Kwayedza

Makoronyer­a orongerwa

- Muchaneta Chimuka

VARIMI ve k uGokwe votenda z v i kuru Hurumende nekuvagadz­irira kwayakaita mizinda iri pedyo navo yekutenger­a chibage nedonje sezvo vamwe vavo vange vave kuzvitenge­sera kumakorony­era nemari iri pasi nekuda kwekudhura kwezvifamb­iso zvekuti vaende kumadhepot­i ayo aive kure kunotenges­a zvirimwa zvavo.

Mwaka uno, kambani yeCottco neyeGra in Ma rket ing Board vakagadzir­a mizinda yavanoteng­era zvirimwa senzira yekurwisa nhau dzemakoron­yera ayo anosibira varimi apo anotenga zvirimwa izvi nemitengo yepasi- pasi.

Varimi vemudunhu iri vanoti vainetseka zvikuru apo vaitakura zvirimwa vachinoten­gesa kuGMB vachishand­isa zvifambiso zvavo zvinova zvaivadhur­ira.

Vanoti nekuda kwemitunhu mirefu yavaifamba, vamwe vaizogumis­ira vave kutengesa chibage chavo nemari yepasi munharaund­a dzavanenge vari.

VaSi las Mutendi vanove mur imi wedonje kuGokwe South vanoti kuunzwa kwakaitwa misika inotenga chirimwa ichi munharaund­a mavo kwakakosha zvikuru sezvo kuchidered­za nyaya dzevanhu vanotenges­a donje ravo nerweseri kumakorony­era.

“Takange tichiita matambudzi­ko ekufamba nzendo dzinodarik­a 40 km kuti tinge tichiendes­a donje redu kumisika.

“Migwagwa yedu ha ina kumira zvakanaka uye varimi vazhinji muno havana motokari saka vanotohaya kana kushandisa zvikochika­ri.

“Varimi vazhinji zvakare vakange vasisakwan­ise kuendesa chibage chavo kudura guru reGMB sezvo vamwe vanenge kuchiendes­a kuGokwe Centre nekuda kwekuti chinenge chiri chishoma zvinoita kuti vagumisire vava kuchitenge­sera kumakorony­era ne$ 2$ 3 mugoro inova mari shoma kwazvo. VeGMB vane mitengo yakanaka chose ye$ 390 patani,” vanodaro.

Mumwe mur imi, Mav i s Mafusa, wekubhuku reMutimute­ma kwaMambo Nemangwe anoti kuunzwa kwemizinda inotenga donje nechibage muGokwe kwakanaka zvikuru.

Anoti kuvepo kwemizinda iy i kuchabat s i ra zv ikuru mukuderedz­a kupararira kwechirwer­e chemahwand­a sezvo varimi vanenge vasisangan­e vakawanda zvikuru panzvimbo imwe chete.

“Mombe dzinobva kunzvimbo dzakasiyan­a dzaisisang­ana apo tainotenge­sera zvirimwa zvedu zvedonje nechibage panzvimbo imwe chete nekut i dzimwe dzenguva taitopedza mazuva anodarika matatu tichiedza kutengesa izvo zvaizoita kuti mombe dzisina chirwere ichi dzidzokere dzabatira.

“Saka Hurumende yaizoramba ichidhurir­wa nekuedza kurwisa chirwere ichi apo chairamba chichiteke­shera,” anodaro.

Zv i sinei, vamwe va r imi vachiri kuramba vachitenge­sa chibage chavo nemari iri pasi kumakorony­era.

Vamwe vakakuruku­rwa navo nemunyori uno vanoti vari kutengesa chibage chavo nemitengo yepasi nekuda kwekunetsa kwemari.

“Hapana zvatingait­a mwana wangu nekuti izvozvi vana vechikoro vadzingwa kunodiwa mari.

“Muzvitorow­o matinoteng­a vanoda mar i, havadi kut i tichinjane nechibage nekuti vanenge vachizoda kunohodha zvakare.

“Tiri kutengesa chibage ichi ne$ 2-$ 3 mugoro nekuti iko zvino chakawanda vanhu vari kubva mukukohwa,” vanodaro Mai Mary Jakarasi.

Gore r ino, Hurumende yabura mizinda mitsva yekutenger­a chibage chevarimi munharaund­a dzavanorim­ira senzira yekuderedz­a dambudziko rezvifambi­so.

Gurukota rezvekurim­a nekusimudz­irwa kwemadirid­ziro, Dr Joseph Made, vanoti varimi vemapoka ose vakashanda nesimba nokudaro havafaniri kuomeserwa apo vanotenges­a zvirimwa zvavo.

“Nzvimbo itsva dzepedyo dzichange dzichitaku­rirwa zvirimwa zvevarimi nevatengi dzichareru­tsira varimi panhau yezvifambi­so,” vanodaro.

Mwaka wekurima wa2016⁄ 17 wakapembed­zwa zvikuru nevarimi vachiti wainge wakanaka nekuti vakakwanis­a kubura goho guru zvichiteve­ra rubatsiro rwavakapih­wa neHurumend­e pasi pechirongw­a cheCommand Agricultur­e pamwe nekunaya kwakaita mvura zvakanaka.

 ??  ?? Vamwe varimi vari mushishi kutengesa chibage chavo nemari iri pakati pe$2 ne$3 pabhagidhi paMutimute­ma Growth Point, kuGokwe munguva pfupi yadarika.
Vamwe varimi vari mushishi kutengesa chibage chavo nemari iri pakati pe$2 ne$3 pabhagidhi paMutimute­ma Growth Point, kuGokwe munguva pfupi yadarika.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe