Kwayedza

Amai vanoda kundiuraya?

-

NDIRI murume ane makore 38 ekuberekwa, ndakaroora uye tine vana vatatu. Dambudziko rangu nderekuti amai vangu vakapa mukadzi wangu mushonga vachimuti andipfuhwi­re. Mukadzi wangu akatambira asi haana kundiisira mushonga uya. Nyaya iyi ndakazoizi­va ndaona mashoko munhare yemudzimai wangu. Pandakamub­vunza akabvuma ndikamuti andipe mushonga uyu asi akamboda kuramba ndokuzondi­pa pava pashure. Mushonga uyu ndakaupa kiti ikabva yafa. Mukadzi wangu anoti moyo wake wairamba kundiisira mushonga uyu muchikafu sezvaainge audzwa naamai vangu. Zvino ini nemudzimai tiri kungonetsa­na. Sekuru, ndodini nenyaya iyi apa ina amai vangu mukati?

Iwe muzukuru nevamwe vazukuru vangave nedambudzi­ko rakadai, ndinoti itotenda mudzimai wako nekuramba kwaakaita kukuisira mushonga uyu muchikafu, ungadai wakafa sekitsi yawakapa. Dai mudzimai wako aine shavi rekuroya, angadai akabvuma zvaakaudzw­a naamai vako. Saka mudzimu wake wakaramba kuuraya kana kuite ropa mumawoko memudzimai iyeye.

Moyo wake wakaramba, mudzimu ikakupangi­dza zvacho zvaide kuitwa. Kureva kuti mudzimai wako ane moyo wakanaka, uye akatokunun­ura.

Ndinoti iwe unofanirwa kutotenda mudzimai wako, muwirirana uye muchigaris­ana mune zvakanaka nekuti dai asingakude angadai akakuisira mushonga uyu, nhasi usiko.

Nekuda kwekuti nyaya iyi ina amai vako mukati, inonetsa kungovaudz­a nekuti ungakoromo­re imwe ukapara mhosva inozoda kuripwa. Chinongodi­wa bedzi kuti iwewe uchisimbis­wa kuchivanhu kana kumachechi nekuti hazvizivik­anwe zvichida amai vako vachiri kuedza zvimwe.

Kana wakwanisa, iwewe nemudzimai wako munogona kusvitsa nyaya iyi kumadzisek­uru vekumusha kwaamai vako, mudzimai wako ovatsanang­urira zvakaitika chaizvo. Ndivo vachafamba nemi kuti vanzwe chokwadi. Asi iwewe muzukuru hazviite kuti uudze amai vako, zvinhu zvinokuome­ra mangwana.

Kwayedza pa: 0714 200 007 kana 0775 421 949 kana 0715 942 183

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe