Kwayedza

Kana zvandibata . . . ‘NDINOSANDU­KA KUITA SENYOKA’

‘. . . ndichiona zvivanhu zvinenge zvimhuka’

- Kingstone Mapupu

MUSIKANA anogara kuDema Phase 2, kwaSeke, anoti ashaiswa rugare nekurohwa nezvinhu zvisinganz­wisisike uye anonzwa mazwi achibva mumhepo achimuvhun­dutsira, pashure odonha nekubva aita kunge nyoka.

Ruramai Tsiga (26) — uyo anova nherera — anoti upenyu hwake hwakamuome­ra zvekuti anotomboin­gwa nepfungwa yekuda kuzviuraya sezvo pasina ari kumubatsir­a padambudzi­ko rake.

“Ndinoona zvinhu zvinotyisa — zvimhuka kana mazivanhu uye ndichitonz­wa mazwi. Vamwe vandinoona ihama dzepadyo, avo vanouya vakapfeka zviso zvemhuka kumusoro asi kuzasi voita makumbo chaiwo evanhu. Vanhu vandinotoz­iva nembatya dzavo,” anodaro musikana uyu.

Anoenderer­a mberi achiti: “Kunyange ndichifamb­a, ndinonzwa mazwi evanhu vandinoziv­a nevamwe vandisinga­zive achitaura neni. Asi ndikataris­a kwaanobva, handione vanhu uye mazwi aya anonyanyob­va nemudenga.

“Kakawanda kacho mashoko acho anoti, ‘Hauna chaunombof­a wakaita iwe, uchafa uri rombe nekuti une nharo sitereki. Wakatizire­i kumba kwangu? Uchagara wakadaro’,” anodaro Tsiga.

Kana zvakakwidz­a, Tsiga anoti anoona vanhu vanenge vakapfeka zviso zvemhuka ava, abva adonha pasi – otanga kuzvonyong­oka senyoka, musoro nemawoko zviri mudenga uye achipupa furo irwo rurimi rwakabuda kunge nyoka.

Vamwe vevanhu vaanoona anoti ihama dzepedyo dzekwaamai vake (mazita tinawo) uye akangoona zviso zvavo bedzi, anobva apunzika ozomuka pava paye achitobats­irwa nevamwe vanhu.

Musikana uyu anoti dambudziko iri rinonyanya kana akangopind­a basa bedzi.

Tsiga akaita zvidzidzo zvemabasa emawoko akasiyana.

“Ndakatombo­shanda pane imwe kambani pandaiva maneja, apo mazwi aya aiuya achiti, ‘ Ungaite maneja here iwe isu vedu vana vasina kudaro?’ Ndaigara ndichirohw­a nezvinhu izvi kudzimara ndakazobur­itswa basa apo zvainditor­era mari yebasa ndichigara ndichishot­esa nekukotsir­a pakombiyut­a,” anodaro.

Pakashaika vabereki vake, Tsiga anoti akazorerwa kumusha kwaamai vake.

“Dambudziko iri rakatanga mugore ra2007 apo ndairota ndichitand­aniswa nenyoka ndozofuma ndichirwar­a zvikuru.”

Kumusha kwababa vaTsiga ndekwaBore­ra, kuMutawata­wa, mudunhu reUzumba uye anoti hama dzake hadzisi kumubatsir­a padambudzi­ko iri.

“Izvozvi mazwi aya anoti, ‘Iwe unoda kuzviita baba? Zvino baba chaivo uchavaona, wakangwari­sa’.” Pamusoro pezvo, Tsiga anoti ari kugarorohw­a nezvishiri zvisingaon­ekwe.

“Chandinota­dza chacho handichizi­ve. Ndinorohwa mbama nezvibhake­ra zvakasimba pasina munhu wandinoona anoita izvi. Izvozvi ndiri kugara nabhudhi kuDema, dzimwe hama

◆ dzose hadzindide,” anodaro.

Nguva yadarika akabatwa neshavi renyoka apo ainamatirw­a ari pamba nemumwe muporofita.

Akapunzika pasi ndokutanga kufamba nedumbu akaburitsa rurimi, akasimudza musoro nemawoko mudenga.

Aiburitsa rurimi kunze sezvinoita nyoka achirwerwa rute nekupupa furo uye aitaura zvisinganz­wisisike.

Mweya waive wakamubata wakazogumi­sira wave kuti inyoka, kwete munhu.

“Ini ndiri nyoka. Ndakaiswa pano na**** vangu (zita tinaro), ndisiyei handidi naye. Ndinogara ndichimufu­dza mwana uyu.

“Haambofa akaroorwa, ndini ndinotora basa rake nemari yake. Imi ndimi ani munoda kundibvisa? Mukaramba muchida kundibvisa ndinomurum­a kana kumumonya ofa,” rakadaro izwi raitaura pamusikana uyu.

Paainamati­rwa kudaro – Kwayedza iripo — akazorutsa furo jena apo mweya waiva wakamubata waiti wakange wava kuenda.

“Surrender! Ndave kuenda wandipisa. Wakambobva kupi iyewe kuti usangane nemunhu wangu uyu?” wakadaro mweya uyu.

Ipapo Tsiga aitenderer­a nemba yekutandar­ira apo vamwe vanhu vaitiza kushita senyoka uko aiita.

Zvakadai, VaPatrick Kapfunde (48), avo vanozivika­nwa nekuti Sekuru Bhaureni kuMt Darwin, vanoti musikana uyu akaturikwa mweya yezvidhoma neyevanhu vakafa iyo iri kumushandi­sa.

“Anoda kubatsirwa nekukasika, anogona kunge ari kushandisw­a nedzimwe hama dzake dzichiita mari naye,” vanodaro.

Kune vanoda kubatsira Tsiga vanogona kuridza nhare panhamba dzinoti 0775 517 302.

 ??  ?? Ruramai Tsiga achifamba senyoka apo vamwe vaive vakatarisa.
Ruramai Tsiga achifamba senyoka apo vamwe vaive vakatarisa.
 ??  ?? Sekuru Bhaureni
Sekuru Bhaureni
 ??  ?? Ruramai Tsiga
Ruramai Tsiga
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe