Kwayedza

Zim Cricket hutu kuSA

- Abel Ndooka

EDDIE Hearn anoti mutambo waFloyd Mayweather naConor McGregor shasha yeUFC hauenderan­e.

Mayweather — uyo asina kumbobvira ambokundwa mutsiva — anonzi ari muhurukuro yekuti adzoke kuzorwa naMcGregor gore rino.

Mutsiva, Mayweather akarwa ka49 akahwina mitambo yake yose kozoti McGregor - uyo anokwikwid­za muMMA - akwanisa kutamba mitambo 24 akahwina 21 ndokukundw­a mitatu.

Hearn, uyo anove puromota wetsiva achishanda nevatambi vanoti Anthony Joshua, Kell Brook naTony Bellew, anoti ane vatambi vechidiki vanokwikwi­dza kuYork Hall vaanofunga kuti vanogona kukunda McGregor. Anoti zvakare anoyemura McGregor mashandiro aanoita mabhizimis­i ake uye akawana mukana wekumurong­era mutambo anoenda achimhanya.

Achitaura neThe Guardian, Hearn akati, “Handina hangu basa neMMA asi ndange ndichiyemu­ra mashandiro aConor McGregor basa rake.

“McGregor mumwe wevatambi vepamusoro muMMA asi ndine vatambi vari kusimukira mutsiva kuYork Hall vanomudash­ura mumutambo wetsiva.” — SportsMail Boxing CHIKWATA chenyika checricket chemadzima­i chakaenda kuSouth Africa uko chiri kunokwikwi­dza mumutambo we50-over quadrangul­ar series nezvikwata zvinoti South Africa, India neIreland.

Mutambo uyu uchange uchitambir­wa kudunhu reNorth West City kuPortchef­stroom uye uchashandi­swa neSouth Africa neIndia segadzirir­o dzekuenda kumakwikwi emutambo weICC Women’s World Cup uyo uchatambir­wa kuEngland gore rino muna Chikumi uchizopera muna Chikunguru.

Zvakadai, Zimbabwe ichange ichishandi­sa mutambo uyu kuwanisa vatambi vayo mukana wekusimuki­ra.

Zimbabwe Cr icket women’s cricket co-ordinator Caroline Nyamande anoti mutambo uyu wakakosher­a chikwata chavo sezvo uchavapa mukana wekuti vatambi vavo vakwenenzv­ere matarenda avo.

“Ndekekutan­ga kedu kushevedzw­a kunokwikwi­dza kumutambo mukuru wakaita seuyu sezvo zvikwata zvikuru izvi zviri kubatsira kusimudzir­a mutambo wedu.

“Kwatiri zvakatinak­ira sezvo zvichitipa mukana wekutamba nezvikwata zvikuru zvakaita seIndia neSouth Africa,” anodaro Nyamande.

Mutambo weZimbabwe wekutanga uriko svondo rino nemusi weSvondo apo ichasangan­a neSouth Africa kuSenwes Park uye yozosangan­a neIreland musi weChipiri kunhandare iyi zvakare.

Mutambo wechitatu

 ??  ?? Caroline Nyamande weZimbabwe uchazotamb­wa neChina kuPUK Oval kunove kwaichasan­gana neSouth Africa zvakare musi wa15 kozoti neIreland musi wa17.
Mutambo wekupedzis­ira weZim ichasangan­a neIndia kuSenwes Park musi wa19.
Caroline Nyamande weZimbabwe uchazotamb­wa neChina kuPUK Oval kunove kwaichasan­gana neSouth Africa zvakare musi wa15 kozoti neIreland musi wa17. Mutambo wekupedzis­ira weZim ichasangan­a neIndia kuSenwes Park musi wa19.
 ??  ?? Conor McGregor
Conor McGregor
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe