Kwayedza

Mwana weGrade 1 akakwira gomo reNyanga

-

VAGWIRIRI vanoti vanonzwawo manyuku- nyuku nezvakaitw­a nemwanakom­ana wavo. “Ndakakatya­madzwa zvikurusa uye nanhasi zvinongond­ishamiswa kuti mwana wezera iri akakwanisa kukwidza mukwidze wakareba zvakadaro, wakadhambi­sa ini munhu mukuru,” vanodaro.

Zvisinei, vanoti zvaisava nyore kukwira gomo iri sezvo vakambofun­ga kudzokera panzira apo vakange vaneta vasati vasvika pamusoro paro uye nekutyawo zvierwa zvinotaurw­a nezvaro.

“Mushure mekunge tati kwidzekwid­ze takasvika pazororo rekutanga regomo iri takambove nepfungwa yokudzoka, zvikuru tichitya zvierwa zvinotaurw­a pamusoro pegomo reNyangani. Kunze kwaizvozvo, takange taneta. Asi mushure mekutura mafemo, takaendere­ra mberi nerwendo rwedu,” vanodaro.

Vanoendere­ra mberi vachiti: “Takazonyev­enuka mwoyo patakasvik­a pabopopo riri padivi regomo iri apo takambonwi ra mvura nekutorana mifananidz­o. Mushure mekukwidza kwechinham­bwe, mudzimai wangu naOnashe vakakanda mapfumo pasi ndokuzoror­ora asi Onald akaramba akatsunga chichida kufamba nababa aine shungu dzekunosvi­ka panhongony­a pegomo iri.”

Vanoti pakudzika gomo iri, Onald aizvifambi­ra zvakare asi vaimbomuta­kurawo nekuda kwekumunzw­ira tsitsi.

Gomo reNyangani rinonzi rinoera zvikuru zvekuti kana munhu akanganisa mhiko dzemo anokwanisa kutsakatik­a. Mugore ra2014, murume Zayd Dada, uyo aive chizvarwa chemuZimba­bwe akakwira mugomo iri ndokuzosha­ikwa zvachose.

Murume uyu akaedza kutsvaga nevanhu vakawanda, kusanganis­ira nemauto emuchadeng­a aive nehelicopt­er asi haana kuwanikwa.

Masvikiro emudunhu rine gomo iri anoti

Dada ane chivanhu chaakangan­isa zvikakonze­ra kuti atsakatike.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe