‘NDAKAISWA RUNYOKA
Mhando dzerunyoka
MUKADZI ane mabhizimisi kuArbennie, muHarare, anoti akaiswa rukawo neaimbova murume wake izvo zvamusiya ava kutya kudanana kana kuroorwa nemumwe murume.
Lucia Chirombo ( 36) — uyo ane nyaya yakambobuda mubepanhau rino nguva yadarika achiti anonwiwa ropa repanguva yake yekutevera neaimbove murume wake, Leeman Gurupira ( 31) — anoti haana kumbobvira aziva kuti murume uyu akamusota nerunyoka.
Ukuwo Gurupira ari kuramba kuti akagadzira aimbova mudzimai wake uyu nemushonga werukawo achiti aya anongova mashoko ekuda kumusvibisa.
Chirombo — uyo ari mubhizimisi rekutengesa zvinoshandiswa padzimotokari — anoti akagara naGurupira kwemakore 13 vakaita vana vaviri vose. Mukadzi uyu anoti panguva yaaigara nemurume uyu, aimunwa ropa repanguva yake yekutevera kusvikira rapera rose kuti gwa.
Anoti zvakare pose paaisangana naGurupira pabonde, aitanga kujuja ropa izvo zvinotsinhirwa nemurume uyu. Zvino Chirombo ava kupomera Gurupira kuti akamuisa rukawo zvichitevera kurambana kwavakaita.
“Handina munhu wandichadanana naye, ndakaiswa rukawo naGurupira. Murume uyu akan- diitira utsinye hwakaomarara kuti ndisare ndisina munhu wandinodanana naye, kana anondiroora.
“Izvi ndiri kuzviudzwa kwose kwandinoenda, kungava kun’anga kana kumaporofita. Zvinonzi kuyamwa kwaaita ropa rangu ndidzo dzaitova mhiko dzacho.
“Zviri kunzi ndikangodanana nemumwe murume zvinhu izvi zvakadai, anofa ipapo asina kumbobvapo. Saka handidi kuuraya vana vevaridzi asi ndinodawo wekudanana naye nekuzoroorwa zvekare,” anodaro Chirombo.
Anoti anoda kuti abviswe rukawo urwu kuitira kuti afambire mberi neupenyu hwake mune zvakanaka.
“Ndave kudawo murume, veKwayedza itai kuti ndibatsirwe ndiwanewo anondiroora. Ndichiri kuzvinzwa, fungai kuti kubva gore rakapera pandainge ndichiina Gurupira, ndipo pandakapedzesera . . . murume. Kana makanditarisawo, ndiri mukadzi wekuti angagare asina murume here ini nekusvika kwandakaita uku? Ndinosvika kupi ndisina munhu wekudanana naye nhaimi?” anodaro Chirombo achichema-chema.
Muzvinabhizimisi uyu ane dzimba mbiri kuArdbennie nekuMbare uye anoti ave kugara kuchitoro chake nekutya kubirwa. “Handizive kuti munyama
◆
◆ rudzii, ndakatanga kurambana nemurume wangu wekutanga wandine vana vaviri naye nekuda kwekuti aisandichengeta. Handina murume anombondivigirawo kana pepabhegi chairo regirosari, kana masiwiti zvawo. Vanotodya ini, pamusoro pazvo ndave kuiswa runyoka nemunhu akandiparadza uyu nekundidya chitoro changu chikapotsa chaparara. Gurupira ndaimuchengeta ini.”
Mukadzi uyu anoti pavana vake vana — vaviri nemurume wekutanga nevamwe vaviri naGurupira — vose vane matambudziko makuru anoda kuti vabatsirwe.
Chi rombo anotizve rushambwa rwake rwakatanga achiri mudiki sezvo aigara achingodzingirirwa nenyoka uyewo achiita tsvina yaibuda nenyoka mukati.
Asi Gurupira anoramba zvose zviri kutaurwa naChirombo — zvekuti akamuisa runyoka nekumunwa ropa repanguva yake yekutevera – achiti mashoko ekuda kusvibisa zita rake.
“Ndichimuisa rukawo papi pacho? Kana vanhu mave kurambana unongosiya munhu akadaro . . . nekuwanda kwakaita vakadzi uku! Handina zvandinoziva zvakadaro,” anodaro Gurupira.
Anoti ane fungidziro yekuti Chirombo ndiye akatomushandisira mushonga wakaipa nechinangwa chekuti bhizimisi rake ribudirire.
◆ shinha nemukadzi akagadzirwa nako, anozvimba dumbu kusvika pakuputika kana asina kurapwa nevanogona uye nenguva. “Tine rwehove, rwekuti murume ukashinha nemukadzi akaiswa rukawo urwu, unogara wakaisa makumbo ako mumvura apo anogara achipisa uye asingade kuburitswa kunze sezvinoitawo hove.
“Kunewo runyoka rwanyakungu kana kuti rwemubobobo — rwekuti ukangosangana nemukadzi akarwuiswa, unofira ipapo wobva wasviba setsito sewarumwa nerovambira,” vanodaro. Vanotizve kune runyokawo rwunoiswa kuvanhurume nemadzimai avo, rwekuti havakwanise kuita bonde kunze kwewanano. “Varume vanosungwa chete nerunyoka kana rukawo, havazokwanisa kuita bonde nemumwe mukadzi kunze kweakamusunga wacho,” vanodaro VaChisanyu.
Vanoenderera mberi vachiti, “Kubva kare, zvaiitwa ndokusaka maiona kuti kwaisava nezvirwere nekuti vanhu vairemekedza dzimba dzavo nekutya nyaya dzerukawo.
“Murume aienda kuWainera, kuSouth Africa, amai vaisara vari voga kwemakore asi baba vachizodzoka vachiwana musha wakamira. Kwete mazuva ano ekuti zuva rimwe chete unowana mumba chikomba chagara pasofa.” vanodaro. Mashoko avo anotsinhirwa naSekuru Bonface Katerere vekuUzumba vachiti runyoka haruna kuipa sezvo iri nzira yekuchengetedza musha. Mbuya Marita Ried, avo vanove imwe nyanzvi yechivanhu, vanoshora varume vane tsika yekuisa rukawo kumadzimai asi vozovaramba vachisiya vakadaro, voshaya vekudanana navo. “Hongu, rwakanaka pakuti madzimai haaite zvechipfambi. Asi zvakaipa kana varume vave kuzoramba vachisiya madzimai vakadaro, izvo zvinonetsa kuti vawane vamwe varume,” vanodaro.
Madzibaba Elias Gomwe vechechi yeJohane Masowe weChishanu yekuChitungwiza vanotiwo maporofita anoisa rukawo nenzira dzakasiyana sekushandisa muteuro asi rwuchishanda zvimwe chete.
“Inzira yakanaka zvikuru kuchengetedza misha yedu sevarume nekuti hakuna murume anoda kuti musha wake upinde mumwe murume,” vanodaro.