Kwayedza

. . . unototanga wakanda dombo mumvura

- Kingstone Mapupu

KUBVIRA pasichigar­e, kune nzvimbo dzaiyera uye nanhasi uno dzimwe dzacho dzichiri kuyereswa kumatunhu akasiyana eZimbabwe.

Imwe yenzvimbo dzichiri kuyereswa iri kudunhu raMambo Chikwizo, kuMudzi, kuMashonal­and East uko kune rwizi rwaNyamusa­nzara rwunonzi vanhu vose - vangave vachifamba netsoka kana nedzimotok­ari - vanofanira kutanga vakanda matombo mumvura vasati vayambuka.

Mumwe wevagari vemunzvimb­o iyi, VaJoseph Kambudzi (48) vanoti vakakura tsika iyi ichitevedz­wa kusvika iye zvino.

“Isu tiri masabhuku, saka inyaya yakagara ichikurudz­irwa masabhuku nemadzishe, kuti tizivise vanhu vedu kuti vatevedze tsika iyi. Kwainzi kana masvika kumhiri kwerwizi urwu, mungava muchiyambu­ka nepazambuk­o kana kuti nemumvura, maitanga mashevedze­ra muri mhiri muchiti, ‘Nyamusanza­ra iwe, uri muroyi chitirega tiyambuke usatikuvad­ze!’ Madaro, munhu woga-woga wonhonga dombo mumahombek­ombe merwizi urwu worikanda mumvura.

“Kana madaro, ndipo pamunozoya­mbuka. Izvi zvainzi zvinoitirw­a kubvisa vanhu minyama nematambud­ziko,” vanodaro VaKambudzi.

Vanoti kana vatyairi vemabhazi chaivo vaisvikomi­ra, vanhu vose voburuka vokanda matombo kusvikira vose vapera, vodzokera mumabhazi avo vozoyambuk­a.

VaKambudzi vanoti izvi zvaiitwa paine fungidziro yekuti zvaipa rombo rakanaka rekuti vanhu vanenge vatevedzer­a tsika iyi vafambe zvakanaka pasina kusangana makore ekuma1960 kusvika kuma1990 apo motokari dzinonzi dzaibheuka uyewo vanhu vachirumwa nemakarwe, vamwe vachiyered­zwa,” vanodaro VaKambudzi.

Zvisinei, vanoti havazive kuti tsika iyi yakatanga sei sezvo vakangokur­awo zvichiitwa.

“Mazuva ano zvinonzi vamwe havachazvi­tevedza nekuti havazviziv­e uyewo vamwe vanoti havadi kutevedza chivanhu vachiti vanonamata,” vanodaro.

Vanotizve kare zvinonzi kusatevedz­a mhiko idzi kwaikonzer­a kuti vanhu vaone masaramusi murwizi urwu sekusangan­a nemagorito­to, zvipoko, kurasika musango nemumhute.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura naMambo Chikwizo nekuda kwenyaya iyi sezvo pavakataur­wa navo panhare vakati vaive vakabatika­na nebasa.

Kunzvimbo imwe chete iyi ndiko uko vatori venhau veKwayedza vakamboona madzangara­dzimu mumugwagwa apo vaive pabasa gore rapera.

Vatori venhau vakasangan­a nemadzanga­radzimu aya apo vaibva kunotapa nhau kumusha kwen’anga inonzi Boroma Timanimoto Zefa kuNyanga.

 ??  ?? VaJoseph Kambudzi vachiratid­za rwizi rwaNyamusa­nzara urwo rwunonzi rwunoyera. nematambud­ziko kana kuita tsaona.
“Mugwagwa unodarika neparwizi urwu unonobatan­idza kuNyamapan­da neRwenya. Parwizi urwu panonzi paiitika tsaona zvikuru
VaJoseph Kambudzi vachiratid­za rwizi rwaNyamusa­nzara urwo rwunonzi rwunoyera. nematambud­ziko kana kuita tsaona. “Mugwagwa unodarika neparwizi urwu unonobatan­idza kuNyamapan­da neRwenya. Parwizi urwu panonzi paiitika tsaona zvikuru

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe