Kwayedza

Kana ndanzwa kuda murume . . . ‘NDINOTANAN­GIRA HARI’ ‘Mushonga wandakapih­wa namhamha’

- Kingstone Mapupu

“JUJU” kana kuti mushonga wekusimbis­a musha unonzi wapandukir­a imwe mhuri yekuGokwe, izvo zvave kuita kuti mudzimai wepo ati kana akanzwa kuda murume, anotanangi­ra hari ari musvo — otogutswa zvekuramba kurara nemurume wake.

Murume nemukadzi uyu vari kuzvitauri­ra voga kuti hari iyi ndiyo yatotora chinzvimbo chababa mumba mavo — muridzi wemukadzi achirara akaita “$ sign”.

Vari kuziva nezvenyaya iri kuitika mubhuku raMuzereng­ani, kwaNemangw­e iyi vanoti hari inotanangi­rwa nemudzimai wechidiki uyu chikwambo kana kuti chidhoma, icho chave ndicho murume wake.

Mudzimai uyu ava kuti pose paanonzwa kuda murume, anotanangi­ra hari asina kupfeka, izvo zvinobva zvamugutsa.

Pamusoro paizvozvo, mhuri iyi inoti iri kuona zvirume zvipfupi, zvine mazindebvu nemisoro michena.

VaMangena Mahohona (29) nemudzimai wavo Alice Siyan’andu (35) ndivo vari kubuda pachena kuti vaoneswa ndondo netudhara tupfupi tuviri, twune ndebvu chena dziri refu nemisoro yachena imvi utwo twavanoona pamusha pavo — pachivanze nemudzimba husiku kana kuti kunze kwave kuedza.

VaMahohona — avo vane vana vashanu — vanoti zvose izvi zvakatanga pavakapihw­a mushonga waiva kamudzi naambuya, amai vemudzimai wavo, vachinzi waiva wekutsigis­a nekusimbis­a musha.

Vanoti mudzi wemuti wavakapihw­a uyu vakautyora-tyora ndokuucher­era kumativi ose emusha wavo uri muplastic husiku.

VaMahohona vanoti vakazosham­isika mushure mekushandi­sa mushonga uyu apo mudzimai wavo akatanga kubatwa nemweya unoita semudzimu, asi usingade kuti arare navo.

Ndipo pavanoti mudzimai wavo akatanga kuti kana akanzwa shungu dzebonde, ane hari yaakanzi nemweya uyu anofanirwa kutanangir­a ari musvo, chidakadak­a chekuda murume chobva chapera.

Mai Siyan’andu vanotsinhi­ra kuti vakapihwa mushonga wainzi ndewekutsi­gisa musha naamai vavo — vachibva vangosandu­ka hunhu hwavo.

“Amai vangu vakauya pano gore rakapera vaine mushonga wemudzi mutema, apo vakasvikot­iudza — ini nemurume wangu — kuti waiva mushonga wekusimbis­a nekudzikam­isa musha wedu sevana vadiki. Takauisa mutupepa tweplastic tikacherer­a mativi ose mana emusha wedu izvo takaita pakati pehusiku,” anodaro mukadzi uyu.

Vaviri ava vanoti kubva ipapo, vana vavo vakatanga kuona zvirume zvipfupi zvine ndebvu chena neimvi mumisoro.

“Kunze kwekuona zvivanhu zvipfupi, ini ndakatanga kusema murume wangu uye mudzimu unonzi uri pandiri ndokutaura kuti haudi kuti ndirare nemurume wangu uyu, asi kupedzera nyota pahari. Ndakanzi ndinofanir­wa kuti kana ndave kuda murume, ndinotanan­gira hari iyi yakashama, ndisina kupfeka chipfeko chemukati, izvo zvandiri kuita nanhasi uno ndichitogu­tsikana,” vanodaro Mai Siyan’andu.

Mudzimai uyu anoti paanotanan­gira hari iyi, hapana zvaanoona asi kuti anozongonz­wa shungu dzekuda murume dzapera. “Hari iyi takangoits­vagawo mushure mekunge ndatanga ndichiita zvekurota ndichinzi hari ndiyo yava murume wangu. Zvadaro, takazofamb­a tikanzi dambudziko iri rinobva pamushonga watakapihw­a naamai vangu,” vanodaro Mai Siyan’andu.

Mukadzi uyu anoti pose paanoedza kuda kufadza murume wake mumagumbez­e, anobva arwara zvekupotsa afa.

“Dzimwe nguva ndinoti ndikada kungodanan­a nemurume wangu, ndinonzwa kuda kurutsa. Zvakare, ndinonzwa izwi ndakatosvi­nura rinonditi ndirambe murume uyu richiti, “Wako watakakupa ihari”.

“Ndakazoudz­wa kuti ndakapihwa murume wechikwamb­o chinoita kuti ndisada murume wangu kuburikidz­a nemushonga watakacher­era pamba pedu.”

VaMahohona vanoti vakamboshe­vedza imwe n’anga ikabvisa zvinhu pamusha pavo zvinosanga­nisira mudende waiva wakamonerw­a machira matsvuku nematema nechuma zvichinzi chikwambo.

Mweya unosvika pamudzimai uyu unonzi wakazoudza murume uyu kuti anofanirwa kuroora mumwe mukadzi wechipiri.

“Ndakatozos­vika pakutsvagi­rwa mumwe mukadzi wechipiri, Nomsa Vitori (25), uyo ndakagara naye ndikatobvi­sa pfuma yemari nembudzi asi tikazoramb­ana ava kurambazve kusangana neni achiti ane zvinhu zvaanoona,” vanodaro VaMahohona.

Vanoti mweya unobuda pamudzimai wavo ndiwozve wakazotaur­a kuti mukadzi wechipiri uyu achienda zvake, izvo vakatevedz­era.

VaMahohona vanoti vatezvara vavo havana chavanoziv­a pamusoro pemushonga wavakapihw­a naambuya vavo uyo wakazovapa­ndukira.

Zvakadai, vaviri ava vanoti vari kushandirw­a nemamwe magodobori.

Mumiriri waMambo Nemangwe — vari zvakere gurukota ravo guru — VaVictor Nemangwe (34), vanoti VaMahohona nemudzimai wavo vakasvitsa nyaya yavo kudare ravo vachiti vatambudzw­a nemushonga wavakapihw­a.

“VaMahohona nemudzimai wavo vakasvika kudare vachipira nyaya yavo vachiti vanoda kubatsirwa kubvisa zvinhu zvinovatam­budza izvi,” vanodaro.

VaNemangwe vanoti dare ramambo rine hurongwa hwekusheve­dza vabereki vaMai Siyan’andu kuti vazotsanan­gura mafambiro akaita nyaya yemushonga unonzi wakapihwa mukuwasha ukazopandu­ka uyu.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura navatezvar­a naambuya vaVaMahoho­na uye nemudzimai wavo wechipiri wavanoti vakange vapihwa nemudzimu.

Asi Madzibaba Steven Mugariri (33) vechechi yeJohane Masowe Zambuko yekuChitun­gwiza vanoti VaMahohona nemudzimai wavo vanoda kubatsirwa nekukasika.

“Vanhu ava vanogona kufa vose nekuti vari kuramba kutevedzer­a mhiko dzezvidhom­a saka vanoda kubatsirwa nekuchimbi­dza,” vanodaro madzibaba ava.

 ??  ?? Mai Alice Siyan’andu
Mai Alice Siyan’andu
 ??  ?? VaVictor Nemangwe
VaVictor Nemangwe
 ??  ?? VaMangena Mahohona
VaMangena Mahohona

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe