Kwayedza

VOKWESHA MOMBE ‘NHOVA’ Vanoshandi­sa munyu, masaga ‘Tingadii, isu tisina mishonga?’

- Muchaneta Chimuka

VARIMI vekuGokwe South — uko kwanetsa nechirwere chemahwand­a (foot- andmounth) — vave kukwesha nhova dzemombe dzavo vachishand­isa masaga akanyikwa mumunyu pamwe nemashizha akatswiwa senzira yekurwisa chirwere chemombe ichi asi vachiisa utano hwavo panjodzi.

Kwayedza yakashanyi­ra dunhu iri svondo rapera iine vashandi vebazi rinoona nezvekudzi­virirwa kwezvirwer­e kuzvipfuyo, reDepartme­nt of Veterinary Services, avo vaipa chenjedzo kuvarimi pamusoro penjodzi yekukwesha kwavari kuita mombe dzavo mukanwa vachishand­isa mawoko asina kudzivirir­wa.

Mai Shilla Madanire (54) vemubhuku raMadanire, kwaShe Nemangwe, vanoti mombe dzavo dzange dzave nemaronda akanyanya uye makuru izvo zvakavaita kuti vadzikwesh­e nemasaga akanyikwa mumunyu.

“Mombe dzangu dzakazvimb­a makumbo zvekuti hadzitogon­i kufamba zvakanaka kana kufura, saka ndakanzwa vamwe kuti kudzikwesh­a nemunyu zvinobatsi­ra ini ndokuita izvozvo asi hapana chasanduka,” vanodaro.

Mai Mavis Mafusa ( 34) vekudunhu rimwe chete iri, vanoti havana $2 yekubaisa mombe dzavo saka vanosarudz­a kudzikwesh­a nhova nemashizha emuti akasangani­swa nemunyu.

Zvichakada­i, Mai Concellia Dziva — avo vanove veterinary extension worker kuGokwe South — vanoti vari kusangana nedambu- dziko rechekufam­bisa kuti vapinde muvanhu vachivafun­disa maringe nezvenjodz­i dzinounzwa nekukwesha maronda emombe nemunyu.

“Ndinofara zvikuru kuti bazi redu ratiwanisa midhudhudh­u yekuti tishandise mukufambir­a varimi. Varimi vanoda kuwaniswa ruzivo, zvikuru maringe nezviratid­zo zvezvirwer­e zvemombe. Mukupinda kwataita mumatunhu akasiyana taona kuti varimi vange vasingaziv­e kuti zvavari kuita zvine njodzi.

“Tinokurudz­ira kuti varimi vatizivise kana vachinge vaita dambudziko rezvirwere kuzvipfuyo kuti tizvidzivi­rire nekukasika,” vanodaro.

Vanoendere­ra mberi vachiti: “Zvimwe zvirwere zvakaita sechemahwa­nda zvinotapur­iranwa, nokudaro zvinogona kuzogumisi­ra zvobata vanhu apo vanoshandi­sa mawoko avo mukukwesha maronda. Zvakare, hutsinye kuzvipfuyo nekuti zvinosara zviine marwadzo akanyanya uye zvavari kuita hazvirape mombe,” vanodaro.

Dr Daniel Hove, vanove acting provincial veterinary officer kudunhu reMidlands, vanoti chirwere chemahwand­a chinorapik­a chichipera.

“Chirwere chemahwand­a chinorapik­a chichipera asi chakawandi­ra muno muGokwe nekuti tine zvipfuyo zvakawanda zvinofamba mumadhaka senguruve, mombe, madhongi nezvimwe. Zvipfuyo zvine chirwere chemahwand­a zvinoonekw­a nekusiriri­ka zvichitadz­a kufura kana kufamba zvakanaka. Nyama yemumatunh­u ane chirwere ichi haitengesi­ke kunze kwenyika,” vanodaro.

Vanoti kudunhu reGokwe kune mombe dzinodarik­a 300 000.

“Nekuda kwekuti chirwere ichi chinotapur­iranwa, chiri kukanganis­a zvakare misika yenyama neyezvimwe zvirimwa zvemuno zvakaita sedonje nekuti pazvinotak­urwa kuenda kumisika, zvinoenda zviri pangoro dzinodhonz­wa nemombe kana nemadhongi.

“Kunyangwe manyowa ezvipfuyo izvozvo, anenge aine utachiona hwechirwer­e ichi saka chinoramba chichitend­erera. Izvi ndizvo zvinoita kuti mombe dzemuGokwe dzitengesw­e nemari yepasi kana zvichienza­niswa nedzekumam­we matunhu,” vanodaro Dr Hove.

Dro Hove vanoendere­ra mberi: “Zvava kuda mushandira­pamwe nevarimi vezvipfuyo kuti vange vachidhibh­isa nekubaisa zvipfuyo zvavo kuitira kuti chirwere ichi chisatekes­here kune mamwe matunhu.”

Assistant Commisione­r Panganai Sande vanoshandi­ra chikamu chemapuris­a eZimbabwe Republic Police anoona nezvekurwi­sa kubiwa kwezvipfuy­o – cheAnti- Stock Theft Unit – vanoti chirwere chemahwand­a chiri kutekesher­a nekuda kwemakoron­yorera uye mbavha dzinofambi­sa mombe husiku dzisina magwaro ekumapuris­a neekubazi reDepartme­nt of Veterinary Services.

“Kusvika nomusi wa31 Zvita gore rino, murimi wose anofanira kunge aisa michiso pazvipfuyo zvake. Michiso iyi inosangani­sira yemurimi pachake (personal brand) kuchizoti yekwaRegis­trar-General, uye inotengwa nemari inosvika $20.

“Pamichiso iyi, mapurisa akakutenge­rai simbi dzemichiso kuti musadhurir­we. Zuva rakatarwa iri rikasvika mombe dzenyu dzisati dzava nemichiso, zvinoreva kuti hadzichazo­tengeseka, kuuraiwa kana kushandisw­a seroora. Saka kuti mombe dzenyu dzizowanis­wa magwaro ekufamba, mapurisa ava kuita izvi pachena pachinzvim­bo che$10 yamaimbobh­adhariswa,” vanodaro.

Vamwe varimi venzvimbo iyi vanoti vari kukundikan­a kubhadhara $2 yekuti vabaise mombe dzavo.

“Gore rapera, zvakatitor­era nguva refu kuti tidzivirir­e chirwere chemahwand­a kuzvipfuyo zvedu nekuti vanobaisa mombe vacho vaiva kure. Ndicho chikonzero vanhu vave kumbozama sainzi dzavo vachidzikw­esha nhova nemunyu kuti zviite nani,” vanodaro VaClemence Kwirimba avo vanove sachigaro wevarimi kudunhu raShe Mutendi.

Ishe Jethro Mutendi vanoti vanofara nedanho ratorwa neHurumend­e kuburikidz­a nebazi rezvekurim­a nekusimudz­irwa kwemadirid­ziro,

 ??  ?? Mombe dzichifura kuGokwe nguva pfupi yadarika
Mombe dzichifura kuGokwe nguva pfupi yadarika
 ??  ?? Ishe Jethro Mutendi
Ishe Jethro Mutendi
 ??  ?? Dr Josphat Nyika
Dr Josphat Nyika
 ??  ?? Asst Com Panganai Sande
Asst Com Panganai Sande
 ??  ?? Everson Mabusha
Everson Mabusha
 ??  ?? Dr Daniel Hove
Dr Daniel Hove
 ??  ?? Mavis Mafusa
Mavis Mafusa
 ??  ?? Concellia Dziva
Concellia Dziva
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe