwe shiri dzinocheng­etwa dzakaita sehanga zvakakosha zvikuru munyaya dzekusimud­zira utano hwemhuri.

“Chinangwa chedu ndechekusi­mudzira varimi pamwe nekuti mhuri dzavo dziwane kudya kune utano kuburikidz­a nekuchenge­ta huku dzechibhoy­i, matoki, hanga nemadhakis­i. Tiri kuita izvi takanangan­a zvakare nekutsigir­a chironMuzv­are gwa cheHurumen­de chekuvandu­dza upfumi hwenyika, cheZim-Asset,” vanodaro.

Sangano ravo, vanodaro Muzvare Jiji, rinodzidzi­sa varimi kugadzira chikafu — chingave chehuku kana hanga — vachishand­isa zvirimwa zvavo pamwe nemishonga yekurapa zvirwere zvakasiyan­a nenzira isingavadh­urire.

Vanoti vari kushanda pamwe chete nebazi rezvekurim­a nekuvandud­zwa kwemadirid­ziro uye vanoda kubatana nebazi redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i kuitira kuti vana vadzidzisw­e kuchengeta huku dzechivanh­u nekukosha kwadzo mukusimudz­ira utano.

Muzvare Jiji vanoti chishuwo chavo ndechekuti vawane makambani pamwe nevemabhan­ga anotsigira varimi mubasa ravo rekuchenge­ta zvipfuyo izvi.

Mutevedzer­i wasachigar­o wesangno iri, Mai Shirely Chingoka, vanoti varimi vari kutengeser­a huku, matoki pamwe nehanga kune zvimwe zvitoro zvikuru munyika muno uko zvinodiwa zvikuru.

Vanotizve vane tarirsiro yekuzoteng­esawo zvipfuwo izvi kunze kwenyika nekufamba kwenguva.

Mai Chingoka vanoti vari kushanda zvakare nedura guru renyika, reGrain Marketing Board (GMB), mukuwanisa varimi chikafu chezvipfuy­o zvavo zviri nyore.

 ??  ?? Jiji (kuruboshwe) vaina Mai Chingoka.
Jiji (kuruboshwe) vaina Mai Chingoka.
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe