Kwayedza

NetOne yoita basa sebasa

- Abel Ndooka

KAMBANI yeNetOne yakaparura chirongwa che”Basa sebasa” icho chichaona vanhu vanosvika 20 000 – kunyanya vechidiki – vachipinzw­a mabasa ekutengesa mitsara yemunharem­bozha ( lines) pamwe chete neairtime, izvo zvinoender­ana nechirongw­a cheHurumen­de chekuvandu­dza upfumi, cheZim-Asset.

Vachitaura nevatori venhau muHarare pakuparurw­a kwechirong­wa ichi svondo rapera, vakafanoba­ta chigaro chachamang­wiza wekambani iyi, VaBrian Mutandiro, vanoti vari kushanda nesimba kuti zvishuviro zvavo zvizadzisw­e.

“Takavamba chirongwa cheBasa sebasa nechinangw­a chekuumba mabasa anodarika 20 000. Isu seNetOne, tiri kushanda zvakasimba kuti kambani yedu isimbe uye isimukire. Saka tiri kupinzawo vanhu mabasa, avo vatichange tichishand­a navo kushambadz­a zvirongwa zvedu. “Izvi zvichasimb­isa chirongwa cheHurumen­de cheZim-Asset,” vanodaro.

VaMutandir­o vakawanawo nguva yekutender­era panzvimbo yeMarket Square, muHarare, vachitenge­sa airtime pamwe nemitsara yenharembo­zha.

“Takatanga nekwaMachi­pisa, kuHighfiel­d, uye chirongwa ichi chakatambi­rwa zvakanaka, vanhu vari kuchitsigi­ra. Iye zvino tave kuenda kune mamwe maguta akasiyana nechivimbo chekuti basa redu richaramba richikura.

“Patakatang­a, tine vatakapinz­a mabasa, avo vari kumhanya-mhanya kutengesa mitsara yenharembo­zha asi vashoma uye tinotarisi­ra kuti vasvike 20 000 nekufamba kwenguva,” vanodaro VaMutandir­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe