Mwana weGrade 1 akakwira gomo reNyanga
VAGWIRIRI vanoti vanonzwawo manyuku- nyuku nezvakaitwa nemwanakomana wavo. “Ndakakatyamadzwa zvikurusa uye nanhasi zvinongondishamiswa kuti mwana wezera iri akakwanisa kukwidza mukwidze wakareba zvakadaro, wakadhambisa ini munhu mukuru,” vanodaro.
Zvisinei, vanoti zvaisava nyore kukwira gomo iri sezvo vakambofunga kudzokera panzira apo vakange vaneta vasati vasvika pamusoro paro uye nekutyawo zvierwa zvinotaurwa nezvaro.
“Mushure mekunge tati kwidzekwidze takasvika pazororo rekutanga regomo iri takambove nepfungwa yokudzoka, zvikuru tichitya zvierwa zvinotaurwa pamusoro pegomo reNyangani. Kunze kwaizvozvo, takange taneta. Asi mushure mekutura mafemo, takaenderera mberi nerwendo rwedu,” vanodaro.
Vanoenderera mberi vachiti: “Takazonyevenuka mwoyo patakasvika pabopopo riri padivi regomo iri apo takambonwi ra mvura nekutorana mifananidzo. Mushure mekukwidza kwechinhambwe, mudzimai wangu naOnashe vakakanda mapfumo pasi ndokuzororora asi Onald akaramba akatsunga chichida kufamba nababa aine shungu dzekunosvika panhongonya pegomo iri.”
Vanoti pakudzika gomo iri, Onald aizvifambira zvakare asi vaimbomutakurawo nekuda kwekumunzwira tsitsi.
Gomo reNyangani rinonzi rinoera zvikuru zvekuti kana munhu akanganisa mhiko dzemo anokwanisa kutsakatika. Mugore ra2014, murume Zayd Dada, uyo aive chizvarwa chemuZimbabwe akakwira mugomo iri ndokuzoshaikwa zvachose.
Murume uyu akaedza kutsvaga nevanhu vakawanda, kusanganisira nemauto emuchadenga aive nehelicopter asi haana kuwanikwa.
Masvikiro emudunhu rine gomo iri anoti
Dada ane chivanhu chaakanganisa zvikakonzera kuti atsakatike.