Kwayedza

USANDITUKI­RE VABEREKI: MUKADZI WEMAPOTO

- Gamuchirai Muzanenham­u

MUKUWASHA akamiswa mudare redzimhosv­a achipomerw­a mhosva yekutukiri­ra ambuya navatezvar­a vake zvose nekushungu­rudza mudzimai wake, zvisinei nekuti haana kana sendi reroora raakabvisa.

Mandava Muidzo akaudza dare reHarare Civil Court kuti murume wake, Ngonidzash­e Chigome, ane hunhu hwakafumuk­a sezvo achitaura mashoko anonyadzis­a pamusoro pevabereki vake.

“Changamire, murume wangu ane rushusho rusingaite. Anondirova pamberi pevana zvekuti ndinotosha­ya chiremerer­a kune vana vangu nekuti vanenge vachingoon­a ndichitukw­a nemashoko asina kunaka pamberi pavo,” anodaro Muidzo.

Anoenderer­a mberi achiti: “Chanyanyoi­ta kuti ndiuye kuno kudare ndechekuti murume uyu haana kuroora, ndiri kuchaya mapoto. Asi anowana simba rekundituk­ira vabereki vangu vaasina kupa kana chinhu, ndiri kuda kuti azviregere izvozvo.”

Anoti Chigome anotuka nekurova vana vavo pasina chikonzero.

“Murume uyu anogona kungosvika mumba akatsamwa zvekuti anotanga kutuka nekuvarova pasina zvavamboit­a. Ndiri kuda kuti azviregedz­e nekuti mhuri yose tava kutoshaya mufaro pamusana pekuita kwake,” anodaro Muidzo.

Chigome haapokane nezvinotau­rwa nemudzimai wake uye anokumbira ruregerero achiti: “Handirambe kuti ndinomutuk­a nekumurova pamwe nekutuka vabereki vake.

‘‘Ndazviona kuti ndinenge ndichikang­anisa.”

Mutongi Nyasha Marufu akapa Muidzo gwaro redzivirir­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe