Kwayedza

‘Hamusi amai vangu imi, makandinho­nga’

- Gamuchirai Muzanenham­u

MWANASIKAN­A wekushaya ganda kumeso zvekugara achitukidz­ira amai vake achivati havazirivo vakamubere­ka asi kuti vakaita zvekumunho­nga akazochema-chema achikumbir­a ruregerero mudare achiti apfidza katsika kake kekushaya hunhu aka.

Grace Banda akamhan’arira Agnes Banda kuHarare Civil Court achiti ari kumushaisa mufaro nekumutuka nekudaro anoda kuti abve pamba pake.

“Changamire, ndauyawo pamberi penyu kuti mundibatsi­re pamwana wangu. Anondituka nekundishu­ngurudza asi iye achigara pamba pangu,” anodaro Grace.

Anoti Agnes anonetsa uye haadi kuti mwana wake atsiurwe nemumwe munhu kana achinge aita misikanzwa sezvo achibva atanga kupopota.

“Haadi kuti mwana wake atsiurwe nevamwe asi mwana wacho anenge achiita misikanzwa zvekuti vamwe vazukuru vangu havachatod­e kuuya kumba kwangu pamusana pemwana wake anopota achivaruma. Ukada kuti umutsiure, amai vake vanobva vapopota vachiti tisavanets­ere mwana wavo. Zvino ini handingazv­igone, ngaabve zvake pamba pangu ndifaranuk­e,” anodaro Grace.

Anoti Agnes anogara achimuudza magaramwoy­o.

“Mwana uyu anotaura mashoko anorwadza zvekuti kusatomuon­a kuri nani. Anonditi handisi amai vake, ndakamunho­nga saka pamwe ndizvo zvinomupa kundishung­urudza,” anodaro Grace.

Agnes anoti haasi kuramba kubva pamba paamai vake asi anodawo kupihwa nguva yakaita semwedzi mina yekuti atsvage basa kuitira kuti akwanise kuzviririt­ira achigara kwake oga.

“Kubva pamba apa ini nemwana wangu handirambe, asi ndiri kukumbiraw­o mwedzi mina yekuti nditsvage basa ndigowana kubva zvakanaka,” anodaro Agnes. Anoti apfidza, haacharamb­a achishungu­rudza amai vake.

“Handichadz­okorora zvakare kuvatuka kana kuvashungu­rudza,” anodaro Agnes.

Mutongi Nyasha Marufu akapa Grace gwaro redzivirir­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe