BHUDHI NASISI TIBA MURUDO!
‘Ropa redu rakapindirana’ Mukuwasha akadzingwa
MURUME wekwaNemangwe, kuGokwe, ari kudura kuti apengesana murudo nehanzvadzi yake zvekuti akatosvika pakuzvambaradza mukuwasha wake nekuda kweshanje zvikaita kuti apate musha.
Moses Dhlamini (45) naShamiso Mbano Mhesi ( 33) — avo vagere mubhuku raTakavata — vari kupengesana zvekuti havatombonyara kuratidza rudo rwavo kuruzhinji zvisinei nekuti ihanzvadzi nehanzvadzi.
Amai vaDhlamini nevaMhesi mukoma nemunin’ina asi murume uyu akatosvika pakurwisana nemurume waMhesi — Jonathan Muchena (43) nekuda kwenyaya iyi zvikaita kuti mukuwasha atize pamusha pake.
Pachivanhu, vaviri ava — Dhlamini naMhesi — ihanzvadzi nehanzvadzi zvekuti havatenderwe kuita rudo pakati pavo. Izvi zvikaitika ndicho chinonzi chipini kana kuti makunakuna.
Muchena anonzi airohwa zvakaomarara naDhlamini nguva nenguva kudzimara azotiza pamusha pake mugore ra2012 ndokuenda kusina anoziva achisiya mudzimai wake nemhuri.
Mhesi naDhlamini vose vanotsinhira kuti vari kupengesana murudo — zvisingaite!
Mukuzobuda kwenyaya iyi, Muchena anonzi akawana runyerekupe rwekuti mudzimai wake aidanana nehanzvadzi yake Dhlamini, izvo zvakazoita kuti avawanikidze kakawanda vachishinha.
Muchena naMhesi vane vana vana pamwe chete uye mukadzi uyu anonzi akambotiza pamusha achienda kubasa kuKwekwe uko akanoita mumwe mwana wechishanu nechimwewo chikomba chaanoti ndechekuMhondoro.
Nyaya yekudanana kwaMhesi naDhlamini inonzi yakambopindirwa nevechikuru vemunzvimbo iyi asi vakakundikana kuvarambanisa.
Paakabvunzwa nezvemakunakuna aya neKwayedza, Mhesi haana kuramba kuti anodanana nabhudhi (hanzvadzi) wake.
“Murume wangu chaiye ndiJonathan Muchena, uyu bhudhi Moses Dhlamini chikomba changu bedzi. Ndakazodanana naye arambana nemukadzi wake, ininiwo murume wangu Jonathan aiita tsika yekunditiza nevana achitisiya tisina kana chekudya.
“Bhudhi ndakadanana naye mugore ra2012 apo murume wangu akabva azotiza pamusha zvachose, kusvika nanhasi handizive kwaari,” anodaro Mhesi asi kana nyadzi.
Anoti vakadanana naDhlamini asingazive kuti ihanzvadzi yake sezvo achiti vakakurira kwakasiyana.
“Takazoudzwa nevakuru kuti tiri hanzvadzi nehanzvadzi asi takanga tatova nenguva tichidanana. Murume wangu Jonathan ndiye akakonzeresa nyaya iyi nekuti ndakadanana naMossy kuti andichengetere vana vangu — kuvapinza chikoro nekutipa kudya.
“Murume wangu chaiye akabvira kare achingotiza mhuri, pamwe aitondisiya ndiine pamuviri achienda kuchikorokoza kuZenda,” anodaro Mhesi.
Asi Mhesi akazosanduka ndokuti Dhlamini anogara achimurovawo zvose nevana vake vashanu.
“Mossy anouya achirara pano husiku, asi anozoramba arimo mumba achiramba kuenda kumba kwake kusvika masikati. Chikomba chinofanirwa kuitwa muchivande, ndizvo zvandaida kuti aite asi iye anoramba kuita zvechihwande. Manje ini handichamuda nekuti anodzinga mwana wangu mukuru pano.”
Mhesi anotsinhira zvakare nyaya yekuti Dhlamini ndiye akarova murume wake kudzimara atiza musha nekutyira upenyu hwake.
Kwayedza payakasvika pamba paMhesi yakamuwana akatsvuka ziso ichiti ainge arohwa nezvibhakera naDhlamini.
“Ehe, anondichengeta asi ndaneta nekurohwa naye saka handichamuda. Asi iye haasi kuda kurambwa, ari kugara achipfurwa nerekeni nemwana wangu mukuru kubva pandakamuudza kuti handichada kumuona pamba pedu.
“Ndakamboenda kwasabhuku nekumapurisa ekuCMB asi hapana zviri kubatsira kuti Mossy abviswe pamba pangu,” anodaro Mhesi.
Dhlamini anonzi ari kubheja kuti haadi kuona mumwe murume anopinda mumba maMhesi achiti
Endai kuPEji 12