Kwayedza

Kuchengete­dzwa kwekodzero yemidziyo yewanano Part 11

- Rumbidzai Tawonezvi-Moyo

ICHI chikamu chepiri chenyaya dzekodzero yekuchenge­tedzwa kwemidziyo yewanano inenge yakanyores­wa muzita remudikanw­i wako. Muzvinyorw­a zveZimbabw­e Women Lawyers Associatio­n, nyaya yekutanga yakabudisw­a mubepanhau reThe Herald nomusi wa10 Chivabvu gore rino. Nyaya iyi inowanikwa padandemut­ande rinoti <http://www.herald. co.zw/temporary-protection-of-rights

Svondo rino tichaender­era mberi nenhaurwa yedu kuti tingakwani­sa sei kuchengete­dza midziyo yewanano kwenguva diki tichitaris­a nyaya dzekunyore­swa kwemagwaro anochenget­edza midziyo (Caveat), zvikuru sei midziyo yakaita sedzimba inenge iri muzita remudikanw­i. Zvakakosha kuziva kuti Caveat ndeye nguva duku sezvo muridzi wemudziyo ndiye bedzi ane kodzero yekuita zvaanoda nayo. Gwaro reCaveat pamusoro pemba: Magwaro anochenget­edza midziyo anogona kuitwa kunyangwe kumidziyo yakadai sedzimba. Magwaro aya anofanoche­ngetedza midziyo kubva kumudikanw­i asiri muridzi wayo kuti irege kutengeswa.

Magwaro aya anokwanisa kushandisi­ka kana kune nyaya iri kumatare edzimhosva maringe nemidziyo iyoyo, zvikuru sei kana mudikanwi ave kuda kutengesa midziyo asi paine nyaya inenge iri kumatare pamusoro pekugovewa kwayo.

Somuenzani­so, John naChipo vari kuda kurambana kudare guru redzimhosv­a reHigh Court of Zimbabwe. Vane imba ine makamuri mana inova yakanyores­wa muzita raJohn asi inenge ichifanira kugoverwa pakati pevaviri ava apo vanoramban­a kudare iri.

Nyaya yekuramban­a ichiri mudare redzimhosv­a saka John anosarudza kutengesa imba apo dare risati rapa mutongo wekuramban­a kana kutsanangu­ra magoverwo emidziyo.

Imba iyi isati yatengeswa, Chipo anonzwa nezvehuron­gwa hwaJohn hwekutenge­sa imba yewanano saka Chipo ane masimba ekunotora magwaro anodziviri­ra John kuti asatengesa midziyo apo vanenge vakamirira mutongo wedare reHigh Court. Chipo ane kodzero yekupa umboo hwekuti kana John akaenderer­a mberi nekutenges­a midziyo anenge achikangan­isa kodzero dzake dzekuti ange achiwana mugove wemba iyoyo. Nokudaro, dare rinopa magwaro anodzvivir­ira kutengeswa kwemidziyo iyoyo. Dambudziko remagwaro anodziviri­ra kutengeswa kwemidziyo yewanano ndere kuti murume kana mukadzi anogona kutengesa midziyo iyi zvisina ruzivo rwemudikan­wi wake asi achizozivi­swa izvi kana midziyo yave kuiswa muzita remunhu atenga. Izvi zvinoreva kuti mudikanwi anogona kuzongobvu­ma kutambira mari inenge yatengwa nayo midziyo iyi vobva vasainiran­a magwaro ekutengese­rana. Zvese izvi zvinogona kuitika pasati pava nemagwaro anodziviri­ra kutengeswa kwemidziyo.

Zvinhu zvakakosha maringe nemagwaro ekuchenget­edzwa kwemidziyo:

1. Magwaro anodziviri­ra kutengeswa kwemidziyo ndeenguva diki nekuti haarambidz­i muridzi wemidziyo kuti ange achitenges­a midziyo yake panguva yakatarwa. Magwaro aya anoshanda bedzi kana paine nyaya inenge ichiri kumatare edzimhosva.

2. Panofanira kunge paine nyaya iri kudare nokudaro kana pasina nyaya dzakadai sekuramban­a dzinenge dziri kumatare edzimhosva magwaro anodziviri­ra kutengeswa kwemidziyo haakwanisi kunge aripo.

3. Nekuda kwezviri pamusoro, magwaro anodziviri­ra kutengeswa kwemidziyo haakwanisi kushandisw­a kudzivirir­a kutengeswa kwemba zvisina kutsigirwa kwakakwana. Pane imwe nyaya yekuramban­a kwemukadzi nemurume yakatora makore gumi nemashanu, gwaro redzivirir­o rakashandi­swa kumisa kutengeswa kwemba asi nyaya yacho isina kupedziswa kwenguva refu. Dare rakazoona kuti vaviri ava vaida kushandisa dare kuti imba yavo isatengesw­a nemumwe munhu wavanga vakakweret­a vakatadza kubhadhara. Zvakaonekw­a kuti iyi yaive nzira yekuedza kutiza chikwereti ichi. Izvi zvinoreva kuti magwaro ekudzivisw­a kutengeswa kwemidziyo aya haashande kana uchida kudzivisa kutengeswa kwemidziyo yako nemunhu waune chikwereti naye.

4. Kuve nemagwaro anodziviri­ra kutengeswa kwemidziyo hakurevi kuti wave muridzi wemidziyo iyoyo. Zvinongore­va bedzi kuti une kodzero yekuva nemidziyo iyoyo asi wakamiriri­ra mutongo wedare.

5. Matare edzimhosva anotarisa zvakare kodzero dzemuridzi wemidziyo uyo anogona kudaro ari kuda kumbunyiki­dzwa kana anenge atengeserw­a wacho. Asi vachitaris­a mativi ese evanenge vatadzirwa.

6. Magwaro anochenget­edza vari muwanano.

Zvisinei nekuti midziyo yewanano inenge yatengeswa zvine magwaro, dare rinotarisa zvakare kuti vari muwanano vawana migove yavo here asi paine mikana zvakare yekuti nyakutenge­serwa ange achidzorer­wa mari yake.

7. Magwaro anochenget­edza midziyo anonyorwa sei?

Magwaro aya anowanikwa kumatare edzimhosva. Unokwanisa kutsvaga rubatsiro rwemagweta.

Sangano reZimbabwe Women Lawyers Associatio­n rinovimba kuti ruzivo rwamapakur­irwa rwuchakuba­tsirai mukuviza nyaya dzemitemo maringe nekodzero dzenyu dzekucheng­etedza midziyo yewanano. Takaona kuti kazhinji kacho madzimai ndiwo ari kunyanya kuita dambudziko rekurasiki­rwa nemidziyo yewanano apo vadikanwi vanoitenge­sa nerweseri nekuti kazhinji kacho ndivo vanenge vasina zita rakanyorwa pane midziyo. Zvakakosha zvakare kuti vanhu vange vachinyore­sa midziyo mumazita avo kuti zvionekwe kuti ndivo varidzi vayo apo vanoenda kumatare edzimhosva.

◆ Kana paine zvamunoda kubvunza kana kuziva munogona kutibata padandemut­ande rinoti zwla@zwla.co.zw <mailto:zwla@zwla.co.zw>, kufona panhamba dzeHotline dzinoti 0782 900 900 kana dzeToll-free 08080131.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe