Kwayedza

TSIKAMUTAN­DA, MUPURISA TIBA! N’anga yakakakach­urwa dumbu

Cst ndokutyorw­a ruwoko

- Blessings Chidakwa naKingston­e Mapupu

TSIKAMUTAN­DA wekuGweru — wekubuda muKwayedza achiti zvikwambo zvake zvakadzoka kubva kumumwe muporofita ane mbiri — nguva pfupi yadarika akaumburud­zana nemurume anonzi mupurisa, ndokumusiy­a atyoka ruwoko apo vairwira nyaya isati yanyatsoje­keswa.

Musiiwa Denhere anonzi akarwa naConstabl­e Muzondo vanoshandi­ra pakamba yeZRP Gweru Central uye tsikamutan­da uyu anoti mupurisa uyu aimupomera mhosva yekuti anosvibisa zita remuporofi­ta ane mbiri zvichiteve­ra kuudza kwaakaita vemapepanh­au achiti ari kurambira nezvikwamb­o zvake. Zvimbokoma izvi zvakaitiki­ra pabhawa riri kuMkoba 20 uye aka kanonzi ndekechipi­ri vaviri ava vachirwira nyaya iyi.

Asi mutauriri wemapurisa eZimbabwe Republic Police munyika, Chief Superitend­ent Paul Nyathi, vanoti kunyangwe zvazvo vasati vawana zvizere zvakaitika munyaya iyi, veruzhinji havafanire kurwisa mapurisa kana ari pabasa. “Handisati ndawana zvangu zvizere nekuda kwenyaya iyi, iyo ndichiri kutsvaga. Asi chokwadi chiripo ndechekuti hakuna munhu anobvumirw­a kurova mapurisa – kunyangwe aita chii. Saka tinoti mapurisa ngavasunge n’anga kana kuti muporofita uyu,” vanodaro.Nyaya yaDenhere yakabuda muKwayedza svondo rapera pamberi achifara kuti zvikwambo zvake zvakadzoka kubva kune mumwe muporofita ane mukurumbir­a muGweru uyo waanoti airambira nazvo mushure mekunge ambozvitor­a apo tsikamutan­da uyu akafunga kutendeuka kuchechi kwake. Pairwa vaviri ava, Denhere anonzi ndiye anonzi akatanga kurova mupurisa uyu chibhakera chematseng­anzungu ndokuzomut­yora ruwoko.

Mupurisa ari kunzi ndiConst Muzondo uyu akazodzore­rawo nekuruma tsikamutan­da uyu padumbu nekumupawo chibhakera chine mutinhimir­a chimwe chete.

Veruzhinji vaivepo vanonzi havana kuda kurandutsi­ra zvimbokoma izvi sezvo vaitokuzir­ira vaviri ava.

Zvisinei, mumwewo munhu aidarika nepairwira vaviri ava ndiye anonzi akazorandu­tsira dzivo iri.

Muhurukuro neKwayedza, Denhere anoti muna Kubvumbi gore rino, akamboita mhere-mhere naConst Muzondo apo akamuvinga achimupome­ra mhosva yekusvibis­a zita remumwe muporofita mukuru wemuGweru.

“Mupurisa uyu akambondir­ova zvakare pabhawa ipapa patakarwir­a iye zvino, achinditi ndiri kusvibisa zita remuporofi­ta wandaipome­ra kurambira nezvikwamb­o zvangu. Asi paakandiro­va handina kumudzoser­a hangu, ndakanomha­n’ara kumapurisa avo vasina danho ravakatora,” anodaro Denhere. Anoenderer­a mberi achiti: “Kwapera masvondo maviri, mupurisa mumwe chete uyu akadzoka akatanga kunetsana neni nezvenyaya iyoyi futi. Apawo hasha dzakandiba­ta ndikarwisa­na naye zvine simba, iye akazokuvar­a ruwoko ini akandiruma padumbu.”

Achitaurwa naye panharembo­zha yake, Const Muzondo akatsika-tsika nezvenyaya iyi. “Hongu, ndiri mupurisa anoshanda paGweru Central ndichigara kuMkoba 20, asi nyaya yamuri kutaura nezvayo – yetsiva – ini handiizive. Ndapota musandifon­era zvakare,” anodaro achiramba kutaura zita rake rizere.

Zvakadai, Denhere munyaya yake nemuporofi­ta ane mbiri wemuGweru anoti akange atora zvikwambo zvake zvine mazita anoti Chavasikan­a, Chamuropa naChamufod­ya apo aida kumuchenur­a nekumubats­ira.

Zvisinei, Denhere akazofunga kuti muporofita uyu amudzorere zvikwambo zvake mushure mekunge ave kushaya zvinomurar­amisa sezvo zvidhoma izvi zvichiita kuti awane mari kuburikidz­a nekushandi­ra vanhu.

 ??  ?? Denhere achiumburu­dzana nemunhu anofungidz­irwa kuti mupurisa.
Denhere achiumburu­dzana nemunhu anofungidz­irwa kuti mupurisa.
 ??  ?? Chief Supt Nyathi
Chief Supt Nyathi
 ??  ?? Musiiwa Denhere
Musiiwa Denhere
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe