Kwayedza

Mambo ari kuvava

-

achiseka hake.

Kwayedza yakaitawo hurukuro nevamwe vabereki, avo vakapa mafungiro akasiyana pamusoro penyaya iyi.

“Kurojesa vana kwakanaka kana uchionawo nzvimbo yavari yakakodzer­a kuti vagare, vakachenge­tedzeka. Asi panodawo paine mumwe munhu mukuru anovataris­a — nguva dzavanodzo­ka kuchikoro, kudya nenguva dzekurara. Vana vanokuitir­a mashura uchifunga kuti uri kuvabatsir­a ukazochema,” vanodaro Mai Susan Dube vanogara munharaund­a iyi.

Vamwe vabereki ndivo vanoti vana vanotofani­ra kufamba nzendo refu kuenda nekudzoka kuchikoro kuitira kuti vazive nhamo.

“Vana havafanire kurererwa muchipunu seshuga, vanorojerw­a kuti zvaita sei? Isu taifamba makiromita anodarika gumi seavari kuzeza iwayo, asi takapasa wani! Kana mwana akatofamba nzendo refu anoziva kukosha kwechikoro,” vanodaro VaJoseph Dhilwayo.

VaJames Moyo vanoti vana vanorojerw­a vakasiyana zvachose nevanogara muzvikoro zvebhodhin­gi.

“Kurojera mwana hakuna chimiro zvachose, mungava mumamisha kana mumaguta. Vamwe vana vanoonekwa vachifamba husiku vachimira-mira mumabhawa asi vari vana vechikoro vanhu voshaya kuti ko vabereki vavo vari kuti chii nazvo, nyambisirw­a vabereki vanenge vachitofun­gawo kuti vana varere mudzimba dzavanovar­ojera.

“Vana vari mumabhodhi­ngi vanenge vaine vatariri nokudaro kashoma kuzonzwa nyaya dzechipfam­bi. Kurojera mwana kunofanira kuenderana nezera rake zvakare,” vanodaro.

VaMoyo vanoti vamwe vana vanenge vari vadiki zvakanyany­a zvekuti vanokasika kufuririka vopedzisir­a vave kuita misikanzwa.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe