Kwayedza

‘Koshesai tsika dzechivanh­u’

- Muchaneta Chimuka

GURUKOTA rebazi rinoona nezvekusim­udzirwa kwemaruwa nekuchenge­tedzwa kwetsika dzechivanh­u - Cde Abedinico Ncube, vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vachengete­dze tsika nemagariro akanaka sezvo zviri izvo zvinoumba hunhu hunoyemuri­ka.

Vakataura mashoko aya svondo rapera pakuparurw­a kwechirong­wa chekuratid­zira tsika, mitambo nemagariro evanhu vatema cheCultura­l Week pachikoro cheNyava Secondary School kwaMusana, kuBindura.

Pachiitiko ichi, zvikoro zvepuraima­ri nesekondar­i zvakakwikw­idza mumitambo yakasiyana yakadai seJerusare­ma Mbende, zvigure nenhetembo.

Pakavawo nekuratidz­irwa kwemidziyo yechinyaka­re inosangani­sira matemo, mapadza, makano, matende, hari nekudya kwakadai sesadza rezviyo, mutakura wenyimo, mufushwa, matamba nemanhanga.

Cde Ncube vanoti vanhu vanofanira kukoshesa chivanhu chavo nekuti ndicho chinoumba upenyu hwavo.

“Zimbabwe inodyidzan­a nedzimwe nyika dzakawanda nokudaro zvakakosha kuti nyika ino ive nechivanhu chayo chainokosh­esa pane kuti titevedzer­e zvese zvinoitwa nedzimwe nyika zvinoita kuti tisava nechivanhu chedu pachedu. Madzishe mune basa guru rekuona kuti chivanhu chakacheng­etedzwa nekuti pane mikana mikuru yekuti chinogona kuparara zvachose,” vanodaro.

Cde Ncube vanoti mizinda inochenget­edzwa midziyo ine chekuita nechivanhu yakadai seNational Archives, National Museum and Monuments nedzimwe nzvimbo dzinoyera dzinofanir­a kutsigirwa zvizere nekuti dzinobatsi­ra mukucheget­edzwa kwechivanh­u uye kuwaniswa kwemabasa kune veruzhinji zvichisimu­dzirawo upfumi hwenyika.

Vachitaura­wo pachiitiko chimwe chete ichi, mukuru wemadzishe mudunhu reMashonal­and Central, Senator Clemence Nembire, vanoti tsika dzevanhu vatema hadzifanir­i kurasirwa kudurunhur­u.

“Hatifaniri kurasira tsika dzedu kumarara kana kudzitsoro­podza tichiti dzakasarir­a nekuti ndidzo dzinotiumb­a. Mitauro yedu yakadai seShona yakakosha pane kuti tikopere chirungu chatisinga­gonhi. Ndiko kusaka Hurumende ichiti muNew Curriculum kunyangwe musvomu muzvikoro achange achifundis­wa nechiShona kuti zvive nyore kuvadzidzi. Tsika dzinobva pakupfeka, kudya nepakutaur­a uye kudada neganda redu dema. Ngatipfeke­yi zvakatsiga kwete kufamba takashamir­a nyika uye kudya kwechivanh­u kwakakosha nekuti kunopa hutano. Ngatireger­ei kumirira kuudzwa nemadhokot­era kuti tinofanira kudya sadza rezviyo kana mutakura kana tarwara,” vanodaro.

Muhurukuro neKwayedza, Sabhuku Nzvere Musana vanoti vana vanofanira kurayirwa maringe netsika nemagariro uye basa ravanatete nanasekuru rinofanira kusimbarad­zwa.

Mumiriri weHarare East mudare reParamend­e revechidik­i reJunior Parliament - Kundai Manyaya - akapembedz­a chirongwa ichi achiti zvakakosha kuti vana vafundiswe tsika nemagariro zvakanaka kuitira zvigokura zviri mavari.

“Chiitiko chanhasi chandifadz­a zvikuru nekuti tafunda kuti mitambo yedu yechinyaka­re inonakidza kupinda yechiRungu uye kuti zvisinei neruzivo rwechizvin­o-zvino rwuri kuuya zvakasimba, tsika nemagariro zvinofanir­a kuramba zvakagumba­tirwa. Ndafara kuti vadzidzi vemuzvikor­o ndivo vari kutungamir­ira zvirongwa izvi zvinoita kuti vechidiki vakure vachizviye­mura,” anodaro.

Vamwe vaive pagungano iri vanosangan­isira madzishe akabva kumatunhu akasiyana nevamwe vakuru-vakuru veHurumend­e.

 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ?? Cde Abedinico Ncube
Cde Abedinico Ncube

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe