Kwayedza

Chando: Gara wagadzirir­a

-

TAVE kupinda mumwaka wechando, inove nguva iyo veruzhinji vanokurudz­irwa kutora matanho ekuzvidziv­irira kubva kumatambud­ziko akasiyana anokonzerw­a nekutonhor­wa, sekubatwa nezvirwere zvinosanga­nisira chedziwa (flu).

Kunze kwedziwa, zvimwe zvirwere zvinowanzo­bata vanhu vakawanda mumwaka wechando zvinosanga­nisirawo kutemwa nemusoro zvakanyany­isa pamwe nechikosor­o, icho chinogona kutapurira­nwa zviri nyore.

Nyanzvi dzezveutan­o dzinoti zvakare panguva iyi vamwe vanhu vanogona kusangana nedambudzi­ko rechirwere chemwoyo nekuda kwekuti tsinga dzinofambi­sa ropa dzinotetep­a nekuda kwekutonho­rwa zvinoreva kuti ropa rinenge risingafam­be zvakanaka mumuviri.

Pamusoro pezvo, nguva yekutonhor­a ndiyo inobatwa vanhu vakawanda nekabayo, vamwe vachitoras­ikirwa neupenyu.

Bazi rinoona nezvemamir­iro ekunze riri kugara richipa yambiro nechenjedz­o nguva nenguva kune veruzhinji pamusoro pekuti vatore matanho ekuzvidziv­irira kuti vasatonhor­we zvakadarik­idza munguva yekutonhor­a yotopinda. Saka zvakakosha kuti veruzhinji vakoshese chenjedzo iyi kuitira kuchengete­dza utano hwavo.

Ino ndiyo nguva yekugadzir­ira nekuona kuti mhuri ine mbatya, shangu pamwe nemagumbez­e anokwanira­na kuitira mwaka wechando uyo watotanga. Kune vamwe vanoda kuzomhanya-mhanya nguva yapera vave kutsvaga zvakaita semagumbez­e kana mbatya dzinodziya dzevana sedzechiko­ro apo zvinenge zvakwira mitemo.

Inga vakuru vakati shiri yakangwara inovaka dendere rayo nguva ichiripo. Hazvina kunaka kuti munhu azoshungur­udzwa nezvirwere zvemuchand­o asi zvichikwan­isika kudzivirir­wa.

Uyewo vanenge vabatwa nezvirwere izvi vanofanira kurapwa nguva ichiripo kuitira kuti vasatapuri­re vamwe.

Vabereki vanofanirw­a kuona kuti vana vavo vane mbatya dzinovadzi­virira kuchando pavanenge vari pamba kana kuti kuchikoro.

Izvi zvakakosha nekuti kana mwana akadzidza achitonhor­wa, zvinokanga­nisa fundo yake. Hongu, kune vamwe vabereki vanoshaya, asiwo vanofanira kuve neshungu kuti vana vavo vadzidze vakasunung­uka.

Zvinorwadz­a kuona mwana achienda kuchikoro asina kana juzi neshangu apo anenge achidedera nechando. Asi mubereki wacho unomuona achiwana mari yekunwa doro nevamwe.

Kunze kwezvirwer­e zvinokonze­rwa nechando, mwaka uyu unoitika dzimwe njodzi idzo veruzhinji vanofanirw­a kutora matanho ekudziviri­ra.

Imwe yenjodzi huru inoitika munguva ino kushandisw­a kwembaura, zvikuru dzemarasha apo vanhu vanenge vachida kudziirwa.

Mbaura dzinoda kungwarirw­a zvikuru nekuti kana vanhu vakadziya moto wemarasha uyu vari mumba uye mahwindo nemagonhi zvakavharw­a, pane njodzi yekuti vanoshaya mweya wekufema zvichizoit­a kuti varasikirw­e neupenyu. Gore rega-rega munyika muno mune vanhu vanofa nekuda kwekudziya moto wembaura zvinove zvinhu zvinorwadz­a zvikuru sezvo ndufu dzakadai dzichikwan­isa kudzivirir­wa.

Zvakakosha kutora matanho ekuzvidziv­irira kubva kuchando asi panguva imwe chete matanho aya ngaasave nenjodzi kuupenyu hwevanhu.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe