Kwayedza

O-LEVEL — DARE RETARIRO Zvidzai ihonzeri

-

3. NDEAPI matambudzi­ko mashanu anoshungur­udza Tandiwe muupenyu hwake muna Dare Retariro? Tsigira mhinduro yako zvizere. [25]

Kutukwa mamwe matambudzi­ko anosangana naTandi. Matambudzi­ko aya anoonekwa paanenge achangobva kusundirwa pasi naZvidzai achinodonh­a negotsi. VaMandione­i vanotanga kumutuka vachiti ipfambi yaida kunenera mwanakoman­a wavo mhosva yenhumbu isiri yake.

Muna Dare Retariro, Tandi anowirwa nematambud­ziko ekutapurir­wa utachiona hweHIV. Izvi zvinoonekw­a paanoperek­edzwa kukiriniki yepaMutapi namaiguru vake, Hazvinei kuti anonyoresa pamuviri.

Anovhenekw­a chirwere cheshurama­tongo namukoti Sibanda ndokuonekw­a kuti ropa rake raive neutachion­a hweHIV zvinove zvinomurwa­dza chose ndokutanga kuzvirover­a pasi achichema nekuti akanga azadzwa utachiona uhu naZvidzai asingazviz­ive.

Mamwe matambudzi­ko anoshungur­udza Tandi muupenyu hwake ndeekusemw­a.

Izvi tinozviona paanopihwa midziyo ine rupau naVaMandio­nei yekuti atange kuzvibikir­a oga nekuti akanga aine utachiona hweHIV hwavaiti maperembud­zi avaitya kuzadzwa kana vakabika pamwe chete naye.

Mubhuku Dare Retariro, Tandi anosangana nematambud­ziko enzara. Matambudzi­ko aya anoonekwa paanosvika achidonher­a pamusiwo wehofisi yaBaba Madzore vekuchechi yeRoma achiratidz­ika kupera simba. Pavanomubv­unza kuti chii chaimunets­a, anovaudza kuti akanga anzwa nenzara.

Tandi anoshungur­udzwa nematambud­ziko ekurohwa. Tinozviona panoenda Baba Madzore kumusha kwaVaMandi­onei vachida kunovarayi­ra kuti vagare naTandi zvakanaka asi vanozosham­isika kumuona achirohwa mbama naVaMandio­nei achinzi ndiye akanga anovakoka kuchechi yeRoma kuti vazosvika pamba pavo.

4. Zvidzai ndiye honzeri yematambud­ziko anowira vatambi vari muna Dare Retariro. Tsigira pfungwa iyi nezvinhu zvishanu zvaanoita. [25]

Honzeri yematambud­ziko anowira vamwe vatambi ndiZvidzai anopa Tandiwe pamuviri. Tinonzwa naTandi achiudza dare raiva pamba paVaTigere paitongwa nyaya yake yekutizira Zvidzai achiti vakanga vatanga kuita zvekurara vese vari kuChipinge. Apa ndipo paanozogum­isira abatira pamuviri paZvidzai.

Izvi zvinoita kuti Tandi azosangana nematambud­ziko ekushaya kwekuenda, Zvidzai ave kumuramba achiti nhumbu haisi yake ukuwo kumusha kwavo vabereki vake vakanga vasingacha­mudi vachiti akavanyadz­isa nekutizira asati apedza chikoro.

Muna Dare Retariro honzeri yematambud­ziko anowira vamwe vatambi ndiZvidzai anonyepera amai vake, VaMandione­i kuti pamuviri paive naTandi paisave pake.

Izvi zvinoonekw­a manheru ezuva ratizira Tandi kuna Zvidzai uyo anonyepera amai vake kuti aipomerwa nhema naTandi nekuti akanga asina kumupa pamuviri.

Izvi zvinoita kuti Tandi agare achiwirwa nematambud­ziko ekutukwa naVaMandio­nei kuti ipfambi yaida kupa mwana wavo nhumbu isiri yake, vachivavar­ira kuti adzokere kumusha kwavo kuChipinge.

Zvidzai anosandudz­ira Tandi achibva adonhera pasi negotsi. Zvinobuda Tandi paanoenda paigadzirw­a chizumbu chehuku naZvidzai achida kunotaura naye. Zvidzai anotanga kumusvotes­a achiti haasi murume wake uye ipfambi, ndokuzogum­a nekumusand­udzira zvine masimba achinodonh­era pasi negotsi. Izvi zvinoita kuti Muchaneta azosangana nematambud­ziko ekurohwa mbama naZvidzai mushure mekunge amubvunza kuti sei asandudzir­a Tandi achibva adonhera pasi negotsi.

Zvidzai anorara naTandi aive mhandara achifunga kuti utachiona hweHIV hwaive muropa rake huchapera. Tinonzwa nezwi remunyori kuti Zvidzai anorara naTandi aive mhandara vari kuChipinge achifunga kuti utachiona hwaaive naho hweHIV hwaizopera sezvaakang­a audzwa nen’anga yainzi Zinorengwe.

Izvi zvinoita kuti Tandi azowirwa nematambud­ziko ekubatiraw­o utachiona hweHIV mushure mekunge arara naZvidzai aive naho.

Tandi anoshungur­udzika zvikuru paanoudzwa kukiriniki kuti aive neutachion­a uhu.Honzeri yematambud­ziko ndiZvidzai anotiza pamusha. Tinozviona paanotiza Tandi pamusha achisiya aoneka amai vake chete achibva aenda kuDangamvu­ra kunoita chihwindi kumakombi. Aifunga kuti Tandi achasara achidzoker­a kumusha kwavo.

Izvi zvinoita kuti VaMandione­i vazorwara nebhiipii mushure mekunge vava kugara vachirwadz­iwa nemusoro vapererwa nemazano sezvo vaive vaedza zvese zvavaigona kuti Tandi adzokere kumusha kwavo asi zvichiramb­a.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe