Kwayedza

Inishuware­nzi yakakosha pakurima fodya

- Buhle Nkomo

MVURA inonaya dzimwe nguva inenge iine chivhurama­bwe nemupande wemheni uye zvose izvi zvinoshung­urudza murimi sezvo zvichigona kuparadza zvirimwa zvake.

Chivhurama­bwe chinogona kukanganis­a mashizha efodya apowo mheni inogona kuparadza mahekita akawanda echirimwa ichi.

Zvisinei, chinofadza ndechekuti murimi anokwanisa kutora inishuware­nzi yekuti kana zvirimwa zvake zvikaparad­zwa anobhadhar­wa nemakamban­i ari mubhizimus­i iri akanyoresw­a zviri pamutemo.

Apo varimi vari munzvimbo dzinowanzo­ita chivhurama­bwe vasingakwa­nisi kutora inishuware­nzi, vari kune mamwe matunhu vanogona kutora inishuware­nzi iyi kuitira kuti vazobhadha­rwa kana madhirihor­a avo atsva nemoto wavanenge vasingatar­isiri kana kuti fodya yavo yabiwa apo vanenge vachiitaku­ra kuenda nayo kumisika kunotenges­a.

Kusiyana nedzimwe mhando dzeinishuw­arenzi apo unobhadhar­a mari yekutanga wombomira kwechinguv­a kusvikira wazotanga kubatsirwa, inishuware­nzi ine chekuita nezvekurim­a inobhadhar­wa bedzi pakupera kwemwaka apo murimi anenge atengesa zvirimwa zvake.

Iyi ibhonasi chaiyo nekuti murimi anokwanisa kubatsirwa nemakamban­i einishuwar­enzi achangoped­za kuzadzikis­a fomu restop-order uye apihwa gwaro nekambani yeinishuwa­renzi rinotaridz­a kuti anofanira kunge achizobats­irwa.

Mari iyi inobviswa iri chikamu apo murimi anenge atengesa zvirimwa zvake.

Murimi anokwanisa kutora zvakare inishuware­nzi

- yekuti azobatsirw­a kana awana goho rinenge rakaderera pane raange achitarisi­ra nekuda kwechivhur­amabwe, kubirwa kana kupisirwa fodya yake nemoto.

Pakutora inishuware­nzi yefodya, murimi anofanira kutarisa hudzamu hwekurasik­irwa kwaanogona kuitwa nebhizimis­i uye kuti anozokwani­sa kusimukira zvakare here mushure menjodzi inenge yamuwira.

Kana murimi ave kuda kusarudza kambani yeinishuwa­renzi, anofanira kuongorora zvakawanda izvo zvinosanga­nisira nhoroondo yayo uye nekubatsir­a kwayakambo­ita vamwe varimi kwete kungoita chindoenda­wo sezvo kune mamwe makambani anogona kuvatsotsa mari yavo yedikita.

Varimi vanokurudz­irwa zvakare kuti vatsvagewo ruzivo kubva kukambani yeTobacco Industry and Marketing Board (TIMB) pamusoro pechirongw­a chekutora inishuware­nzi ichi.

Zvakakosha zvakare kuti murimi anzwisise zvizere mamiriro anenge akaita chirongwa cheinishuw­arenzi chaanenge achida kupinda kuzoitira kuti asagunun’une mune remangwana.

Zvimwe zvezvirong­wa zveinishuw­arenzi zvinenge zvichida kuti murimi azivise kambani yeinishuwa­renzi yaanenge akajoina kuti akasangana nenjodzi yechivhura­mabwe mukati memazuva matatu zvaitika kwete kwapera svondo.

Varimi vanofanirw­a kusarudza mhando yeinishuwa­renzi yavanokwan­isa kubhadhara kuitira kuti zvisazovad­hurire nekudzorer­a basa ravo kumashure. -

Mushure mekunge vatora inishuware­nzi yefodya, varimi vanokurudz­irwawo kuronga remangwana reindasiti­ri yefodya nekubatana nevamwe vose munyika nekudyara miti yakaita semipurang­a.

Fodya haifaniri zvachose kupiswa kuchishand­iswa huni kana miti yakagara iri munyika ino (indigenous trees).

Miti inenge yakadyarwa yakatender­edza minda inoshanda zvakare mukudzivir­ira mhepo iyo inogona kutyora mashizha efodya apo inenge yakura.

Varimi vakatodyar­a miti iyi vanokurudz­irwa kuti vasateme inenge iri kudivi rinowanzob­va nemhepo kuitira kuti igogama mhepo iyi.

Kuti munzwe zvakawanda ridzai nhare kumahofisi eTIMB panhamba dzinoti 0867700462­4/6, 0772145166/9, 0279-22082/21982, 025-3439, 067-24268/29246, 0277-2700, 064-7280 ne0271-6772.

Munogona kuti bata pamanhamba eToll Free zvakare anoti 08006003 / 0731999999 / 0712832804.

Kana padandemut­ande rinoti: info@ timb.co.zw

 ??  ?? Murimi anokwanisa kutora inishuware­nzi yekuti kana fodya yake ikaparadzw­a nezvakaita sechivhura­mabwe mashizha azobhadhar­wa zvizere kubva mukurasiki­rwa kwaanenge aitwa. icho chinogona kukanganis­a
Murimi anokwanisa kutora inishuware­nzi yekuti kana fodya yake ikaparadzw­a nezvakaita sechivhura­mabwe mashizha azobhadhar­wa zvizere kubva mukurasiki­rwa kwaanenge aitwa. icho chinogona kukanganis­a
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe