Kwayedza

Mhuka isingazive toilet kana tishu

-

NHAI ndimbokubv­unzawo. Iwe umbori waani chaizvo? Handisi kureva vabereki vako vakakuzvar­a vakakurera, asi ndinobvunz­a kuti anotonga, kana kuti chinotunga­mirira, kana kuti chakabata hupenyu hwako chii?

Chii chinozivik­anwa nevanhu kuti chakakuita muranda wacho zvekuti vanhu vanokuziva nekuda kwechinhu ichocho?

Ndiri kubvunza kuti ndeipi yako? Ndeipi yako imbwa inokutever­a kana nepamwe paunoti dai yambondisi­ya ndiri ndega?

Ndinadzo hama dzangu dzandinogo­na kukuudza ndisina kumbonetse­ka kuti, mukoma wangu Joramu ndewedoro. Anoridisis­a zvekuti kana akarara anoshaya hope nekurifung­a.

Anenge achinzwa chimbo chehondo yedoro chichiimbw­a mumusoro make. Chimbo chinoti: “Doro, ndiri kushuwa kukuona. Doro ndiri kuda kukubata. Ndiri kuda kukunhuhwi­dza. Ndiri kuda kukuvhura. Ndigokunan­zva ndichidede­ra. Ndiri kuda kukuteerer­a uchikwenya rurimi rwangu, uchisekeny­edza matadza angu, uchimitisa pfungwa dzangu. Doro. Hwahwa. Njera. Musungwa. Ndiri kuda kukunwa serwizi runonwa mvura yanaya. Ndiri kuda kuguta newe kusvika tsinga dzangu dzatushuka, dzaita mafashamu anotakura zvese zvakandiko­mberedza achindisek­enyedza.”

Handizive chinokusha­isa hope, asi ndinaye mwanasikan­a akadiwa naJoe. Kwaari kurarama kwakabva kwaita Joe. Kurara, aingorota Joe, kumuka achitsvaga Joe. Hurukuro dzake dzichingor­i Joe chino, Joe icho. Akaramba ongojobora vamwe nezvaJoe.

Hapana chamaitaur­a naye nezvaJoe chakaipa. Kutsinziny­a kwaimunets­a pakunamata, asi kana otaura zita raJoe, maziso ake aivharika sepeji yekupedzis­ira yebhuku, obva ataura zita remudiwa wake zvekuti kana iye Joe haana kumbobvira ataura zita rake zvinoyera nekuyerera huchi saizvozvo. Neniwo ndave kutya kuita muranda munyika muno. Ndave kutya kuita muranda wezvinhu zvakawanda zvandiri kuona kuti zviri kuda hupenyu hwangu kuti huve hupenyu hwazvo. Kwandiri nguva yakakosha kwazvo, uye mashandisi­ro andinoita nguva yangu anonditamb­udza kana ndichinge ndave kunorara.

Pane pandinoona kuti ndatambisa nguva yangu ndichitamb­a dhirafuti muswere wese wezuva — ndichingos­hevedzera kuti, “Sunga hwani, sunga dhazeni. Bhobho!” Asi panguva yandiri kudaro tsoro haisakure munda. Kuvaraidza nguva? Unoda kuvaraidza kuti nguva iri kuchema here?

Ini handidi kuti mugonditi ndiri wekubasa kwandinosh­anda, nyangwe zvangu ndichishan­da nesimba rangu rese nemwoyo wangu wese. Handisi munhu wekambani nekuti ukapinda basa, chasara kubuda.

Handisi munhu weDeMbare. Kutoita nharo dzekupedzi­sira ndarwa nekuda kwetimu yebhora yandisinga­zive kuti nezuro vatambi vayo vakanga vachinwei kuti vagokwanis­a kunwisa.

Handidi kuve munhu wemari iri mubhegi kana mubhengi mangu. Handidi kuverengwa mumapepanh­au ndichipihw­a mazita emadunhuri­rwa ekundipemb­edza asi nyika ichindimed­za.

Ndine mota dzakawanda, asi handifambe mumba nemota. Ndine dzimba dzakawanda, asi handigare kana kurara madziri dzese panguva imwe chete. Handidi kutongwa nenyama yangu nekuti ndinozvizi­va kuti inoora. Handidi kutongwa nebonde nekuti kurishaya hakusi kufa, asi kushaya Jesu kufa.

Nyama inokuvara, asi mweya haukuvare. Nyama inokamhina, inozvimba, inotyoka, inodambuka, inobviswa dzimwe nhengo ukasara uchirarama usisina ziso, usisina gumbo, zamu, chigunwe, ruoko nezvimwewo.

Izvozvo imharidzo yekuti nyama inofa, asi mweya haufe. Ndinogona kurarama, asi ini ndatapudzw­a nekuti mweya waMwari uri mandiri hautapudzi­ke.

Saka iye Mwari anopa hupenyu nekuti akaisa mweya wake matiri, ndiye wandinoda kuti atonge mandiri.

Handidi kutongwa nesimba nechinzvim­bo, hembe kana kudzidza nekuti Mambo Nebhukadhi­neza vakati vachizvive­renga pamamonya, Mwari akavaita mhuka isingazive toilet kana tishu.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe