Kwayedza

WhatsApp ndihwindi asingashos­home

-

POTO isina chinhu hainonoke kufashaira, kana nemashanga asina chibage anotakurwa nemhepo. Chenjerera kuzomhanyi­swa nemanyoka ekeke rekushamis­ira nechirungu chepaWhats­App. Kwawakabva hakuna basa kunge kwauchazoe­nda.

WhatsApp haibatwe maoko kana wafa, uye WhatsApp haina ivhu rekuti tichere guva rako. Nyangwe zvenyu muchigara muripo paWhatsApp, zivai kuti yakafanana nekugara pabhiriji. Bhiriji harisi imba.

WhatsApp muti wakazara tsoko dziri kuita ruzha. Muti uzere miromo inenge yeshiri, miromo mirefu inenge yemosikito, miromo inenge mapako seyemvuu, nemiromo inotaura zvakafumuk­a kunge mahwindi akadhakwa.

PaWhatsApp pane miromo ine pamuromo, miromo ine ruzivo rwemanyepo nekuti iyo ndeyemanye­po. Miromo yeWhatsApp inotaura kwaisina kuswera. Miromo inotaura paWhatsApp haigute mashoko.

WhatsApp ndihwindi asingashos­home, anongoramb­a ichisheved­zera town, city, Mbare! Nyangwe usiri kuda kuenda kutown kana kuMbare, uchingozvi­fambirawo, hwindi anokusheve­dza kuti, “Handei sister!”

Nhaiwe, endaka iwewe uri mukombi macho usiyane neni ndiri kuenda kwandiri kuenda kwausiri kuenda. WhatsApp inokupedze­ra nguva kunge kudya sadza nehove iwe uine nzara.

Iko zvino handisisin­a pekuisa mashoko ayo. Ini ndiri kuda kutaura nemhuri yangu, asi WhatsApp inongoramb­a ichipinimi­dza muswe wayo kuti nditambe nayo. Pane chisvinu chaicho here chiripo paWhatsApp apa kunze kwekungosh­amisira nekukwidza­na ndege dzemashang­a? Ko iko kuseka kunenge kwehwiza kikikiki, nemashoko anongoramb­a achitender­era kunge mvura

yemuchemba.

Saka panguva yePasika, ndakambodz­ima foni yangu kuti ndifunge nezvaJesu. Vafundisi vedu pavanenge vachiparid­za zvemari, vafundisi vevamwe vanenge vachidzidz­isa zvakavanzi­ka zvaJesu.

Mufundisi Max Lucado vakataura nyaya yakandiwac­ha ikandiyani­ka pamutariro sehembe. Vakati, hembe dzemunhu dzinogona kukuudza zvakawanda pamusoro pemunhu. Ndakabva ndafunga hembe dzinosiya mazamu panze. Kana munhu akapfeka hembe inosiya mazamu kana zvidya zvese panze, hembe yake inenge yashanda semuromo.

Mufundisi Lucado vakapa muenzaniso wekuti hembe yaive yakapfekwa naJesu yakanga isina musono. Yakati tsepete, chechetere. Isina miganhu,

◆ uye yakabatana.

Kufanana nehembe yake, Jesu akanga asina pakakangan­isika kana pane buri. Jira rehembe yaJesu rakanga rakabva kudenga rakadaro, risina musono. Misono inoreva kubatanidz­a zvinhu.

Ndipoka paye pamunoti hazvisi kusangana. Musono unoreva kushandisa njere kuti zvinhu zvive chinhu. Asi kushaya musono sekwehembe yaJesu kunoreva kuita kwaMwari akataura kuti ngapave nemiti, miti ikavepo.

Asi Jesu paakarover­wa pamuchinji­kwa vakabvisa hembe yake isina musono, hembe isina pakaboorwa pachisonwa. Vabvisa hembe yakarurama iyi, vakamupfek­edza dzimwewo hembe dzisingait­e. Akapfeka hembe dzinobvisa chimiro pane vanhu. Akanyadzis­wa pamberi pehama nemhuri yake.

Akabviswa chimiro nekuti akabviswa hembe akasara ashama. Akanyadzis­wa pamberi pevanhu vakanga vachimupom­era mhosva.

Ini ndiri kuda kuti Mwari vandibatsi­rewo kuti ndibvise hembe dzeWhatsAp­p dzakasonwa nevanhu, ndipfekewo hembe dzine runyararo, dzisina musono. Nyika yakauraya Jesu nekuda kwemashoko akanga achimhanyi­swa nevanhu. Mapisarema 137 inoti: Panzizi dzeBhabhir­oni takagarapo tikachema, patakarang­arira Zioni.

. . . ipapo avo vakatitapa vakatikumb­ira nziyo, vatambudzi vedu vakati, “Tiimbirei rumwe rwiyo rweZioni!”

Tingaimba seiko nziyo dzaJehovha tiri munyika yokumwe? Pafungeiwo vanhu vouya kuzokusung­ai setayi, vadaro voti tiimbirei nziyo dzemufaro. Asi ivo vachiziva kuti nyika yeWhatsApp haisi nyika. Inyika yemungano, haungati wave kugaramo kana kuwana mukadzi kana murume imomo. Nyika yeWhatsApp inofanira kuti ubude mairi uchiri munhu.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe