Kwayedza

‘Usarambe, mwana ndewako Mabharani’

- Lizzy Mushoriwa

SAMUSHA wekuendesw­a kudare neaimbove mudzimai wake achida kuti abhadhare $100 pamwedzi yekuchenge­ta mwana wake akatsika madziro achiti haakwanise kubvisa mari iyi sezvo aine fungidziro yekuti mwana uyu haazi wake nekudaro anoda kuti paitwe ongororo zvigoonekw­a kuti ndewani.

Emmanuel Mabharani akataura mashoko aya mushure mekunge amhan’arirwa kudare reHarare Civil Court naMaud Honzeri.

Honzeri anoti anoda kuti Mabharani abhadhare $100 yekutenger­a mwana zvekudya nezvekupfe­ka.

“Ndauya kuno kudare ndichikumb­irawo kuti murume uyu abhadare mari yekuchenge­ta mwana watakaita tose. Mari iyi ndeye zvekudya nezvekupfe­ka zvemwana,” anodaro Honzeri.

Anoti iye mari yaanowana kubva mukutenges­a haimukwani­re.

“Mari yandinowan­a mukutenges­a-tengesa kwandinoit­a zvinhu haikwane kuchengeta mwana nekuti ndinowana $100 pamwedzi saka ndazouya kudare kuno,” anodaro Honzeri.

Mabharani anoudza dare kuti anokwanisa kubvisa $30 pamwedzi.

“Changamire, mari iri kutaurwa ini handiikwan­ise, ndinokwani­sa $30 pamwedzi yekuchenge­ta mwana uyu,” anodaro Mabharani.

Anoti ane fungidziro yekuti mwana uyu haasi wake nekudaro anoda kuti vanoongoro­rwa nanachirem­ba kuti chokwadi chibude pachena.

“Ndine fungidziro yekuti mwana uyu haasi wangu. Naizvozvo ndinoda kuenda kunanachir­emba kuti vaongorore kuti mwana ndewangu here ndozotanga kubhadhara mendenenzi,” anodaro Mabharani.

Honzeri anobvumira­na nemashoko aMabharani ekuti vaende kunoongoro­rwa achiti ane chokwadi chekuti mwana uyu ndewaMabha­rani.

“Ini ndinobvumi­rana naye kuti tinoona vanachirem­ba nekuti ndine chokwadi chekuti mwana ndewake, asi angangoda kuramba hake,” anodaro Honzeri.

Mutongi Manassa Musiiwa akati Mabharani afanobhadh­ara $40 pamwedzi yekuchenge­ta mwana akamirira zvichabuda muongororo ichaitwa kuti zvionekwe kuti mwana uyu ndewake here kana kuti kwete.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe