Kwayedza

Dura shamwari dzepabonde!

-

KUNA Chiremba

Ndiri murume ane makore 46 ekuberekwa, ndinogara kuManicala­nd. Ndakaenda kuchipatar­a munguva pfupi yadarika ndikavhene­kwa ropa rangu ndikaonekw­a ndiine utachiona hweHIV. Mukoti akabva anditaurir­a kuti ndimuudze nezvemamwe madzimai andakapind­a nawo munyaya dzepabonde. Ndakabva pachipatar­a ipapo ndashamisw­a uye ndiine kutya kukuru. Seiko ndichifani­rwa kutaura izvozvo, zvinozofam­ba sei kana mudzimai wangu akaona mudungwe wemamwe madzimai vachienda kunovhenek­wa muzita rangu? Ndiri kutyiswa nazvo. Ndibatsire­iwo ndapota.

Samanyika. Kuna Samanyika Ndinotenda zvikuru netsamba yawanyora. Rega ndikurumbi­dze pakutora kwawakaita danho rakanaka rekuenda kuchipatar­a pawakange usiri kunzwa zvakanaka nekuvhenek­wa kwawakaitw­a uchitambir­a zvainge zvabuda kuti uri kurarama neutachion­a hweHIV. Tinokurudz­ira veruzhinji kuti vange vachiteved­za matsimba ako.

Chekutanga, ndinoda kukuzivisa kuti pose paunoenda kukiriniki kana kuchipatar­a vanamukoti nanachirem­ba vanovhenek­a munhu wose anenge avashanyir­a kunyangwe nekuda kwezvimwe zvikonzero, inonzi muchirungu Provider Initiated Testing and Counsellin­g (PITC). Izvi zvinobatsi­ra kuti munhu wose ange achiziva paamire maringe neHIV. Pari zvino chikamu chinosvika makumi maviri nenhanhatu kubva muzana (26 percent) — munhu mumwe chete pakati pevanhu vana — ari kurarama neutachion­a hweHIV.

Kana munhu akararama asingazive paamire pane mikana mikuru yekurwara uye kurasikirw­a neupenyu asingazive kana kuramba achitutsir­wa humwe utachiona. Bazi rezveutano nekurerwa kwakanaka kwevana rine donzvo rekunge rapedza AIDS pachasvika gore ra2030 kuburikidz­a nekuona kuti pachasvika gore ra2020:

90% yevanhu vese vari kurarama neutachion­a vave kuziva pavamire.

90% yevanhu vese vakaonekwa kuti vane utachiona vawaniswa mishonga yemaAnti-retroviral (ARV).

90% yevanhu vese vari kutora mishonga yemaARV vanenge vakunda mukurwisa utachiona mumiviri yavo.

Zvakadai, bazi rezveutano rine hurongwa zvakare hwekuti pavanhu vanenge vaonekwa kuti vane utachiona hweHIV, shamwari dzavo dzepabonde nemhuri dzavo vange vachiongor­orwawo nekurapwa.

Va r api va noz oba t s i r a vadikanwi vako kuti vange vachivhene­kwa utachiona uye zvese zvinenge zvaudzwa vezveutano itsindidzo, hapana anozofamba achizvitau­ra kuvanhu vese-vese.

Zvakakosha­wo kuti vanhu vange vachishand­isa dziviriro yekondomu kana mishonga yekurera mhuri kudzivirir­a pamuviri pasina kurongeka.

Saka kana muchinge makumbirwa mazita nepanogara shamwari dzenyu dzepabonde nemhuri dzenyu, sunungukai kupa vezveutano zvese zvavangada kuziva kuitira kuti vese vane utachiona vakurumidz­e kuzivikanw­a, vagokurumi­dzazve kutangiswa kurapwa vararame.

Wako Chiremba.

 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe