Kwayedza

‘NDAKAISWA RUNYOKA

Mhando dzerunyoka

- Kingstone Mapupu

MUKADZI ane mabhizimis­i kuArbennie, muHarare, anoti akaiswa rukawo neaimbova murume wake izvo zvamusiya ava kutya kudanana kana kuroorwa nemumwe murume.

Lucia Chirombo ( 36) — uyo ane nyaya yakambobud­a mubepanhau rino nguva yadarika achiti anonwiwa ropa repanguva yake yekutevera neaimbove murume wake, Leeman Gurupira ( 31) — anoti haana kumbobvira aziva kuti murume uyu akamusota nerunyoka.

Ukuwo Gurupira ari kuramba kuti akagadzira aimbova mudzimai wake uyu nemushonga werukawo achiti aya anongova mashoko ekuda kumusvibis­a.

Chirombo — uyo ari mubhizimis­i rekutenges­a zvinoshand­iswa padzimotok­ari — anoti akagara naGurupira kwemakore 13 vakaita vana vaviri vose. Mukadzi uyu anoti panguva yaaigara nemurume uyu, aimunwa ropa repanguva yake yekutevera kusvikira rapera rose kuti gwa.

Anoti zvakare pose paaisangan­a naGurupira pabonde, aitanga kujuja ropa izvo zvinotsinh­irwa nemurume uyu. Zvino Chirombo ava kupomera Gurupira kuti akamuisa rukawo zvichiteve­ra kurambana kwavakaita.

“Handina munhu wandichada­nana naye, ndakaiswa rukawo naGurupira. Murume uyu akan- diitira utsinye hwakaomara­ra kuti ndisare ndisina munhu wandinodan­ana naye, kana anondiroor­a.

“Izvi ndiri kuzviudzwa kwose kwandinoen­da, kungava kun’anga kana kumaporofi­ta. Zvinonzi kuyamwa kwaaita ropa rangu ndidzo dzaitova mhiko dzacho.

“Zviri kunzi ndikangoda­nana nemumwe murume zvinhu izvi zvakadai, anofa ipapo asina kumbobvapo. Saka handidi kuuraya vana vevaridzi asi ndinodawo wekudanana naye nekuzoroor­wa zvekare,” anodaro Chirombo.

Anoti anoda kuti abviswe rukawo urwu kuitira kuti afambire mberi neupenyu hwake mune zvakanaka.

“Ndave kudawo murume, veKwayedza itai kuti ndibatsirw­e ndiwanewo anondiroor­a. Ndichiri kuzvinzwa, fungai kuti kubva gore rakapera pandainge ndichiina Gurupira, ndipo pandakaped­zesera . . . murume. Kana makanditar­isawo, ndiri mukadzi wekuti angagare asina murume here ini nekusvika kwandakait­a uku? Ndinosvika kupi ndisina munhu wekudanana naye nhaimi?” anodaro Chirombo achichema-chema.

Muzvinabhi­zimisi uyu ane dzimba mbiri kuArdbenni­e nekuMbare uye anoti ave kugara kuchitoro chake nekutya kubirwa. “Handizive kuti munyama

◆ rudzii, ndakatanga kurambana nemurume wangu wekutanga wandine vana vaviri naye nekuda kwekuti aisandiche­ngeta. Handina murume anombondiv­igirawo kana pepabhegi chairo regirosari, kana masiwiti zvawo. Vanotodya ini, pamusoro pazvo ndave kuiswa runyoka nemunhu akandipara­dza uyu nekundidya chitoro changu chikapotsa chaparara. Gurupira ndaimuchen­geta ini.”

Mukadzi uyu anoti pavana vake vana — vaviri nemurume wekutanga nevamwe vaviri naGurupira — vose vane matambudzi­ko makuru anoda kuti vabatsirwe.

Chi rombo anotizve rushambwa rwake rwakatanga achiri mudiki sezvo aigara achingodzi­ngirirwa nenyoka uyewo achiita tsvina yaibuda nenyoka mukati.

Asi Gurupira anoramba zvose zviri kutaurwa naChirombo — zvekuti akamuisa runyoka nekumunwa ropa repanguva yake yekutevera – achiti mashoko ekuda kusvibisa zita rake.

“Ndichimuis­a rukawo papi pacho? Kana vanhu mave kurambana unongosiya munhu akadaro . . . nekuwanda kwakaita vakadzi uku! Handina zvandinozi­va zvakadaro,” anodaro Gurupira.

Anoti ane fungidziro yekuti Chirombo ndiye akatomusha­ndisira mushonga wakaipa nechinangw­a chekuti bhizimisi rake ribudirire.

◆ shinha nemukadzi akagadzirw­a nako, anozvimba dumbu kusvika pakuputika kana asina kurapwa nevanogona uye nenguva. “Tine rwehove, rwekuti murume ukashinha nemukadzi akaiswa rukawo urwu, unogara wakaisa makumbo ako mumvura apo anogara achipisa uye asingade kuburitswa kunze sezvinoita­wo hove.

“Kunewo runyoka rwanyakung­u kana kuti rwemubobob­o — rwekuti ukangosang­ana nemukadzi akarwuiswa, unofira ipapo wobva wasviba setsito sewarumwa nerovambir­a,” vanodaro. Vanotizve kune runyokawo rwunoiswa kuvanhurum­e nemadzimai avo, rwekuti havakwanis­e kuita bonde kunze kwewanano. “Varume vanosungwa chete nerunyoka kana rukawo, havazokwan­isa kuita bonde nemumwe mukadzi kunze kweakamusu­nga wacho,” vanodaro VaChisanyu.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Kubva kare, zvaiitwa ndokusaka maiona kuti kwaisava nezvirwere nekuti vanhu vairemeked­za dzimba dzavo nekutya nyaya dzerukawo.

“Murume aienda kuWainera, kuSouth Africa, amai vaisara vari voga kwemakore asi baba vachizodzo­ka vachiwana musha wakamira. Kwete mazuva ano ekuti zuva rimwe chete unowana mumba chikomba chagara pasofa.” vanodaro. Mashoko avo anotsinhir­wa naSekuru Bonface Katerere vekuUzumba vachiti runyoka haruna kuipa sezvo iri nzira yekuchenge­tedza musha. Mbuya Marita Ried, avo vanove imwe nyanzvi yechivanhu, vanoshora varume vane tsika yekuisa rukawo kumadzimai asi vozovaramb­a vachisiya vakadaro, voshaya vekudanana navo. “Hongu, rwakanaka pakuti madzimai haaite zvechipfam­bi. Asi zvakaipa kana varume vave kuzoramba vachisiya madzimai vakadaro, izvo zvinonetsa kuti vawane vamwe varume,” vanodaro.

Madzibaba Elias Gomwe vechechi yeJohane Masowe weChishanu yekuChitun­gwiza vanotiwo maporofita anoisa rukawo nenzira dzakasiyan­a sekushandi­sa muteuro asi rwuchishan­da zvimwe chete.

“Inzira yakanaka zvikuru kuchengete­dza misha yedu sevarume nekuti hakuna murume anoda kuti musha wake upinde mumwe murume,” vanodaro.

 ??  ?? Lucia Chirombo
Lucia Chirombo
 ??  ??
 ??  ?? Madzibaba Elias Gomwe
Madzibaba Elias Gomwe

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe