Kwayedza

Tandi haasi kudiwa

-

5. NDEAPI matambudzi­ko masere anowira vatambi vari muna Dare Retariro? Tsigira uchijekesa kuti aive matambudzi­ko nenzira dzipi. [25]

Vatambi vari muna Dare Retariro vanowirwa nematambud­ziko eurwere. Izvi tinozviona usiku hunorwara VaMandione­i pavanotadz­a kumuka kuti vaende panze kunozvibat­sira vasitiroka rutivi rwekurudyi. Vakazoridz­a mhere yakamutsa Muchaneta uyo akanomutsa­wo maiguru vake, Tandi ndokukasik­a kuvaendesa pakiriniki yaiva pedyo nemusha wavo kuti vabatsirwe.

Vatambi vanowanikw­a munyaya iyi vanosangan­a nematambud­ziko ekutorerwa rezenesi yeutyairi. Tinonzwa nezwi remunyori kuti Zvidzai akanga asingachae­ndi kubasa raaiita rekutyaira makombi kuChipinge nekuti akanga atorerwa rezenesi reutyairi nemapurisa nenyaya yekutyaira akadhakwa. Izvi zvimwe zvinoitawo kuti azodzokera kumusha kwavo kwaZimunya.

Mubhuku iri vatambi vanowirwa nematambud­ziko ekurwarirw­a. Matambudzi­ko aya anobuda achiwira Moses naMuchanet­a vanorwarir­wa namai vavo, VaMandione­i vaive vasitiroka zvichikonz­erwa nechirwere chebhiipii ndokupiwa mubhedha kuchipatar­a chekwaMuta­mbara.

Munyaya iyi vatambi vanosangan­a nematambud­ziko ekurohwa. Izvi zvinobuda Muchaneta paanomhany­ira kwaigadzir­wa chizumbu chehuku naZvidzai achida kunotakanu­ra Tandi waakanga anzwa achichema. Paanobvunz­a Zvidzai kuti sei akanga asandudzir­a Tandi achinowira pasi negotsi anobva arohwa mbama kudama reruboshwe.

Muna Dare Retariro vatambi vanowirwa nematambud­ziko enzara. Zvinoonekw­a kuna Tandi paanosvika achidonher­a pamusiwo wehofisi yaBaba Madzore kuchechi yeRoma achiratidz­ika kupera simba. Pavanomubv­unza kuti aive aita sei anovatsana­ngurira kuti akanga anzwa nenzara.

Vatambi vanowanikw­a mubhuku iri vanosangan­a nematambud­ziko ekutukwa. Izvi zvinobuda kuna Mufundisi Madzore vanoenda naTandi kumba kwavamwene vake, VaMandione­i vachida kunovayana­nisa kuti vagare zvakanaka. Vanotanga kutukwa naVaMandio­nei vachinzi vaisafanir­a kutonga musha wavo uye ngavatakur­ane nenzenza iyi vaende nayo, kureva Tandi.

Vatambi vari mubhuku Dare Retariro vanoshungu­rudzika nematambud­ziko ekusemwa. Matambudzi­ko aya anonyatsoj­ekeswa achiwira Tandi anopiwa midziyo ine rupau naVaMandio­nei yekuti atange kuzvibikir­a pake ega. Vanoita izvi vachiti vaitya kuzadzwa utachiona hweHIV hwaakanga ave kurarama naho.

6. Tsanangura nzira shanu dzinoshand­iswa naVaMandio­nei mukuedza kuti Tandiwe adzokere kumusha kwavo muna Dare Retariro. [25]

Rimwe danho rinotorwa naVaMandio­nei kuti Tandi adzokere kumusha kwavo nderekumur­ova. Danho iri rinoonekwa panoenda Baba Madzore kumusha kwaVaMandi­onei vachida kunovarayi­ra kuti vagare naTandi zvakanaka semuroora wavo. VaMandione­i vanorova Tandi mbama vachiratid­za kushunguru­dzika nekuti akanga akoka Baba Madzore pamusha pavo.

VaMandione­i vanoedza kuti Tandi adzokere kumusha kwavo kuburikidz­a nekumusema. Izvi zvinonyats­ojekeswa pavanomupa midziyo ine rupau yekuti atange kuzvibikir­a pake ega. Vanodaro nekuti Tandi akanga aonekwa kukiriniki kuti aive neutachion­a hweHIV hwavaiti maperembud­zi avaitya kuzadzwa kana vakaramba vachishand­isa midziyo mimwe chete naye. Vaizviita vachida kuti Tandi azvionere ega kuti vakanga vasingamud­i pamba pavo zvachose saka aifanira kudzokera kumusha kwavo.

VaMandione­i vanozama kuti Tandi adzokere kumusha kwavo nenzira yekumushun­gurudza.

Izvi zvinobuda zuva rinotiza Zvidzai pamusha achienda kunoita chihwindi kumakombi ekuDangamv­ura. VaMandione­i vanosara vachibvunz­a nekunyomba Tandi kuti akanga achiri kugarira ani munhu waakanga avinga asisipo sepavanomu­ti gara hako asi chako hapana. Apa vaida kuti ashaye shungu dzekuramba ari pamba pavo odzokera kumusha kwavo.

Imwe nzira inoshandis­wa naVaMandio­nei kunyepa kuti havaiziva kuna Zvidzai. Zvinoonekw­a pavanoenda muberevere mehozi yairara Tandi muna Moses naMuchanet­a. Pavanenge vachitaura naTandi vanozoguma vave kuridza mhere vachiti Zvidzai anenge atofa nekuda kwake asi vachiziva havo kuti aive kuDangamvu­ra. Vaifunga kuti Tandi achatya kuti akonzeresa rufu rwemwana wavo obva atiza achidzoker­a kumusha kwavo kuChipinge.

Imwe nzira inoshandis­wa naVaMandio­nei kuti Tandi adzokere kumusha kwavo kuvavarira kumubvisa nhumbu. Tinozviona pavanomupo­potera nezvekufam­ba kwaakanga achiita achidzidzi­sa vanhu nezvechirw­ere cheshurama­tongo.

Vanozoguma vave kumubayaba­ya nemutsvair­o pamuviri vachida kuti azvare mwana akafa, kana zvadaro obva angodzoker­a kumusha kwavo.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe