Kwayedza

BHUDHI NASISI TIBA MURUDO!

‘Ropa redu rakapindir­ana’ Mukuwasha akadzingwa

- Kingstone Mapupu

MURUME wekwaNeman­gwe, kuGokwe, ari kudura kuti apengesana murudo nehanzvadz­i yake zvekuti akatosvika pakuzvamba­radza mukuwasha wake nekuda kweshanje zvikaita kuti apate musha.

Moses Dhlamini (45) naShamiso Mbano Mhesi ( 33) — avo vagere mubhuku raTakavata — vari kupengesan­a zvekuti havatombon­yara kuratidza rudo rwavo kuruzhinji zvisinei nekuti ihanzvadzi nehanzvadz­i.

Amai vaDhlamini nevaMhesi mukoma nemunin’ina asi murume uyu akatosvika pakurwisan­a nemurume waMhesi — Jonathan Muchena (43) nekuda kwenyaya iyi zvikaita kuti mukuwasha atize pamusha pake.

Pachivanhu, vaviri ava — Dhlamini naMhesi — ihanzvadzi nehanzvadz­i zvekuti havatender­we kuita rudo pakati pavo. Izvi zvikaitika ndicho chinonzi chipini kana kuti makunakuna.

Muchena anonzi airohwa zvakaomara­ra naDhlamini nguva nenguva kudzimara azotiza pamusha pake mugore ra2012 ndokuenda kusina anoziva achisiya mudzimai wake nemhuri.

Mhesi naDhlamini vose vanotsinhi­ra kuti vari kupengesan­a murudo — zvisingait­e!

Mukuzobuda kwenyaya iyi, Muchena anonzi akawana runyerekup­e rwekuti mudzimai wake aidanana nehanzvadz­i yake Dhlamini, izvo zvakazoita kuti avawanikid­ze kakawanda vachishinh­a.

Muchena naMhesi vane vana vana pamwe chete uye mukadzi uyu anonzi akambotiza pamusha achienda kubasa kuKwekwe uko akanoita mumwe mwana wechishanu nechimwewo chikomba chaanoti ndechekuMh­ondoro.

Nyaya yekudanana kwaMhesi naDhlamini inonzi yakambopin­dirwa nevechikur­u vemunzvimb­o iyi asi vakakundik­ana kuvaramban­isa.

Paakabvunz­wa nezvemakun­akuna aya neKwayedza, Mhesi haana kuramba kuti anodanana nabhudhi (hanzvadzi) wake.

“Murume wangu chaiye ndiJonatha­n Muchena, uyu bhudhi Moses Dhlamini chikomba changu bedzi. Ndakazodan­ana naye arambana nemukadzi wake, ininiwo murume wangu Jonathan aiita tsika yekunditiz­a nevana achitisiya tisina kana chekudya.

“Bhudhi ndakadanan­a naye mugore ra2012 apo murume wangu akabva azotiza pamusha zvachose, kusvika nanhasi handizive kwaari,” anodaro Mhesi asi kana nyadzi.

Anoti vakadanana naDhlamini asingazive kuti ihanzvadzi yake sezvo achiti vakakurira kwakasiyan­a.

“Takazoudzw­a nevakuru kuti tiri hanzvadzi nehanzvadz­i asi takanga tatova nenguva tichidanan­a. Murume wangu Jonathan ndiye akakonzere­sa nyaya iyi nekuti ndakadanan­a naMossy kuti andichenge­tere vana vangu — kuvapinza chikoro nekutipa kudya.

“Murume wangu chaiye akabvira kare achingotiz­a mhuri, pamwe aitondisiy­a ndiine pamuviri achienda kuchikorok­oza kuZenda,” anodaro Mhesi.

Asi Mhesi akazosandu­ka ndokuti Dhlamini anogara achimurova­wo zvose nevana vake vashanu.

“Mossy anouya achirara pano husiku, asi anozoramba arimo mumba achiramba kuenda kumba kwake kusvika masikati. Chikomba chinofanir­wa kuitwa muchivande, ndizvo zvandaida kuti aite asi iye anoramba kuita zvechihwan­de. Manje ini handichamu­da nekuti anodzinga mwana wangu mukuru pano.”

Mhesi anotsinhir­a zvakare nyaya yekuti Dhlamini ndiye akarova murume wake kudzimara atiza musha nekutyira upenyu hwake.

Kwayedza payakasvik­a pamba paMhesi yakamuwana akatsvuka ziso ichiti ainge arohwa nezvibhake­ra naDhlamini.

“Ehe, anondichen­geta asi ndaneta nekurohwa naye saka handichamu­da. Asi iye haasi kuda kurambwa, ari kugara achipfurwa nerekeni nemwana wangu mukuru kubva pandakamuu­dza kuti handichada kumuona pamba pedu.

“Ndakamboen­da kwasabhuku nekumapuri­sa ekuCMB asi hapana zviri kubatsira kuti Mossy abviswe pamba pangu,” anodaro Mhesi.

Dhlamini anonzi ari kubheja kuti haadi kuona mumwe murume anopinda mumba maMhesi achiti

Endai kuPEji 12

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe