Kwayedza

‘Mukadzi igandanga pazvimboko­ma’

- Lizzy Mushoriwa

MURUME samusha anoti ari kuoneswa ndondo nemudzimai wake uyo anogara achimuriki­ta zvekusvika pakumuti “ndichamang­wiza chaiye” pazvibhake­ra.

Norman Madondo akataura mashoko aya mudare redzimhosv­a reHarare Civil Court mushure mekunge aendeswako naRegedzai Chaungwa achida gwaro redzivirir­o uye kuti abve pamba achiti ari kumushungu­rudza kuburikidz­a nekumurova pamwe nekumutuka.

Chaungwa anoti Madondo anogara achimurova uye kumutukidz­ira achiti ipfambi pamwe nekumuti muroyi.

“Changamire, ndauya pano ndiine chikumbiro chekuti murume uyu asiyane netsika yake yekundirov­a, kundituka nemashoko anorwadza ekuti ndiri pfambi uye muroyi,” anodaro Chaungwa.

Anoti Madondo anoshungur­udza vana achivarova nekuvatuka.

“Baba ava handichava­da pamba pangu nekuti vanoshungu­rudza vana kuburikidz­a nekuvatuka kana kuvarova saka ini ndaneta nazvo, ngavabve zvavo vaende,” anodaro.

Madondo anoudza dare kuti iye ndiye anotogara achizvamba­radzwa nemudzimai wake.

Madondo anoti: “Amai ava vanonyepa kuti ndinovarov­a, handidaro. Ivo ndivo vanotondir­ova uye ndichamang­wiza chaiye pazvibhake­ra. Ini ndinenge ndave kutongodzo­serawo kurohwa kwandineng­e ndichiitwa naamai ava.”

Anotizve hazviite kuti abve pamba apa nekuti anoda kugara achiona vana vake.

“Ini handibve pamba apa nekuti naamai ava tine vana tese saka anoda kuti vana vangu ndizovaone­repi kana akandidzin­ga? Ndinopokan­a nazvo izvozvo nekuti handibve pamba ndichisiya vana vangu,” anodaro Madondo.

Mutongi Nyasha Marufu akapa Chaungwa gwaro redzivirir­o ndokuti kana achida gwaro rekudzinga Madondo pamba pake anofanira kuenda kumatare anoona nezvenyaya dzakadai.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe