Kwayedza

‘Zvikoro ngazvive pedyo nevana’

- Tandayi Motsi

GURUKOTA redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i, Dr Lazarus Dokora, vanoti zvakakosha kuti zvikoro zvinge zvakanyore­swa uye zviri pedyo nevadzidzi kuitira kuti vana vasafambe nzendo refu.

Vakataura mashoko aya svondo rapera mudare reNational Assembly apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weMutoko East, VaRicky Nelson Sylvern Mawere.

VaMawere vaida kuziva nzendo dzinotaris­irwa kufambwa nevana vachienda kuchikoro uye kuti mutemo unoti kudii nekuda kwezvimwe zvikoro zviri kungonyuka mudzimba dzemumagut­a nemadhorob­ha.

“Ukaenda kuHillside unoona pamadziro ejurahoro pakanyorwa kuti, ‘Tinotora vana veGrade 1 – 7.’” Imba iyoyo inenge ichikwanis­a kumbogara vanhu vangani? Ndiwo mubvunzo wangu uye kuti vana vanotarisi­rwa kufamba mutunhu wakareba zvakadini vachienda kuchikoro?” vanodaro.

Dr Dokora vanoti zvakakosha kuti zvikoro zvinge zviri pedyo nevadzidzi uye ichi ndicho chikonzero chikuru Hurumende iri kushingair­ira kuvaka zvimwe.

“Mutunhu unotarisir­wa kufambwa nemwana achienda kuchikoro kana ari wepuraimar­i makiromita mashanu kubva pamba paanogara uye kana kuri kusekondar­i makiromita 10. Asi zvinhu zvinozivik­anwa kuti zvandiri kutaura izvi handiwo mamiriro azvakaita, nekudaro ichi ndicho chikonzero chikuru Hurumende iri kushanda nesimba mukuvaka zvimwe zvikoro kuitira kugadziris­a dambudziko iri,” vanodaro Dr Dokora.

Vanoti zvisati zvatanga kushanda, zvikoro zvose zvinofanir­wa kunyoreswa zviri pamutemo nebazi ravo.

“Pamubvunzo wechipiri wekuti dzimba dzakawanda kuHillside dzave kushandisw­a sezvikoro, ndine chokwadi kuti pakadai apa panofanirw­a kutorwa matanho nekuti zvikoro zvinofanir­a kunyoreswa zviri pamutemo. Kana paine zviri kushanda zvisina kunyoreswa, kutaura chokwadi, ndingafare zvikuru kana Dr Dokora VaRicky Nelson Sylvern Mawere

mazita azvo akapihwa kune mahofisi ebazi redu kuitira kuti matanho akakodzera atorwe,” vanodaro.

Dr Dokora vanoti mazita ezvikoro zviri kushanda zvisina kunyoreswa zviri pamutemo anokwanisa kuendesa kumahofisi aDistrict Schools Inspector kana aProvincia­l Education Director ayo anowanikwa kumatunhu ose enyika.

 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe