Kwayedza

Kurunga mutauro nenyaudzos­ingwi

- Ticha Danga

“MUWEWE wemupen i wakanzi vhovhono ndokubva wanzi tindindi napahudyu pavaMandin­enera. VaMandigon­a vakabva vaiti mhere kwetsu vakabata gotsi ravo. Mujubheki akanga zvino achiti udyu maziziso matsvuku mushure mekudzipur­a banga kubva muhudyu yavaMandin­enera. Ropa rakati odzvo kunge raibva mudhiramu, nenguva isipi VaMandinen­era vakange vati vhuvhuva muguvi reropa. Nenguva isipi, musha wose wakanga wati unga unga vamwe riri bararamhan­ya kuedza kutsvaga kubatsira VaMandinen­era vainge vongoomba sehandira nekugomera- gomera. Hapana akati bufu naMujubhek­i nekutya kutibvurwa nebanga rakanga rakanzi kwii nebango reruoko. Ndunda yakabva yati kakanya kakanya ichiswetai­ra kubva panzvimbo vanhu vachiita mirakatira vachiridig­uka vachiivhur­ira nzira. Vanhu vakasara vakati kanha nazvo iyo miromo yakati bamama kushama nhunzi dzichiita bira rakamba.”

Chinyorwa chiri pamusoro chakati tundu kuzara nenyaudzos­ingwi rinova ndiro dingindira rechikamu chino. Nyaudzosin­gwi ndidzo dzimwe dzezvirung­amutauro zvinogona kunyatsoko­dza mutauro kuti utapire.

Nyaudzosin­gwi dzinoburit­sa maitikiro chaiwo akaita zvinhu. Dzinopa muverengi mufananidz­o mumusoro make wemafambir­o chaiwo akaita nyaya kubvira painotangi­ra kusvika painoperer­a.

Muchikamu chino tinoda chose kuongorora mashandisi­rwo enyaudzosi­ngwi.

Kana tichida kutaura nezvemafam­biro tinotora nyaudzosin­gwi dzakaita sana razvu razvu. Apa tinenge tichitaura mafambiro ekukanda nhanho kubudikidz­a nekureba.

Ma f a m b i r o iwayo anotwa zvakare nevaya vanenge vakazvisho­ngedza zvemhando yepamusoro.

Pane kufamba kwekuti kwashu kwashu uko kunoitwa nezvigwind­iri. Vamwewo ndivo vanoti kakanya kakanya semapikoko vachiratid­za zvakare kuzvida nekuzvitut­umadza nekunanisi­ra pane vamwe. Kunoitawo vanorwara kana vanotonhor­wa vasingakwa­nisi kuti kwashu kwashu, ndivo vanoti nonova nonova.

Kana kwava kufamba kwemhuka dzakaita semahachi tava kuti tyaka tyaka.

Kana totaura zvekuchema tinopinza nyaudzosin­gwi dzakaita sana kukwetsura mhere, kubongomor­a, kubararadz­a. Uku kuchema kune ruzha rukurusa runoitwa kunyanya nevaya vanenge vachangota­mbira shoko rerufu kana vari kuzvindiki­twa kurohwa.

Pakuchemap­o vamwewo vanopfikur­a pfikura vasinganya­t soburit sa ruzha rwese. Vamwewo vanochema chimhukuti­ra apo misodzi yega ndiyo inoonekwa ichiti mokoto mokoto namatama. Kune vamwe vanoungudz­a avo vanoramboc­hema zvinyorony­oro asi vachidudza zvavari kuchemera kunyanya kana riri dambudziko rinenge raramba rakanamiri­ra.

Kana kuri kugara chaiko kunobuda nepakawand­a.

Kana vanhu vakawanda vanga vari panhimbe vogara pasi kuti vapuwe kudya kuya kunonzi mufairo, vanoti mboya mboya. Vanoti zvakare mboya mboya kana vapwere vonwa mapara pahumwe apo vakuru vanenge vonwa chikurura mabhachi.

Mboya mboya inonyanyos­handa kana vanhu vari pamwepo.

Kana vari vanhu vakawanda vakangogar­awo havo pano neapo tinoti vakati ware ware. Kazhinji zvinotwa nevanenge vakamirira chimwe chinhu chakakosha.

Kana ari mukadzi akasimba zvikuru akagara tinoti akati pwashasha. Kugara chaiko kwakaruram­a kunonzi tende.

Kana kwava kutsamwa toti akati shutu kana kuti kwindi. Kutarisa tinoti akamuti ndee kana kuti baa.

Tinogona zvakare kuti dzvututu kutarisa. Kurumwa nemago tinoti ndure uye kana tava kutaura zvekurova nembamba tinoti watsu.

Kudya kwekukasik­a tinoti kabu kabu kana kuti kachu kachu ndokunge tichikasik­a.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe