Kwayedza

VAKAMERA NHENGO MBIRI MBIRI

Vopomera babamukuru kusota muram

- Muchaneta Chimuka

MUKOMANA wekwaNeman­gwe, kuGokwe, anonzi akamera imwe nhengo yesikarudz­i yechirume mushure mekupinda pabonde nemusikana waainge achangoroo­ra, uyo anonzi anga akapingwa nemushonga werukawo nababamuku­ru vake vaimbomuch­engeta vachida kuzomuita mudzimai.

Izvi zvinonzi zvakaitika kuna Liberty Mugari apo akapinda pabonde naAgnes Mutsoko (18) uye vose vanogara kwaSadunhu Huchu.

Kwayedza svondo rapera yakashanyi­ra dunhu iri ndokuita hurukuro nevamwe vanhu vane ruzivo pamusoro pemanenji aya.

Vachitaura saMambo Nemangwe, jinda VaVictor Nemangwe (35), vanotsinhi­rawo kuti nyaya iyi yakapinda mudare ravo uye iri kufambira mberi.

“Nyaya yakaitika ndeyekuti mukomana akapfimba musikana wake uyo akambenge achigara nababamuku­ru vake zvinova zvinonzi hazvina kuvafadza sezvo vaidawo muramu wavo uyu. Saka pavakange vave kuita zvebonde mushure mekurooran­a, mukomana akanzwa kudhonzwa sikarudzi yake panova paakazoere­kana ave kuona ave nenhengo mbiri dzechirume dzose. Asi musikana haana kusangana nedambudzi­ko. Vakaenda kuchipatar­a asi zvakashaya basa kusvika vazopotera kwaSadunhu Huchu, vanove vakakwidza nyaya iyi kudare redu,” vanodaro VaNemangwe.

Vanoti vakabatsir­a mhuri iyi mukutsvaga n’anga yekutanga inova yakabata babamukuru ava saivo muparanzvo­ngo.

“Kun’anga yekutanga, babamukuru vakabatwa asi hama dzavo dzakarambi­sisa dzichiti dzakange dzisina kunzwisisa zvakange zvarehwa nen’anga iyi,” vanodaro.

Vanoendere­ra mberi vachiti: “Chinonetsa ndechekuti musikana anoti akashandis­irwa weti yake nababamuku­ru ava, avo vatinoti vakaita ruchiva nemuramu saka chava kutishungu­rudza isu ndechekuti tave kutyira kuti musikana uyu kana akaroorwa pamwe, kana kupinda pabonde nevamwe varume, vanogona kuzogumisi­ra vasangana, vanamatira­na,” vanodaro.

Vanoti nyaya iyi yakaunzwa kudare ravo ichibva kwaSadunhu Huchu mushure mekunge vabereki vemukomana vamutakura nengoro ndokunomur­amwa kumba kwababamuk­uru vemusikana uyu.

“Pavakaramw­idzana kudaro, nyaya iyi yakazokwid­zwa kudare redu sezvo babamukuru ava vakange vave kuti vapumhwa huroyi,” vanodaro.

VaNemangwe vanoti vakazobudi­rira kuenda kun’anga yepiri neyechitat­u dzinova dzakabata zvakare babamukuru vaAgnes.

“Babamukuru vemusikana uyu havasi kubvuma kana kuramba nyaya iyi, asi vanoti vane daka nekuroorwa kwake sezvo vari ivo vaimubhadh­arira mari yechikoro panguva yavaigara naye,” vanodaro.

Vanoti mushure mekurapwa nen’anga yechitatu, inonzi Chapituka, mukomana uyu ava kunzwa zviri nani uye vaviri ava vachiri kugara vose pamusha pasekuru vemukomana, Nicholas Machisa.

“N’anga Chapituka yakati musikana akapingwa nerunyoka izvo zvakaita kuti mukomana uyu azomera nhengo mbiri,” vanodaro mambo.

Asi Mai Svitsai Masuka, avo vanoita Agnes muzukuru, vanoti musikana uyu nemukomana wake vose vakamera dzimwe nhengo dzesikarud­zi – yechikadzi neyechirum­e.

“Nyaya iyi yakaitika kumwana wehanzvadz­i yangu Agnes (18) nemukomana wake Liberty. Agnes ange achigara nababamuku­ru vake – murume wavatete vake. Babamukuru vake ava vanonzi vakadanana naye, kwave kutora weti yake vachibva vamugadzir­a kuti asaroorwe nemumwe murume,” vanodaro.

Vanoti Agnes akazowanaw­o mukomana wezera rake, uyo aida kumuroora panova pakazomuka matambudzi­ko ose aya.

“Vaviri vakarooran­a zvakanaka asi dambudziko rakazouya apo mukomana anoti akanzwa nhengo yake ichiita seinodhonz­erwa mukati. Ndipo paakaona amera nhengo mbiri dzinoti yechikadzi neyechirum­e apowo musikana wake aitawo zvimwe chetezvo,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhir­wa naMai Judith Masuka avo vanotiwo Agnes mwana wehanzvadz­i yavo, vachiti vachiri kutyiswa nechiitiko ichi.

“Iko zvino nyaya yacho yakatobva kwaSadunhu Huchu ikaendeswa kwaShe Nemangwe kwairi kutongwa nekuti kuchipatar­a cheGokwe Hospital vakazvitad­za.

“Maonero edu chivanhu chakaitika n musikana aiti babamukuru vake vakam mhiko yekuti asaroorwe saka kuroorwa akaita ndipo patakanzwa oti iye nemu wake vakamera nhengo mbiri. Tichar tichifamba kuchivanhu kuti tione kuti gagadziris­wa sei,” vanodaro.

Kwayedza haina kukwanisa kukuru naAgnes naLiberty pamwe nababamu vemusikana uyu sezvo vose vasina kuon pakashanyi­rwa dunhu iri uye nhamba d dzenhare dzaisabati­ka kusvikira paka dwa bepanhau rino.

Superitend­ent Florance Marume vanoshanda kuchikamu cheOpera kuGokwe, vanoti nzvimbo yeGokwe tika minana yakasiyana.

“Muno munoitika zvinhu zvakaw zvinotyisa kwazvo, asi isu semapurisa tadziswe basa redu. Tinongotan­ga tana apo tinopinda mubasa nekuti tinosh neveruzhin­ji,” vanodaro.

 ??  ?? Liberty aina Agnes Mutsoko Masuka
Liberty aina Agnes Mutsoko Masuka
 ??  ?? Judith Masuka
Judith Masuka
 ??  ?? Svitsai Masuka
Svitsai Masuka
 ??  ?? VaVictor Nemangwe
VaVictor Nemangwe
 ??  ?? Sup Florance Marume
Sup Florance Marume
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe