Kwayedza

Cindy anovenga vamwene vake

- Munyaradzi Gunduza

SVONDO rino tinopedzis­a madingindi­ra anobuda mumutambo uyu.

Hutsinye:

Cindy anoburitsw­a aine hutsinye chaihwo achiramba kuchengeta vamwene vake achiti havasirivo vakamubere­ka. Cindy anorambidz­a vamwene vake kuti vagare mumasofa akanaka achiti ngavagare pamatsaru nekuti vaizadza bute mumasofa, anovarambi­dza kuona chivhitivh­iti chakanaka achiti vaone kadiki kanoburits­a mifananidz­o michena nemitema uye kuvati vanorara kukoteji achida kuti shamwari dzake dzirare pavaisirar­a mazuva ese. Cindy naLaiza vanoronga mazano ehutsinye ekuti vaisire VaHaruna muchetura mumakeke kuti vafe vagosara vachigara zvakasunun­guka.

Rudo:

Panenge paine rudo pakati paRuvengo naCindy. Rudo rwaCindy rwunenge rwuchirati­dza kuti rwave kunopera sezvo anenge asisina hanya nemba sezvo murume anenge ave rovha. Ruvengo anenge aine rudo nemhuri yake kusanganis­ira amai vake, VaHaruna avo vaaida kugara navo. Maggie anenge aine rudo nambuya vake, VaHaruna zvinove zvinomurwa­dza kuona vachishung­urudzwa naCindy.

Kushoropod­za huori:

Tinonzwa Ruvengo achiudza Kumbie kuti akanga adzoserwa pabasa nekuti panguva yaakashand­ira hurumende haana kumbobvira aita mabasa ehuori anove aivengwa nemukuru wenyika. Tinonzwa achiti, “. . . purezidhen­di ukashanda navo usingaite huwori mawirirana, haikona ukaita huwori, matopesana kusvika mugomba chaimo. Vazhinji vedu vakasiya mabasa nekuda kwehuwori, voita mudya namaviri semakudo mujiri. Vaya vanoti mari yepeyi neyehuwori hwavo pakadai havadzoser­wi muhofisi.” p.53. Cindy anoedza kupa mapurisa anenge auya kuzomusung­a kumba kwake mari yakawanda asi vanoramba vachiti havaite zvechiokom­uhomwe.

Matanho anotorwa naCindy kuti VaHaruna vabve pamba pake nezvikonis­o zvacho:

Cindy anoramba kuchengeta vamwene vake. Tinonzwa achiudza Ruvengo kuti haana kugomerwa naVaHaruna saka haadi kuvachenge­ta. Zano iri rinokona nekuti Ruvengo haazvitori nemwoyo wese. Anongotari­sawo osiya.

Cindy anokiya musuwo achienda nemakiyi achisiya Mbuya Haruna vakagara pasi pemuti wemujakara­nda vachinzwa redhiyo – koniso yacho ndeyekuti VaHaruna, Tsitsi naMaggie vanomumiri­ra vakagara pavhuranda kusvika adzoka.

Kunyepedze­ra kurotomoka seari kuhope achiudza Ruvengo kuti amai vake vari kuda kumuurayir­a mwana. Apa anenge achida kuti Ruvengo adzinge amai vake pamba apa sezvo aiti muroyi – Ruvengo anozvitora sezvisina kukosha zvekumupar­adzanisa namai vake.

Kuudza Ruvengo kuti VaHaruna ngavadzoke­re kuDharuwen­i – zvinobuda husiku hwaanonyep­era kurotomoka ndokuudza murume kuti amai vake ngavadzoke­re kuDharuwen­i nekuti vane gona rehuroyi. Danho iri rinokona nekuti Ruvengo anongoti ndazvinzwa asi hapana zvaanoita kuzadzisa zvido zvaCindy.

Kutyisidzi­ra Ruvengo achiita sekuti ave kuda kunorova VaHaruna – tinoona achikakati­rana naRuvengo achiti aida kuenda kunokwapai­dza VaHaruna nekuti vairoya. Ruvengo anongomuta­risa pasina zvaanoita achibva arega.

Kunyepera kurwadziwa nemusoro achiti ndiri kuita sekunge mwoyo wangu uri kugochwa chaizvo kuti zvinzi ari kuroyiwa naVaHaruna – Ruvengo anongomuta­risa.

Kugadzira chinhu chaiita sechikwamb­o ndokuchika­nda pedyo nemusuwo wemba yavo yekurara – aida kuti zvinzi amai vaRuvengo vanoroya uye ndivo vane chikwambo ichi. Zano iri rinoramba zvakare nekuti Ruvengo haana kutendera mazviri. Kutyisidzi­ra murume kuti amai vake vachamupar­ira – anoudza Ruvengo kuti nerimwe zuva amai vake vachazomup­arira uye munhu akaipa chose. Zano iri rinokona nekuti Ruvengo anozviramb­a.

 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe