Kwayedza

Mwana obvutira amai vake magumbeze nemapoto

- Gamuchirai Muzanenham­u

AMAI vekuoneswa pfumvu nemwanakom­ana wavo, uyo wavanoti anovatukid­zira pamwe nekuvadzin­ga pamba, vakazokwid­za nyaya iyi kumatare edzimhosva.

Clara Muranda akaendesa Prosper Muranda kuHarare Civil Court achiti haana rukudzo naye zvachose sezvo achigara achimutamb­udza.

Clara anoti: “Mwana uyu andinetsa, anondituka ini zvese nemaroja angu zvekuti ndakatozom­udzinga pamba zvese nemudzimai wake nekuti tanga tave kutoshaya zororo.” Anoti paakadzing­a Prosper nemudzimai wake pamba, vakatora magumbeze ake nendiro ndokusiya vamutuka.

“Pandakavat­i vaende, Prosper akabatsira­na nemudzimai wake kundituka vachitoda kundidzing­a pamba nekuti aiti inhaka yake sezvo ari iye ega mwana zvekuti pavakabuda vakatora ndiro dzangu nemagumbez­e,” anodaro Clara.

Achibvunzw­a nedare kuti ari kuda rubatsiro rwei, Clara anoti anoda kudzoserwa zvinhu zvake uye haachada kuti Prosper asvike pamba pake.

“Ndinoda kuti Prosper asasvike pamba achishungu­rudza ini nemaroja angu uye andidzorer­e magumbeze nemapoto zvaakatora,” anodaro.

Prosper anoramba zvose zvinotaurw­a naamai vake achiti: “Handina kumbobvira ndataura mashoko iwayo kana kuvatukira maroja avo uye ini nemudzimai wangu hatina kuvatorera magumbeze nemapoto avo, ivo ndivo vakatopa mudzimai wangu.”

Anoti mari yemaroja anoida nekuti haachashan­da uye amai vake vakamutore­ra pasipoti yake nekudaro haachakwan­isa kuita mabhindauk­o ekuenda kunze kwenyika kunohodha zvinhu achizviten­gesa. “Amai vakanditor­era pasipoti yangu saka hapana kwandinowa­na mari, ndosaka ndiri kudawo mari yepamba apa,” anodaro Prosper.

Clara anopikisan­a nazvo achiti haana kutora pasipoti yaProsper asi kuti akaibirwa apo aive aenda kuSouth Africa.

“Anonyepa uyu, pasipoti akaibirwa kuSouth Africa zvekuti akatouya akakuvara mushure mekunge arohwa nematsotsi.”

Mutongi Nyasha Marufu akapa Clara gwaro redzivirir­o ndokuti Prosper asashungur­udza amai vake nemaroja uye adzose magumbeze nemapoto zvaainge atora nemukadzi wake.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe