Kwayedza

CHISHONA CHAKANAKA

-

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumir­a mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsiran­e kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: kwayedza@zimpapers. co. zw kana patrick.shamba@zimpapers. co. zw. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

***

MHINDURO DZESVONDO RAPERA: Izwi riri pazasi rinogona kureva zvinhu zviviri kana kudarika. Tiudze zvinhu zvina zvarinorev­a.

1. Kuvira – kudoka kwezuva

2. Kuvira – Kufashaira kwemvura iri pamoto

3. Kuvira – kukora kwemukaka

4. Kuvira – kuvavira kwedoro kana maheu asvika

***

ZVAKABVA KUVANA:

Pumulani, Epworth – Tsumo: 1. Machimbidz­a kumedza kutsenga kuchada; 2. Imbwa nyoro ndidzo tsengi dzamatowo;

3. Chimedza matoo akadzipwa neganda remhuru; 4. Matakadya kare haanyaradz­i mwana; 5. Kuwanda kwakanaka kwakaipira kupedza sadza.

*** Moreblessi­ng Makwavarar­a Greendale – 1. Machimbidz­a kumedza kutsenga kuchada; 2. Imbwa nyoro ndidzo tsengi dzematoo; 3. Chimedza matoo akadzipwa neganda remhuru; 4. Matakadya kare haanyaradz­i mwana; 5. Kuwanda kwakanaka kwakaipira kupedza sadza.

***

Otilia Dafete – 1. uchada; 2. dzamatoo;

3. remhuru; 4. mwana; 5. muto

*** Tadiwanash­e Sau – 1. muchada; 2. dzematehwe; 3. remhuru; 4. mwana; 5. muto

***

Blessed Anderson, 6 Orange naBasil Anderson, 3 Apple – 1. Matakadya kare haanyaradz­i mwana; 2. Imbwa nyoro ndidzo tsengi dzemoyo; 3. Machimbidz­a kumedza kutsenga uchada; 4. Chimedza matoo akadzipwa neganda remhuru; 5. Kuwanda kwakanaka kwakaipira kupedza muto. ***

Deric Sithole, 7C, Mutasa Primary School – 1. muchada; 2. dzematoo; 3. pahuro; 4. mwana; 5. muto

*** Tawonga Mugwanyu, Mufakose 1 High – 1. Machimbidz­a kumedza kutsenga kuchada; 2. Imbwa nyoro ndidzo tsengi dzamatoo; 3. Chimedza matoo akadzipwa neganda remhuru; 4. Matakadya kare haanyaradz­i mwana; 5. Kuwanda kwakanaka kwakaipira kupedza muto.

***

Solace Zunza, Nyamhunga Primary, Kariba – 1. uchada; 2. dzamatoo; 3. remhuru; 4. mwana; 5. muto

***

Dian Chivima, Mutasa Primary School

Endai KuPeji 16

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe