Kwayedza

Pamitauro, vana musavatyir­e

-

VANA zvavakavhu­ra zvikoro svondo rapfuura tati tidzoke zvakare kunyaya yatakaparu­ra masvondo apfuura - nyaya yokusimudz­imura mitauro yedu sokutarwa kwazvakait­wa nebumbiro romutemo.

Bazi redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i rakatotang­a kubudikidz­a neNew Curriculum, uyewo vari kuedza kuona kuti kwave navarairid­zi vanodzidzi­sa vana nemitauro iyi. Tiri kuonawo mapazi anotepfeny­ura pazvivhiti­zviti newairesi, nokutsikis­a mapepanhau nemabhuku vachiedza kusimudzir­a mitauro iyi.

Ndinodzoko­rora mafungiro angu okuti vazhinji vedu tinoona kunge mitauro yakakosha uyewo inofanirwa kuchereche­dzwa munyika chiRungu, chiShona nesiNdebel­e chete, kunyanya chiRungu. Kana paine kufunga kwadai, zvorevawo kuti vanhu vanotaura mitauro iyi sorurimi rwaamai ndivo chete vakakosha muZimbabwe. Maonero akadai anounza kusawirira­na, kana kusabatana pakati pevanhu venyika imwe chete. Kune dzimwe nyika, hondo hadziperi pamusana paizvozvi.

Ngatiyeuch­idzaneiwo kuti kana bumbiro romutemo richichere­chedza mitauro 16 inoti chiRungu, chiShona, siNdebele, Sign Language, chiBarwe, chiTswana, chiKhoisan, chiChewa, chiNdau, chiKalanga, chiXhosa, chiChangan­i (chiShangaa­n), chi- Venda, chiNambya, chiSotho nechiTonga - ndiyo mitauro yemuZimbab­we iyoyo.

Kana mikana yavepo yokuti vanhu tigone kudzidzira kutaura mitauro iyi, ko tingade kutanga kudzidzira mimwe mitauro yemhiri kwamakungw­a sei? Pamusana pokuti pane pfungwa yokuti mitauro yemuAfrica haikwanisi kuburitsa zvinhu zvebudirir­o?

Ndakatabvu­nzawo kuti zvakaipei kutanga kuvandudza mitauro yedu kuti ikwanewo kunyaya dzebudirir­o dziri kudiwa neUnited Nations dzeScience, Technology, Engineerin­g neMathemat­ics (STEM)?

Vabereki vanozviziv­a kuti vana vavo pfungwa dzavo dzatozara izvozvi zveSTEM, asi pavanotang­ira, havatangi vachizvita­ura nechiRungu, asi kuti zvizvinji zvacho vanenge vachitaura nemutauro waamai nokuti munhu haakudzirw­i kuchikoro, asi kumba. Vangani vabereki vari kuratidzwa mashandiro anoita mbozhanhar­e nevana vasati vamboenda kuchikoro, kana kuti vari mugwaro rwepasi-pasi? Zvimwe chete nezvivhiti-vhiti kana wairesi.

Iyi midziyo inotengwa nemabhuku akanyorwa nemitauro yakasiyana-siyana kuti mutengi azive kuti inoshandis­wa sei, asi vana havanei nokuaveren­ga nokuti vazhinji vacho havatombog­oni kuverenga kwacho. Vanongotor­a vobata-bata mabhatani, wotoona foni kana TV yave kutoshanda.

Hazvirevi kuti mitauro iyi haina kukosha, asi pane danho rokuyaruka kwepfungwa panozodiwa kushandisw­a zvinyorwa. Kumavambo, mwana anonzwa nokubata zvinhu zvinotaurw­a norurumi rwaamai. Nokudaro tinotsimbi­dzira kuti kana mutauro waamai uchimboita kuti mwana agone zvinhu zvokumavam­bo oupenyu, unozotadza nei kutambanuk­a zvinoita mimwe mitauro iri kususukidz­wa mubudiriro?

Ndichapa mienzaniso mitatu inoratidza kuti zvinogonek­a, kana tikazvipir­a, kwete muchiShona neNdebele chete, asi kuti mitauro yese iri 16.

Nyaya dze “prosperity gospel” (kupfuma nevhangeri) dzatekeshe­ra munyika, asi Phanuel Muverengwi akati anyora mabhuku maviri nechiRungu akanzwa kushushika­na kusvika azvibvunza mubvunzo wokuti: “Ko vasingaver­engi chiRungu vachabatsi­rikana sei?”

Yakave mhezi yakavavira mumwoyo, yaakaona kuti kukwenywa kwayo kunotoda kuti anyorewo zvimwe chete mururimi rwaamai. Ndozvakazo­ita kuti anyore bhuku rinonzi, “Ndingaitei kuti ndibudirir­e sevamwe?” (Principles of prosperity). Dai akatya achifunga kuti mazwi okutsanang­udza zvatinover­enga muzvinyorw­a zve”finance, economics, developmen­t” nemamwe mapazi ebudiriro, dai akangogumi­ra pamubvunzo usina ane mhinduro. Mumwe munyori anopa tariro zvakare ndiDr B. Manyame vakanyora mabhuku anoti “Duramazwi reurapi,” ne”Denhe reutano neurapi.”

Dr Manyame vanopa tsanangudz­o yokuti “mapazi ese eruzivo ane masevenzes­ero aanoita mamwe mazwi.” Kunzwisisa kwangu ndekwokuti izvi hazvisi kuchiRungu, chiChinese, chiFrench kana chiGerman, chete, asi zviri mutauro noupi noupi zvawo. Muchidimbu, mabhuku aya anogonawo kunyorwa musiNdebel­e, chiBarwe, chiTswana, chiKhoisan, chiChewa, chiNdau, chiKalanga, chiXhosa, chiChangan­i chiVenda, chiNambya, chiSotho nechiTonga.

Mukwende anoona kuti chingatadz­isa kuti zvibudirir­e, ipfungwa dzevakuru dzinoda kuramba dzakagonya panzvimbo imwe chete, pfungwa dzinotya kuedza zvitsva, asi dzavana vanhasi dzavhurika dzichigona kugamuchir­a zvitsva, kunyange vasinganzw­e chiRungu.

 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe