Kwayedza

‘. . . vadzidzi vobhadhara chidimbu’

-

MUTEVEDZER­I wegurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandud­zwa kwemichina, Dr Godfrey Gandawa, vanoti Hurumende iri kutora matanho ekuderedza mari inobhadhar­wa nevadzidzi vekumakore­ji nemayunivh­esiti panguva yavanenge vari kufundira mabasa mumakamban­i nemasangan­o akasiyana (attachment).

Vakataura mashoko aya mudare reNational Assembly svondo rapera apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weMutasa South mudare iri, Cde Irene Zindi.

Cde Zindi vaida kuziva kuti sei vadzidzi vekumayuni­vhesiti nemakoreji vachibhadh­ara mari yakazara panguva yavanenge vari paattachme­nt.

“Ndinoda kuziva kubva kugurukota redzidzo yepamusoro nyaya yekubhadha­rwa kwefizi yakazara nevadzidzi apo vanenge vari pamaattach­ment. Vabereki vari kubhadhara mari yakazara yetemu yose asi vadzidzi ava vanenge vasiri pakoreji kana payunivhes­iti panguva iyi,” vanodaro.

Vanoendere­ra mberi vachiti: “Bazi renyu rine hurongwa here hwekuti mari iyi idzikiswe panguva iyi. Kunyangwe zvazvo vadzidzi ava vachishany­irwa vachiongor­orwa nevarairid­zi vavo pavanenge vari paattachme­nt, basa racho rinenge risina kuwanda seapo pavanenge vari pachikoro kwetemu yose.”

Dr Gandawa vanoti nguva yadarika, bazi ravo rakaita hurukuro nevadzidzi vekumakore­ji nemayunivh­esiti kumativi ose enyika apo nyaya iyi yakabuda zvakare.

“Nyaya iyi yakazivisw­a kwatiri apo taifamba tichiita hurukuro nevadzidzi vari kumayunivh­esiti nemakoreji munyika. Vadzidzi ava vanoongoro­rwa kaviri nevarairid­zi vavo apo vanenge vari paattachme­nt.

“Ndinoda kuvimbisa vanoremeke­dzwa vabvunza mubvunzo uyu kuti pane matanho atiri kutora mukugadzir­isa nyaya iyi.

“Tichaita kuti vadzidzi vabhadhare mari yefizi yakaringan­a kana kuti yakadai sechidimbu chemari yavanofani­ra kubhadhara temu yose kana vari paattachme­nt kwete yakazara,” vanodaro. Zvakadai, mumiriri weKuwadzan­a East mudare iri, Advocate Nelson Chamisa, vaida kuziva kuti zvakange zvavimbisw­a naDr Gandawa pamusoro pekudzikis­a mari inobhadhar­wa nevadzidzi pavanenge vari paattachme­nt zvichazadz­ikiswa rinhi.

“Iyi inyaya yakakosha uye ndicho chimwe chikonzero chakaita kuti vanhu varwe hondo yerusunung­uko rweZimbabw­e. Sedare reParamend­e, nyaya iyi yaramba iri mudariro kwemakore matatu adarika. Tine nguva yakatarwa here yekuti izvi zvinge zvichizadz­ikiswa?” vanodaro.

Dr Gandawa vanoti bazi ravo riri kutora matanho akakodzera ekuti nyaya iyi inge ichigadzir­iswa mukati menguva pfupi.

“Tine gwaro remutemo watiri kuda kukumikidz­a (Bill) unoona nezvemasha­ndiro emakoreji nemayunivh­esiti, iro rakapasisw­a nedare guru reCabinet. Mangwanani anhasi (neChitatu svondo rapera) taita hurukuro neachange achiungani­dza nekuzonyor­a zvose zvinofanir­a kunge zviri mugwaro iri (drafter), saka takamupa masvondo maviri ekuti ange apedza basa iri.

“Mushure mezvo, tichazoend­esa gwaro iri kuhofisi yaAttorney-General pamwe nekutora mamwe matanho ose akafanira kusvikira rave mutemo,” vanodaro Dr Gandawa.

Vanoti chishuwo chavo kuti gwaro remutemo iri rinozeyewa mudare reNational Assembly mumwedzi waChikungu­ru.

 ??  ?? Dr Gandawa
Dr Gandawa
 ??  ?? Advocate Chamisa
Advocate Chamisa
 ??  ?? Cde Zindi
Cde Zindi

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe