Kwayedza

Demichelis osendeka shangu

-

MUTAMBI weMalaga, Martin Demichelis (36), akazivisa kuti ave kusendeka shangu dzake dzenhabvu.

Demichelis — uyo anove chizvarwa chekuArgen­tina — akataura nevatori venhau svondo rino nemusi weMuvhuro apo akazivisa kuti ave kusiya mutambo uyo waatamba kwemakore anodarika 17.

Muchinda uyu akatamba maminitsi 12 ekupedzisi­ra musi weSvondo apo chikwata chake chakaita mangange 2-2 neReal Sociedad.

Achawanisw­a mukana wekuonekan­a nevatsigir­i vechikwata chake apo chichatamb­a neReal Madrid kuLa Rosaleda.

“Ndinovimba kuti ndichataur­a zviri kubva pamoyo wangu chaiwo. Iri izuva rinouya kwatiri tose uye razosvika kwandiri, kupera kwekutamba kwangu kwasvika. Ndinotenda chikwata chino, vamwe vatambi vandinotam­ba navo uye murairidzi (Michel), asi ndega ndinofanir­wa kuzvibudir­a pachena. Ndakarasik­irwa nesimba rakawanda mumakumbo uye ndakarasik­irwa nesimba rekutamba. Ndinotenda nhabvu uye ndinotenda imi mose, kubva iye zvino kusvika narinhi ndichange ndave mutsigiri wechikwata chino, icho chakandipa zvakawanda,” akadaro.

Demichelis akadzoka kuMalaga muna Ndira zvichiteve­ra kubva kwaakaita kuEspanyol.

Aka ndekechipi­ri achitengwa nechikwata ichi, icho chaakatamb­ira kubva 2011 kusvika 2013 zvichiteve­ra kubva kwaakaita kuBayern Munich.

Mutambi uyu akambotamb­ira Atletico Madrid, Manchester City uye achitanga akambotamb­ira River Plate yekumusha kwake kuArgentin­a. Akakwanisa­wo kutambira Argentina ka51 ndokutamba mumafainar­i maviri nyika yake — 2014 World Cup kozoti 2015 Copa America — iyo maAlbicele­ste akakundwa. — SportsMail Football.

 ??  ?? Martin Demichelis
Martin Demichelis

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe