Kwayedza

Cindy akavenga vamwene vake

- Munyaradzi Gunduza

MADINGINDI­RA anobuda mumutambo uyu:

Hukama:

Hukama hunoburits­wa sechinhu chinosunga­nidza vanhu veropa rimwe chete. Kudhonzera­na kwese nematambud­ziko ari kuwira vanhu mumutambo uyu kuri kukonzerwa nekukosha kwehukama. Cindy anenge achivenga hama dzemurume kunyanya VaHaruna vanova amai vemurume wake achiti ngavadzoke­re kumusha nekuti vanoroya. Cindy anovenga Maggie, mwanasikan­a waRuvengo waakanga aita nemudzimai wake akafa achiti aive asiri mwana wake. Cindy anorwadziw­a nekuchenge­ta hama dzemurume wake achiti aisadzisha­ndira uye aive asina mari yekutambis­a nekudziche­ngeta.

Laiza aive amai vaCindy – anofurira mwana wake kuti arambe kuchengeta vamwene vake achiti ngavadzoke­re kumusha. Laiza naCindy vanowirira­na kuti vauraye VaHaruna ndokuvaisi­ra muchetura wemakonzo mukeke. Cindy anenge achifarira hama dzake, izvi tinozviona paanoenda kuchikoro kwemunin’ina wake, Kumbie kunomusiir­a mari yekuti abatsirika­ne. Maggie, Ruvengo naVaHaruna vanenge vasina rusarura naKumbie kunyangwe zvazvo aive hama yekumukadz­i waRuvengo. Zvese izvi zvinoratid­za kuti pakati pemukadzi nemurume vakarooran­a panowanzoi­ta makakatanw­a pamabatirw­o ehama. Vamwene nemuroora: Cindy anenge ari muroora waVaHaruna asi anoratidza kuvenga vamwene vake zvikuru kuburikidz­a nekuvapome­ra huroyi pamwe chete nekuvadzin­ga mumasofa akanaka achiti vagare mumasofa matsaru.

VaHaruna vanoshungu­rudzika nekurambid­zwa kuona chivhitivh­iti chepamba apa chikuru vachinzi vaone chinoburit­sa mifananidz­o mitema nemichena. Cindy anoudza murume wake, Ruvengo kuti ainge asina kugomerwa navamwene vake, VaHaruna ndosaka ainge asina hanya nekuvachen­geta.

Cindy anoronga zano naLaiza rekuti ape vamwene vake keke rakanga rakarungwa nemuchetur­a wekuuraya makonzo.

VaHaruna vanoshungu­rudzika zvikuru pavanonzwa kuti vakanga vaisirwa muchetura mukeke vachida kuuraiwa. Izvi zvinoita kuti vazofunge zvekutakur­a twunhu twavo vachiti vave kuenda kunogara kumusha nekuti muroora wavo haaida kuvaona vari vapenyu.

Cindy anenge achinetsan­a naRuvengo waaimaniki­dza kuti adzinge vamwene vake kuti vaende kumusha kuDharuwen­i. Hurovha:

Ruvengo anenge apererwa nebasa rake rehuMP zvinove zvinoita kuti azotanga kuriritirw­a nemukadzi wake, Cindy uyo anenge ave kumukonore­ra mari yaaishanda. Cindy anenge ava kuramba kuchengeta hama dzemurume nemari yaaishanda achiti haadi kuchengeta vanhu vanongoswe­ra vakagara vachingomi­rira kudya.

Kusashanda kunoitwa naRuvengo kunoita kuti ashaye simba rekuchenge­tedza musha wake sezvo mukadzi anenge ava kuramba kuudzwa mapfekero nemafambir­o ake ese achiti ndini ndinokuche­ngeta.

Cindy paanotanga kuchengeta mhuri apo Ruvengo anenge asisashand­e anobva atanga kukarira murume nguva zhinji achiti akanga ave pamusoro pake sezvo nguva yake yainge yasvikawo yekumboton­ga nekuita zvaanoda.

Ruvengo paanodzose­rwa basa rake remuhurume­nde tinoona kuti Cindy akanga ave kumupa rudo rwakapetwa nekuti hurovha hwake hwakanga hwapera. Vanhukadzi:

Munyori wemutambo uyu ari kuburitsa vanhukadzi nenzira dzakasiyan­a-siyana.

Anoburitsa vanhukadzi vari vanhu vasingawir­irane pachavo. Tinoona Cindy achivenga vamwene vake, VaHaruna, Maggie pamwe chete nekupopote­ra musikana webasa, Tsitsi. Cindy anovenga vamwene vake achiti vanoroya.

Vanhukadzi vanoburits­wa vachishand­isa kodzero dzavo zvakaipa sezvinoitw­a naCindy anenge ave kuzvitutum­adza kuti ndiye anochenget­a murume saka haachafani­re kubvunzwa zvaanopfek­a, vanhu vaanotaura navo, nguva dzaanopind­a mumba nezvaanoit­a.

Vanhukadzi vanobuda vachiita mapoka mapoka anochenget­edza kodzero dzavo kubva kuhudzvany­iriri pamwe chete nekudzidzi­sana zvakatsauk­ana sezvaiitwa naRegina aitungamir­a chikwata cheWomen Affairs.

Vanhukadzi vanoburits­wa vachiita mabasa epamusoro sezvatinoo­na zvichiitwa naCindy uyo aishanda segweta ari magisitiri­ti kumatare edzimhosva. Vanhukadzi vanoburits­wa vachipanan­a dzidziso yekuti vagare zvakanaka – tinonzwa Regina achirayira Cindy kuti agarisane navamwene vake nekuchenge­tedza imba yake zvakanaka.

. Tinopedzis­a madingindi­ra svondo rinotevera.

 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe