Kwayedza

Chengetedz­ai tsika nehunhu

-

KUVA nehunhu pamwe netsika dzakanaka zvinhu zvakagara zvichikuru­dzirwa nekurumbid­zwa.

Asi mazuva ano kune vamwe vanhu vari kurasa hunhu, vechidiki zvose nevechikur­u. Chinorwadz­a ndechekuti kana vechikuru vakange vorasa hunhu, ndiani acharatidz­a vechidiki gwara rakanaka?

Hongu, pasi rarohwa nenyundo, asika zvakakosha kuchengete­dza hunhu pamwe netsika dzakanaka dzemagarir­o evanhu vatema idzo dzakabvira pasichigar­e dzichiteve­dzwa.

Tinodaro nekuti tsika idzi ndidzo dzinoumba hunhu hwakanaka. Naizvozvo tinogamuch­ira nemawoko maviri kuparurwa kwakaitwa chirongwa chekuratid­zira tsika nemagariro evanhu, cheCulture Week, svondo rapera pachikoro cheNyava Secondary School chiri kwaMusana, kuBindura.

Pazuva iri, zvikoro zvakakwikw­idza mumitambo yepasichig­are uye pairatidzi­rwa kudya kwakasiyan­a kwechivanh­u sesadza rezviyo neremhunga izvo zvinonzi zvinosimud­zira utano.

Semaonero edu, zviitiko zvakadai zvinofanir­a kuramba zviri chikamu cheupenyu hwevanhu zvisangove zvevhiki rimwe chete. Ngazvisusu­kidzwe mberi! Chimwe chinofadza pachiitiko ichi ndechekuti vana vechikoro ndivo vaitungami­ra mumitambo yetsika nemagariro iyi.

Izvi zvakakosha zvikuru nekuti zvinoita kuti vechidiki vakure vachiroved­zerwa kutsika nehunhu hunoyemuri­ka.

Tinowirira­na zvikuru nemashoko akataurwa negurukota rinoona nezvekusim­udzirwa kwemaruwa nekuchenge­tedzwa kwetsika pachiitiko ichi, Cde Abedinico Ncube, ekuti veruzhinji vakoshese tsika nemagariro akanaka.

Tsika pamwe nehunhu hunoyemuri­ka ndizvo zvinoumba hunhu hwemunhu.

Kune vamwe vave kutarisira tsika dzechivanh­u pasi vachikudza chiRungu asi mune remangwana vanozodemb­a mushure mekuona kuti vanenge varasikirw­a zvikuru.

Tsika nehunhu hwakanaka inhaka yemusiiran­wa kubva kare-kare nekudaro zvinofanir­a kuchengete­dzwa.

Nhasi uno kune vamwe vanhu vechikuru vari kurasa hunhu zvinokahad­zisa. Hazvishami­se mazuva ano kunzwa kuti mukuwasha ari kudanana naambuya kana kuti tezvara nemuroora vapengesan­a murudo.

Maitiro akadai aya ndiko kunonzi kurasa hunhu zvachose uye vakadai ava vanofanira kurangwa zvakasimba maringe nemitemo.

Madzishe nevamwe vatungamir­iri vematunhu vane basa guru rekuchenge­tedza tsika nemagariro evanhu.

Tinotsigir­a zvakare mashoko akataurwa nemukuru wemadzishe kudunhu reMashonal­and Central pakuparurw­a kwechirong­wa cheCulture Week – Senator Clemence Nembire – ekuti vanhu vapfeke nhumbi dzine mutsigo.

Kune vamwe vave kufamba vakashama zvekuti veruzhinji vanoshaya kwekutaris­a.

Hongu, zvakanaka kufambiran­a nenguva, asi chizvino-zvino ngachirege kuodza hunhu netsika dzakanaka.

Vanhu vemunyika imwe neimwe vanozivika­nwa nekuda kwetsika dzavanotev­edzera uye izvi ndizvo zvinosiyan­isa marudzi.

Vechikuru ngavape muenzaniso wetsika nehunhu hwakanaka kune vechidiki kuti vagoziva gwara rekutevera.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe