CHISHONA CHAKANAKA
VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: kwayedza@zimpapers. co. zw kana patrick.shamba@zimpapers. co. zw. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.
***
MHINDURO DZESVONDO RAPERA: Izwi riri pazasi rinogona kureva zvinhu zviviri kana kudarika. Tiudze zvinhu zvina zvarinoreva.
1. Kuvira – kudoka kwezuva
2. Kuvira – Kufashaira kwemvura iri pamoto
3. Kuvira – kukora kwemukaka
4. Kuvira – kuvavira kwedoro kana maheu asvika
***
ZVAKABVA KUVANA:
Pumulani, Epworth – Tsumo: 1. Machimbidza kumedza kutsenga kuchada; 2. Imbwa nyoro ndidzo tsengi dzamatowo;
3. Chimedza matoo akadzipwa neganda remhuru; 4. Matakadya kare haanyaradzi mwana; 5. Kuwanda kwakanaka kwakaipira kupedza sadza.
*** Moreblessing Makwavarara Greendale – 1. Machimbidza kumedza kutsenga kuchada; 2. Imbwa nyoro ndidzo tsengi dzematoo; 3. Chimedza matoo akadzipwa neganda remhuru; 4. Matakadya kare haanyaradzi mwana; 5. Kuwanda kwakanaka kwakaipira kupedza sadza.
***
Otilia Dafete – 1. uchada; 2. dzamatoo;
3. remhuru; 4. mwana; 5. muto
*** Tadiwanashe Sau – 1. muchada; 2. dzematehwe; 3. remhuru; 4. mwana; 5. muto
***
Blessed Anderson, 6 Orange naBasil Anderson, 3 Apple – 1. Matakadya kare haanyaradzi mwana; 2. Imbwa nyoro ndidzo tsengi dzemoyo; 3. Machimbidza kumedza kutsenga uchada; 4. Chimedza matoo akadzipwa neganda remhuru; 5. Kuwanda kwakanaka kwakaipira kupedza muto. ***
Deric Sithole, 7C, Mutasa Primary School – 1. muchada; 2. dzematoo; 3. pahuro; 4. mwana; 5. muto
*** Tawonga Mugwanyu, Mufakose 1 High – 1. Machimbidza kumedza kutsenga kuchada; 2. Imbwa nyoro ndidzo tsengi dzamatoo; 3. Chimedza matoo akadzipwa neganda remhuru; 4. Matakadya kare haanyaradzi mwana; 5. Kuwanda kwakanaka kwakaipira kupedza muto.
***
Solace Zunza, Nyamhunga Primary, Kariba – 1. uchada; 2. dzamatoo; 3. remhuru; 4. mwana; 5. muto
***
Dian Chivima, Mutasa Primary School
Endai KuPeji 16