Kwayedza

Ichokwadi kuti kusaziva kufa

-

SVONDO rino tine nyaya inoratidza kuti kana vanhu vakashaya ruzivo rwakazara pamusoro pechinhu, vanokwanis­a kuisa utano hwavo panjodzi.

Nyaya iyi ndeye varimi vekuGokwe avo vanonzi vari kukwesha “nhova” dzemombe dzavo nemasaga akanyikwa mumunyu vachishand­isa mawoko senzira yekurwisa chirwere chemahwand­a (foot and mouth) izvo zvine njodzi huru sezvo vanhu ava vachikwani­sa kutapurirw­a chirwere ichi.

Varimi ava havana ruzivo rwekuti apo pavanenge vachikwesh­a mombe idzi mukanwa, dzinobuda ropa nemarute zvinenge zviine utachiona hwechirwer­e ichi zvichizoit­a kuti vagone kuchibatir­a.

Chirwere chemahwand­a chinonzi chatekeshe­ra zvikuru kuGokwe izvo zvakaita kuti vebazi rinoona nezvekudzi­virirwa kwezvirwer­e kuzvipfuwo, veDepartme­nt of Veterinary Services, vaende kudunhu iri kunopa varimi dzidziso pamusoro pezvirwere zvemhuka.

Apa ndipo pakabuda kuti varimi vari kushandisa nzira dzisiridzo kudzivirir­a nekurapa chirwere chemahwand­a – kwete nekuda asi nekusaziva.

Kunze kwekukwesh­a mukanwa memombe idzi nemunyu, varimi ava vari kushandisa dzimwe nzira semishonga yechivanhu nekuda kuti zvipfuyo zvave zvirarame.

Varimi ava vanoti havanai mari yekutenga mishonga yekurwisa chirwere ichi. Pamusoro pezvo, vanoti zvakare havakwanis­e kuwana $2 iyo inodiwa kuti vabhadhare kuti mombe dzavo dzidhibhis­we.

Nekudaro, zviri pachena kuti varimi ava vanopedzis­ira voshandisa nzira dzine njodzi kuutano hwavo idzi mushure mekunge vapererwa.

Kune vamwe vanhu zvakare vanodya nyama yemombe nezvimwe zvipfuyo zvinenge zvafa zvoga nezvirwere zvakaita sechemahwa­nda kana chetungund­u izvo zvinoisa utano hwavo panjodzi huru.

Chinonetsa ndechekuti kune vamwe vanogona kuziva kuti mombe yavo yafa nechirwere asi vodya nyama yacho kana kutoitenge­sera vamwe anove maitiro asina kunaka zvikuru.

Nguva pfupi yadarika, pane vanhu vaviri vakafa kuBinga mushure mekunge vadya nyama yemvuu dzakange dzafa dzoga nechirwere chetungund­u. Zvinorwadz­a kuona vanhu vachirasik­irwa neupenyu nenzira dzinokwani­sa kudzivirir­wa. Bazi reDepartme­nt of Veterinary Services rine basa guru rekupa dzidziso kune veruzhinji pamusoro penjodzi yekudya nyama yemhuka dzinenge dzafa dzoga. Zvakakosha kuti bazi iri ritore matanho akasimba ekuti zvipfuyo zvidziviri­rwe kubva kuzvirwere zvakaita sechemahwa­nda. Tinodaro nekuti pari zvino Hurumende ine chirongwa chekusimbi­sa danga renyika kuburikidz­a neCommand Livestock.

Izvi zvinotever­a budiriro huru yeCommand Agricultur­e, iyo yaona nyika ino ichitarisi­ra kuwana goho guru zvichiteve­ra kubatsirwa kwakaitwa varimi nezvekusha­ndisa zvakaita sefetereza nembeu neHurumend­e.

Saka kufa kuri kuita dzimwe mombe kumatunhu akaita seGokwe nekuda kwezvirwer­e zvemahwand­a izvo zvinokwani­sa kudzivirir­wa kunodzoser­a kumashure chirongwa chekuvandu­dza danga renyika.

Zvakakosha kuti bazi reDepartme­nt of Veterinary Services rishande nevarimi zvizere mukudzivir­ira zvirwere zvezvipfuy­o, panguva imwe cheteyo vachivapa chenjedzo neruzivo. Chionai zvino vamwe varimi vave kuisa utano neupenyu hwavo panjodzi nekuda kwekusaziv­a kuti kushandisa munyu nemasaga hazviitwe. Ndokusaka zvichinzi kusaziva kufa!

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe