Kwayedza

‘Ndakatumir­wa gudo’

- Kingstone Mapupu

MURUME wekuSt Marys, kuChitungw­iza, anoti akadzidza chidzidzo chekuti mudzimai wemuridzi haabatwe apo akatumirwa gudo rikanosvik­a pamba pake richitever­a mukadzi wemunhu waakange ave kugara naye sewake.

VaJohn Masamba (62), avo vanogara voga sezvo mudzimai wavo akashaika, vanoti vakasangan­a nemumwe mukadzi uyo vakadanana naye ndokuguma vogara vose.

“Ndakasanga­na nemukadzi uyu muguta reHarare ndokumupfi­mba tichibva tatanga kudanana achiti aigara kuOld Mabvuku, uko anoti airoja nevana vake vatatu. Takafambid­zana kwemwedzi tichionana mudhorobha kusvikira takazowiri­rana kuti achiuya kuzogara neni kumba,” vanodaro VaMasamba.

Vanoendere­ra mberi vachiti: “Asi pamba pangu pakazoita dhirama mumwedzi waKurume gore rino mushure mekunge ndagara nemukadzi uyu kwemwedzi mitatu. Ndakaingwa negudo ndikatovhu­ra dhoo ndokusanga­na nehoromba ikandikwaz­isa nezwi chairo remunhu. Gudo iri rakandidzi­kamisa richiti ndisatye, ravinga mudzimai waro wandaigara naye.

“Ndakabva ndapunzika ndikatotes­a mabhurugwa nekutya, chikabudur­a chandaiva ndakapfeka chikanyoro­va chose.”

Vanoti gudo iri rakataura kuti raida mudzimai waro musi iwoyo pasina kumusiya.

Murume uyu anoti akazozvish­ingisa ndokudzoke­ra mumba maiva nemukadzi waakanga asiya arere ndokumushe­vedza kuti azvinzwire.

“Ndauya naye, gudo iri harina kutaura naye rakadzokor­ora kwandiri kuti raida kuti ndidzoke nemukadzi waro zuva iroro. Mukadzi uyu akangopunz­ikawo pasi ndokutanga kuchema pasina chaakataur­a achingoti, ‘Amaiwe kani, amaiii kani!” vanodaro VaMasamba.

Murume uyu anoti gudo iri panguva

 ??  ?? John Masamba
John Masamba
 ??  ?? Gudo
Gudo
 ??  ?? Sekuru Kamwelo Banda
Sekuru Kamwelo Banda

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe