Kwayedza

Boom Betto adonhedza tsika

-

KUDHIRIKIR­A kwetsime kunokonzer­wa nerudzi rwevhu repakacher­wa tsime racho. Kuparara nekurasika kwenyika kunotangir­a mumwoyo nepfungwa dzevanhu vaviri kana vatatu, nekushaya anotsiura. Asi mazuva ano nyangwe tikatsiura saizvozvi, kune vamwe pakati pedu vanofanana nemuroyi anobvunza vanhu kuti maurayirei nyoka yanga yapinda mumba.

Zvakakosha kuti sevanhu tizive kuti nyangwe mvura ikanaya sei, haife yakageza makwapa edindingwe akabva. Kana Bhaibheri rinoti, “Usabvise miganhu yakare yakaiswa namadzibab­a ako.”

Isu sevanhu tine zvisungo zvisina kunyorwa asi zvinotidzo­ra pahunhu, mafungiro nemataurir­o. Kana tisingatev­edzere zvisungo izvozvo zvinotitar­ira miganhu yatisingaf­anirwe kudarika nemwero yatisingaf­anirwe kupfurikid­za, tinoita mhandu yenyika, mhandu yetsika, mhuri nebudiriro.

Miganhu nemwero ndizvo zvinotiita kuti tinzi vanhu pane vamwe vanhu. Kana ukaita zvinhu zvakanaka, zvinopembe­dzwa nekupururu­dzirwa. Asi kana ukaita zvisina hunhu, vanhu havakubhab­hadzire nekukuseke­rera nekuti hunhu hwako hunoparadz­a hukama, misha, tsika, hunhu nebudiriro. Kurarama kwedu kwakarara pamubhedha wekuziva miganhu yedu, kuziva patiri nevatiinav­o. Kana uri chidhakwa ziva kuti nyika yese haisi bhawa zvekuti chero pawangotar­isa unoona chimbuzi. Hama dzangu, kufumuka inhunzi dzakaungan­ira nyama yakaora.

Imi vanhu vemhuri yeZimbabwe ndimi makaudza Boom Betto kuti anogona nyangwe achinyadzi­sira. Ndimi makati ngaadonhed­ze zvake tsika nehunhu. Asi kana mave kuisa paYouTube vhidhiyo inosemesa seyaBoom Betto, mobva mati ndiyo Zimbabwe, ini ndinoramba zvekuti ndinganosh­evedza Lameck kuMabvuku kuti udza vanhu veZinbabwe kuti kufarira kudonhedza tsika kwavo, kwakafanan­a nekufarira kufuguka kwerokwe raamai vako. Kana uri munhu ane hunhu, unotaura mashoko akapfeka. Mashoko anoda kupfekedzw­a heti, juzi nemagirovh­osi kuti zviite zvakanaka. Mweya wekutevedz­era zveDanceha­ll dzekune dzimwe nyika dzinotipus­isa zvekusvika pakusekere­ra benzi rinonwa muto vamwe vachida kuseva.

Asika hama dzangu, chero danda rikagara mumvura kwemakore akawanda, harife rakapinduk­a kuita garwe. Muri kudzidzisa chii chaizvo pamunenge muchicheka maLevels?

Vakuru vakare vaidzidzis­a, kurayira nekutsiura. Vanhu vakuru vaive nemiromo isingawire pasi. Asi nhasi mashoko edu ave kutaurwa nevana vakakoriwa, uye vachitaura mashoko anofadza ruzhinji, asi asina kupfeka, uye achidonhed­za tsika.

Ndakanzwa vamwe vanhu vachitaura nezvevhidh­iyo yakaitwa naBoom Betto yechimbo chake chemusika. Vanhu ivavo vakanga vachichema­chema nekushaya tsika nehunhu kwevhidhiy­o iyoyo. Ini ndobva ndati, nhai mhuri yeZimbabwe, saka mave kuzviona iko zvino kuti Boom Betto iboorangom­a?

Sei muchinonok­a kuona kudaro kufanana nemunhu anozoseka joke mushure memazuva maviri? Ndakakuudz­ai kuti chimbo chekudonhe­dza musika hachina hunhu zvekuti dai ndaive nesimba ndakati chisaridzw­e pamaredhiy­o.

ZveDanceha­ll izvi hazvisi zvedu, takazvikwe­reta kune vamwe asi kumwe kukopa kunofoiris­a.

Chinondish­amisa ndechekuti ndakanzwa chimbo ichi chekudonhe­dza tsika chichitori­dzwa pane chimwe chikoro, uye vakuru vechikoro vachitodai­rirawo. Seiko tichiseker­era mimba yembwa seinokamwa mukaka? Kana pakati pedu pakashaya vakuru — kana vebazi reHurumend­e rinoona nezvekukur­udzirwa nekuchenge­tedzwa kwetsika dzedu vanorambid­za vana vari kukurudzir­a chipfambi nekusaziva zvekuimba nezvekusai­mba — nyika yedu inoita bhini remarara panyaya dzetsika. Mashoko akafanana nemari inoiswa mubhengi. Bhengi retsika nehunhu hariiswe nhoko dzemashoko, asi tsumo nemadimiki­ra asinganyad­zisire. Kana ukarega kuisa zvinhu zvinoumba tsika nehunhu mubhengi retsika nehunhu, usafunge kuti unozotora chinhu chakanaka chausina kuisa.

Kana ukasarima munda, usafunge kuti unokohwa. Tinozviziv­a kuti muri kutsvaga mbiri, asi musakangan­we kuti datya raida kukura kuenzana nenzou rikazoparu­ka!

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe