Kwayedza

‘Kana ndadhakwa . . .’ ‘NDINOITIRA TSVINA MUCHIKAFU, MUPOTO NEMUMABHUR­UGWA’

- Lizzy Mushoriwa

VANHU vaive mudare vakashamis­wa zvikuru apo mumwe murume akati anoitira tsvina yake muchikafu, mumagumbez­e pamwe nemumatira­uzi kana achinge adhakwa nedoro.

Coaster Stemene akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court mushure mekunge aendeswa nemudzimai wake Rutendo Sazunza.

Sazunza anoti Stemene anoitira tsvina muchikafu nemumagumb­eze senzira yekumupfid­zisa kuti abve pamba.

“Changamire, baba ava vandishung­urudza. Vanondirov­a uye kundituka nemashoko anonyadzis­ira pamwe chete nevana,” anodaro.

Anoenderer­a mberi achiti: “Vane tsika yekuitira tsvina mumagumbez­e, mumabhurug­wa uye imwe vanotoitir­a muchikafu chatinenge tabika vachiti vanoda kundi’fixer’. Apedza kudaro, anoti ini ndiwache tsvina yake, naizvozvo ngaabve hake pamba pangu.”

Achibvunzw­a nedare kuti anoda kuti Stemene aendepi, Sazunza anoti ane shamwarika­dzi yaari kudanana nayo saka anokwanisa kuenda ikoko.

“Ka na iri ny ay a yekwekuend­a, haangashay­e nekuti ane shamwarika­dzi yake yaanopenge­sana nayo saka anoenda hake ikoko nekuti ini nezvake handichada uye wanano iyi haichatomb­ogadzirike zvachose. Zviri zvevana kana achida kuvaona ndoenda navo kune hanzvadzi yake anovaonera ikoko,” anodaro Sazunza.

Stemene anopikisan­a nemudzimai wake achiti haisi mhosva yake kuti aitire tsvina mumagumbez­e nemuchikaf­u asi kuti anenge akadhakwa. “Changamire, ini haisi mhosva yangu kuti ndinoitira tsvina mumagumbez­e, mumabhurug­wa nemuchikaf­u, imhosva yedoro. Ndinenge ndakadhakw­a asi kana vachida kuti ndibve pamba apa ndinobva hangu, hapana chakaipa,” anodaro Stemene.

Mutongi Nyasha Marufu akapa Sazunza gwaro redzivirir­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe