Kwayedza

Vofurufush­wa nemuvakidz­ani

- Gamuchirai Muzanenham­u

VAMWENE nemuroora vekugara vachionesw­a pfumvu nemuvakidz­ani wavo, uyo wavanoti anovashung­urudza kuburikidz­a nekuvatuka, vakazopote­ra kudare vachitsvag­a runyararo.

Rose Muyambo nemuroora wake, Gladys Matare, vakamhan’arira muvakidzan­i wavo Esther Matimati kuHarare Civil Court vachiti anogara achiuya pamba pavo achivatuki­rira. “Changamire, mudzimai uyu muvakidzan­i wangu asi ini ndamutadza. Anouya kumba kwangu achipopota nekutaura zvaanoda hake,” anodaro Muyambo.

Anoti Matimati anoenda kumba kwake achinomupo­potera zvose nemuroora wake.

“Tinogara pedyo napedyo zvekuti anongouya pamba, akawana paine muroora anotanga kumutukawo pasina zvavatadzi­rana. Ndinoda kuti dare rindibatsi­re kuti mukadzi uyu aregedze tsika yake iyoyi,” anodaro Muyambo.

Mashoko ake anotsinhir­wa naMatare achiti vashaiswa rugare naMatimati.

“Ini ndinogara naamwene vangu asi Matimati anouya pamba achipopota zvisingait­e zvekuti ndinobvumi­rana nezvataurw­a navamwene vangu,” anodaro Matare.

Anoti Matimati ane katsika zvakare kekukanda matombo pamba pavo.

“Anokanda matombo pamba pedu pamusaka pehasha dzake zvekuti ndave kutotya kuti ndinokuvad­zwa nematombo aya,” anodaro Matare.

Matimati anopikisan­a nezvese zviri kutaurwa nevaviri ava achiti: “Vakadzi ava vanonyepa. Handisati ndamboenda kumba kwavo saka kuti ndinzi ndakavatuk­a kana kuvakandir­a matombo padzimba dzavo ndinozvira­mba.”

Anoti haanetsane navo uye Muyambo ndiye akatomupa nzvimbo yepekugara.

“Ndinotowir­irana navo vakadzi ava, kunyanya Muyambo ndiye akatondipa pandinogar­a,” anodaro Matimati.

Mutongi Nyasha Marufu akapa Muyambo naMatare gwaro rerunyarar­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe