‘Ndakatumirwa gudo’
MURUME wekuSt Marys, kuChitungwiza, anoti akadzidza chidzidzo chekuti mudzimai wemuridzi haabatwe apo akatumirwa gudo rikanosvika pamba pake richitevera mukadzi wemunhu waakange ave kugara naye sewake.
VaJohn Masamba (62), avo vanogara voga sezvo mudzimai wavo akashaika, vanoti vakasangana nemumwe mukadzi uyo vakadanana naye ndokuguma vogara vose.
“Ndakasangana nemukadzi uyu muguta reHarare ndokumupfimba tichibva tatanga kudanana achiti aigara kuOld Mabvuku, uko anoti airoja nevana vake vatatu. Takafambidzana kwemwedzi tichionana mudhorobha kusvikira takazowirirana kuti achiuya kuzogara neni kumba,” vanodaro VaMasamba.
Vanoenderera mberi vachiti: “Asi pamba pangu pakazoita dhirama mumwedzi waKurume gore rino mushure mekunge ndagara nemukadzi uyu kwemwedzi mitatu. Ndakaingwa negudo ndikatovhura dhoo ndokusangana nehoromba ikandikwazisa nezwi chairo remunhu. Gudo iri rakandidzikamisa richiti ndisatye, ravinga mudzimai waro wandaigara naye.
“Ndakabva ndapunzika ndikatotesa mabhurugwa nekutya, chikabudura chandaiva ndakapfeka chikanyorova chose.”
Vanoti gudo iri rakataura kuti raida mudzimai waro musi iwoyo pasina kumusiya.
Murume uyu anoti akazozvishingisa ndokudzokera mumba maiva nemukadzi waakanga asiya arere ndokumushevedza kuti azvinzwire.
“Ndauya naye, gudo iri harina kutaura naye rakadzokorora kwandiri kuti raida kuti ndidzoke nemukadzi waro zuva iroro. Mukadzi uyu akangopunzikawo pasi ndokutanga kuchema pasina chaakataura achingoti, ‘Amaiwe kani, amaiii kani!” vanodaro VaMasamba.
Murume uyu anoti gudo iri panguva