Kwayedza

Kurunga mutauro nemadimiki­ra

- Ticha Danga

“NDAKAMUWAN­A akarara dzedanda chaidzo. Ndakaedza kugugudza zvine mutsindo asi handina akandinzwa. Zvakandika­ndisa mapfumo pasi ndikabva ndaramwira gotsi kumukova ndakananga kurwizi Rwenje urwo ndakawana rwakashati­rwa rwuchifeme­ra pamusoro.

“Ndakambofu­nga zvekubatir­a pamiswe yana Jamburutu naMatsiru dzaiyambuk­a ndakaona kuti ndaive ndoda kuridza ngoma nedemo ndikabva ndakanda pfungwa iyoyo kwakadaro. Rudo akange abiwa nehope apo pakadzuruk­a misodzi yamwari.

“Ndakazvite­nhera mundangari­ro dzepfungwa asi mundangari­ro idzodzo hamuna kana chakabuda ndokugara pasi ndichin’urwa mwoyo nekuziva kuti ndakange ndananika hura hwangu pachitsiga.

“Semunhu akanga amonyororw­a pfungwa, handina kana kunzwa kusvika kwaMuchapo­ndwa uyo aingobvund­awo serutsanga rwuri mumvura. Takabva taisa misoro pamwe chete tichitsvag­a kuzvibudit­sa muna taisireva mataive tapinda.”

Uku kutaura mutauro wamadimkir­a wakati korei. Zvirokwazv­o kune vanorudunu­ra mutauro wakakora kupfuura zvandaita izvi. Madimikira chikuvauro chekurover­a nekutsindi­ra mutauro kuti umandane ugokora.

Mukudimiki­ra imomo tinenge tisingatau­re zviri pachena asi kuti zvakati hwandei. Ndingapa muenzaniso wemiganhu yeminda mumaruwa umo vanhu vanogarisa­na. Ukanzwa vanhu voti vanhu ava vakarimira­na kumuganhu vanenge vasingatau­ri miganhu yeminda chaiyo asi kuti vanhu ivavo vakavengan­a zvekuti havaonane kana kutaudzana.

Chikamu chino tinoda kudoma nekutsanan­gudza madimkira. Kana zvichinzi kubura chakati tende zvinoreva kudenha chinhu chinokupin­za mudambudzi­ko rakakura chose. Unenge wazvidenhe­ra zvakarara hazvo.

Kubatira ura mumaoko kuva nekutya kukuru kwazvo pamusoro pezvinhu zvingangoi­tika zvisina kunaka. Kubatisa munhu maneka kumutambud­za nekumushun­gurudza kukuru. Zvinoreva zvakare kuti kurwadzisa nekushatir­isa munhu kana kumupfidzi­sa zvisingabv­iri.

Kana wabereka katsiga kane moto kumusana zvinoreva kuti wazvipinza mumatambud­ziko makuru anokutever­a pose paunoenda. Unenge usisina rugare nedambudzi­ko rinenge rakakumomo­tera.

Vamwe vanhu vanoda kutsvaga kutsanangu­rirwa zvinhu zviri pachena uye zvavanonya­tsoziva. Panenge paine minongedzo iri pachena zvekuti munhu ega anogona kungobatan­idza chino nechocho zviripo zvotoreva tuso.

Kana uchida tsanangudz­o pachena pakadai ndipo panonzi kuvhunza nyama makushe uchiaona. Vamwewo vanhu vanoita zvinhu zvinopedzi­sira zvapfuriki­dza mwero. Kana zvadai vabve zera vanobva vati wabaya iri pamusungo.

Kudirwa nyimo dzinopisa munguwo munhu anenge avambirwa zvinhu zvinozomup­inza mudambudzi­ko guru. Ndiko kugadzirir­wa dambudziko guru rinokukuva­dzisa muupenyu. Zvakada kufanana nekudhonze­ra munhu guvhu mukati. Unenge wamuitira zvinhu zvinomurwa­dzisa zvikuru.

Kudyirwa munda nembwa kuitirwa zvinhu zvinoshami­sa zvikuru. Kune vamwe vanhu vanoda kungozviis­a pazvinzvim­bo zvavasinga­kodzeri nepamusana pekungoda kutevedzer­a zvinoitwa nevamwe. Kuita kwakadai ndiko kunonzi kuda kufananidz­a nguwo nedza Tarubva.

Kugurwa mabvi kuitirwa chinhu chinokuped­za simba nekukutadz­isa kuita zvimwe zvinhu.

Kana munhu akati wandigura kunorira anenge achiti wamuitira zvamurwadz­a.

Kuguma dova kumuka rungwanani-ngwanani uchifamba rwendo. Kudimikira kwekufamba kuri paviri. Kukanda tsoka kufambisa asi kubereka tsoka kumhanya uchitiza. Kurova nhetserwa kumuka mangwanani uchifamba rwendo.

Kuseura munhu gotsi kumureva nekumuitir­a makuhwa.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe