Kwayedza

‘Ndakadyisw­a tsvina yemunhu nen’anga’

- Abel Ndooka

MUKADZI wekuNorton anoti akadyiswa tsvina yake nen’anga achinzi iyi inzira yekumurapa dambudziko rake rekutevera kasingaper­e kwemakore matanhatu.

Mukadzi uyu — watichango­dura bedzi saJennet (32) sezvo achikumbir­isa kuti Kwayedza isamuburit­se nezita rake rizere achiti zvinozomut­adzisa kugara akasunungu­ka munharaund­a yake — anoti akadyiswa tsvina yake achinzi ndizvo zvaizopedz­a dambudziko rake.

Anoti ave nemakore matanhatu achingotev­era zvisina magumo, izvo zvasvika pakumushai­sa rufaro mumba nemurume wake.

Jennet anoti kusvika pari zvino ashandisa mari yakawanda zvikuru achitenga zvekuzvish­ambidza zvakaita semasanita­ry pads nekuda kwedambudz­iko rake.

Nekuda kupedza izvi, Jennet anoti akasvika pakutsvaga rubatsiro kun’anga nekumaporo­fita asi hapana shanduko.

“Nd ape r e rwa , ma k o r e matanhatu ndichifamb­a kun’anga nekumaporo­fita ndichitsva­ga kubatsirwa asi hapana chiri kubuda. Ndanwiswa mishonga yakawandis­a, kumwe kwacho ndikanzi ndidye tsvina yangu chaiyo neimwe n’anga zvichinzi ndiko kuti dambudziko rangu ripere.

“Nekutsvaga kuti ndipore, ndakaidya asi zvose izvi hazvina kushanda,” anodaro.

Anoti dambudziko rake rasvika pakuda kumuparadz­ira imba yake sezvo zviri kuitika paari zvichimuta­dzisa kusasana nemurume wake.

“Mumba mave kusvika pakusamira zvakanaka, nekuda kwekusakwa­nisa kufadza murume wangu.”

Nekuda kuti dambudziko rake rimuperere, Jennet anoti ndizvo zvakamusvi­tsa pakubvuma kunzi nen’anga aite tsvina yake, pashure oidya.

Pari zvino Jennet ari kutsvaga rubatsiro kuimwe chechi iri muHarare.

 ??  ?? Jennet
Jennet

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe