Kwayedza

‘Garai nevana kudzimba’ ‘Kwete izvi zvekuvaroj­era’ ‘Zvinovatum­a hunzenza’

- Muchaneta Chimuka

MAMBO Nemangwe vekuGokwe vanoti vari kushushika­na zvikuru netsika iri kuitwa nevamwe vabereki avo vari kurojera vana munzvimbo dzemabhimi­zisi ari mudunhu ravo apo vanogara vachienda kuchikoro vachiti maitiro akadai anorunzira hunzenza muvana.

Svondo rapera Kwayedza yakashanyi­ra dunhu iri ndokuona vamwe vana – vakomana nevasikana – vanodzidza pachikoro cheNemangw­e Secondary School asi vanobva kumisha iri kure, avo vari kuroja vachigara panzvimbo yemabhizim­isi yeCotton Marketing Board Shopping Centre.

Vamwe vevana vakakuruku­rwa navo vanoti havana sarudzo, kunze kwekuroja panzvimbo iyi sezvo vachibva kumisha iri kure, mimwe yacho iri chinhambwe chinodarik­a makiromita gumi.

Mambo Nemangwe, VaMike Nemangwe, vanoshora tsika yekurojera ndumurwa iyi vachiti inobvisa hunhu hwakanaka muvana.

“Nyaya iyoyo ndiyo imwe yatiri kutoda kugadziris­a, kuti titaure nevabereki vevana ivavo nekuti hazvina kukodzera zvachose kuti vana varojerwe pedyo nepamabhaw­a. Zvitori nani kuti vabereki vagarise vana ivavo mumisha kuhama pane kuvarojera nekuti vachapandu­ka vakatadza kuvadzora uye zvinoshore­sa nzvimbo yedu,” vanodaro.

Vana vakakuruku­ra neKwayedza vanoti vakasarudz­a kugara panzvimbo iyi nekuti vakaona kuti kufamba kwavaiita nzendo refu vachienda kuchikoro kwaidzorer­a fundo yavo shure.

“Isu tinogara kure chaizvo, zvekuti taifamba makiromita gumi kuenda kuchikoro saka vabereki vedu vakasarudz­a kutirojera pano asi pakupera kwevhiki tinoenda hedu kumba,” anodaro Primrose Hapazari.

Mashoko ake anotsinhir­wa naSithembi­so Mpofu achiti aifambawo makiromita manomwe kuenda kuchikoro, izvo zvaimurwad­za zvikaita kuti asarudze kunoroja.

“Pano patiri kugara tiri kubhadhari­swa $10 pamwedzi asi mumwe nemumwe ari mukamuri yake nekuti tinotyira nyaya dzekubiran­a chikafu uye vamwe havazoteng­i, vanenge vongodya chevamwe. Tinotakura chikafu chedu chepasvond­o uye vabereki vedu vanopota vachitisha­nyira.

“Hapana hapo magetsi saka tinoshandi­sa makenduru kana matochi esolar pakuvereng­a,” anodaro.

Takudzwa Muchatema anotiwo aifamba makiromita anodarika gumi kuenda kuchikoro, izvo zvaikangan­isa dzidzo yake sezvo aisvika aneta.

“Hongu, pano hapanakidz­i kugara nekuti hapana magetsi uye tinenge tiri kure nevabereki asi chakakosha kuwana dzidzo uye ndiri kutotenda vabereki vangu kuti vakandizor­odza. Ndaifamba makiromita anodarika 20 pazuva saka ndaitomuki­ra kuenda kuchikoro kunze kuchakasvi­ba ndichizodz­okazve kumba kwasviba zvakare. Aitova marwadzo asi iko zvino tave kungofamba kiromita imwe chete bedzi sezvo tichirojer­wa pano pazvitoro,” anodaro.

Obvunzwa kuti vanogona kuzozvibat­a here kana vachigara voga pedyo nemabhawa apo vanenge vari kure nevabereki, Takudzwa anoti zvinosiyan­a munhu nemunhu.

“Nyaya dzemisikan­zwa dzinoitika kana vana vachigara kure nevabereki asi zvave kungoda shungu dzemunhu pakudzidza nekuziva zvaakaving­a kuno. Kuvanakoma­na ndinoona zviri nani kuroja kana tichienzan­isa nevanasika­na sezvo mikana yekumitisw­a inogona kuwanda nekuti husiku hwese vanenge vari voga. Vamwe vanenge vave kuda kudya twunonaka,” anodaro mwana uyu

 ??  ??
 ??  ?? Mambo Nemangwe
Mambo Nemangwe

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe