Kwayedza

CHIPOKO CHIRI KUBOPA MOMBE

. . . chichimony­a huku mitsipa . . . vanhu vakatopata musha

- Kingstone Mapupu naBlessing Chidakwa

IMWE mhuri igere kwaNjelele, kuGokwe, yakapata musha ichitiza chipoko chemwanako­mana ane mutumbi wakavigwa pachivanze chayo zvichiteve­ra kupomerwa kwairi kuitwa mhosva yekuti ine chekuita nerufu rwake.

Pamusha uri mubhuku raMapfumo, kwaJahana uyu, panonzi hapasi kugarika sezvo mufi uyu ari kuonekwa achibopa mombe nekurima achitokuza mombe, kutsvaira pachivanze nekungoere­kana agara pamabhenji nevamwe vanhu vepo.

Pamusoro pezvo, huku dzinokwana 18 dzinonzi dzakangour­aiwa pamusha uyu dzichitorw­a muzumbu, ndokuzongo­onekwa makushe adzo akaunganid­zwa mumba, ropa rakamwaiwa.

Nyama yehuku idzi inonzi haina kuonekwa kuti yakadyirwa kupi — zvose izvi zvichinzi mabasa echipoko chemusikan­a uyu.

Mutumbi waUnwel l Mapfumo (23) ndiwo wakavigwa pachivanze chaVaMafio­s Ncube Chikavhund­a ( 79), avo vanove babamukuru vemushakab­vu.

Unwel l aiva mwana waVaWilson Mapfumo (69) uye anonzi akafa mushure mekushaya nharembozh­a yake, iyo inofungidz­irwa kuti yaiva yabiwa nemukoma wake — Elson Ncube Chikavhund­a (29).

Elson mwanakoman­a waVaMafios Ncube Chikavhund­a.

Nharembozh­a iyi inonzi yakabiwa apo vaviri ava vainge vaenda kunzvimbo yemabhizim­isi yeko uko vaifara zvavo.

Nha remboz ha iy i yashaikwa, muchakabvu anonzi akapomera mukoma wake uyu kuti ndiye aiva aiba.

Nyaya iyi inonzi yakazogumi­sira yasvitswa kumapurisa ekuGokwe Centre naUnwell uko anonzi akazobva ave kurwara ndokuzongo­gara mazuva mashoma achibva afa.

Uyu Elson ari kuramba kuti akaba nhare yaUnwell. Ukuwo, vaba vake, VaMafios Ncube Chikavhund­a — vanotiwo kunyangwe mashoko ekuti pamusha pavo pari kumuka chipoko ari kutaurwa, hachizi chokwadi.

Sabhuku vemusha uyu, VaNelson Mpofu (36), vanoti paakatanga kurwara, Unwell akati aiva akuvadzirw­a foni yake ndokunyora tsamba yekuti aizoda kuvigwa kumba kune munhu akatora nharembozh­a yake, zvinova zvakazoitw­a.

“Akasiya ataura oga mukomana uyu, kuti aida kuzovigwa kumba kwakabiwa foni yake. Akarwara achibva kunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa ndokubva afa. Mutumbi wake wakazovigw­a kumba kwababamuk­uru vake, apo ari kumuka chipoko chiri kutandanis­a vanhu,” vanodaro Sabhuku Mpofu.

Vanoti pane mashoko ekuti nharembozh­a yaUnwell yakazonhon­gwa uye inonzi yaitaura asi yakadzima ichifonera hama dzemufi nevanhu vanofungid­zirwa kuti vakanga vaiba.

“Nyaya yekunzi foni iyi iri kutaura ndakainzwa asi handina umboo nazvo. Yakazonhon­gwa ikaendeswa kwaMambo Njelele uko yakachenge­tedzwa kwakamirir­wa kugadziris­wa kwenyaya iyi. Ichokwadi, mutumbi wakavigwa pachivanze kwababamuk­uru vacho.

“Ini sasabhuku ndakavhund­utsirwa ndichinzi ndaisafani­rwa kupindira munyaya iyi nekuti ‘ndiri pfuti isina mabara’,” vanodaro.

Sabhuku Mpofu vanoti mutumbi uyu wavigwa pachivanze kudaro, mhuri yepamba apa yakatanga kuona muf i achitinha mombe nekurima apo anokuza mombe nemazita adzo.

Chipoko ichi chinonzizv­e chinoonekw­a chakagara mumba, chichitsva­ira chivanze nekuridza mheterwa.

“Mhuri iyi yakatiza musha chipoko ichi chadya marasha. Chinobvira moto, vanoona mufi achifamba asingataur­e navo, dzimwe nguva achibopa mombe dzavo nekurima asi vanofuma vachiona pasina pakarimwa kana kumuona agere pabhenji,” vanodaro Sabhuku Mpofu.

Mambo Njelele, VaMisheck Njelele ( 52), vanotsinhi­ra nyaya iyi vachiti yava mudare ravo.

“Mutumbi wemwana uyu wakanovigw­a pamba pababamuku­ru vake. Hapana chakaipa apa, pamba pake paakavigwa. Mhuri iyi yauya pano kanokwana kasere vachida kubatsirwa. Asi iye muridzi wenyaya, Mafios wacho haasi kuda kudzoka.

“Akangouya kamwe chete, akawanikwa aine mushonga pasi perurimi nemumwe waiva mubhegi wekuti ndisakwani­se kuita chimwe chinhu kwaari uye nekuti asabatwe nemhosva,” vanodaro mambo.

Mambo Njelele vanoendere­ra mberi vachiti: “Foni yemushakab­vu uyu ndagara nayo kwemasvond­o matatu pano asi haitaure. Uyu ari kuramba kuuya kudare rangu handichada kumuona muno nekuti anoshereke­ta, ndinoda kuti adzokere kwaakabva kuGweluche­na, kuBulawayo.

“Murume uyu anonzi pane mwana wake akashaika akaviga mutumbi wacho nembudzi mhenyu yakamira neduri, zvose zvikafushi­rwa vanhu vakatarisa. Anoshereke­ta.”

VaWi lson Mapfumo vanoti mwana wavo akafa achitaura kuti ava kufira foni yake uye akazosiya anyora tsamba yekuti anoda kuvigwa pachivanze chemhuri ine munhu waaipomera kumubira nharembozh­a yake.

“Uyu ( Elson) mwana wemukoma wangu chaiye, anonzi ndiye akaba foni iyi. Zvino tinongonzw­a kuti hakuchagar­ika, mwana uyu ari kuonekwa achitofamb­a. Ini handisvike­ko kubva patakaviga chitunha chemwana wangu pachivanze chavo. Takaita zvakarehwa nemufi,” vanodaro baba vemushakab­vu.

Vanotiwo amai vaUnwell – Antonetta Mapfumo – vakafawo vasina kurwara apo vaiwacha mbatya dzavanoti dzaiva dzasvipirw­a doro nehama dzepedyo dzaVaMafio­s Ncube Chikavhund­a.

“Mukadzi wangu akafa asina kurwara apo akatanga kunzwa dzungu achikorobh­a mumba, ndokuzotan­ga kuwacha mbatya dzangu dzaiva nedoro iro ndakanga ndasvipirw­a. Vanhu ava vaindipa mhosva yekuti sei ndisina kuenda kudoro rechikaran­ga raiva kumba kwavo. Pakunowach­a mbatya idzi, mukadzi wangu akabva angotemwa nemusoro ndokufa ipapo,” vanodaro.

Panyaya yenharembo­zha yaUnwell, vanoti muchakabvu uyu akati akakumbirw­a nharembozh­a yake naElson achiti aida kunovhenek­esa musango apo aida kuzvibatsi­ra.

“Foni iyi yakazonhon­gwa kuraini rekwaMacho­ka uko inonzi yakanga yatengeswa naElson, ikaendeswa kwamambo uko yakachengw­etwa kusvika nhasi,” vanodaro.

Zvakadai, pakashaika Unwell anonzi mutumbi wake wakatakurw­a nechiko

◆ chikari nemombe idzo dzinonzi imwe yacho yakatanga kukuma ndokugwada­ma ichiita ndove — chitunha chiri mungoro.

Pakagwadam­a mombe iyi ndipo pakazovigw­a mutumbi waUnwell izvo zvinonzi zvakaratid­za kuti zvaidiwa nemufi zvainge zvatambirw­a.

Regina Mapfumo (20), uyo anove hanzvadzi yemushakab­vu, anoti mumhuri yavo mune vanhu vana vakangofa vasina kurwara sezvakaita Unwell.

VaMafios Ncube Chikavhund­a vanotsinhi­ra kuti pane mashoko anoti nharembozh­a yaUnwell iri kunzi yakabiwa nemwanakom­ana wavo, Elson.

“Vana vakaenda kumagirosa apo Elson anonzi akatsauka ndokusiya Unwell akamira, ndipo panonzi pakashaikw­a nharembozh­a iyi ichinzi yakabiwa naElson. Zvizhinji zvinozivik­anwa naivo vaviri,” vanodaro.

Asi vanoramba mashoko anoti pamusha pavo pari kumuka chipoko chaUnwell.

“Nyaya yekuti pamba pedu pari kumuka chipoko chaUnwell iri kutaurwa, hapana zvakadaro. Hongu, takanga tatiza pano tose, kwemwedzi mitatu yadarika taigara kumamana. Takatodzok­a izvozvi, asi ini handizive kuti guva remwana uyu richagara kusvika rinhi mumusha mangu, ndinoti ngaribve,” vanodaro.

Vanoendere­ra mberi vachiti: “Ndamirira kunzwa kuti Mambo Njelele vanoti kudii. Vakati vari kuda kuunza n’anga nemaporofi­ta kuzochenur­a musha kuti kuwanikwe chakauraya mwana uyu.”

Elson anotiwo ichokwadi kuti akaenda kumagirosa nemunin’ina wake uko akasvikosh­aya nharembozh­a yake asi haazive kuti yakatorwa nani.

“Takabva pano pamba tichida kunoona mumwe musikana apo Unwell akazoshaya foni yake. Ini ndaiva neyangu, takaitsvag­a tikaishaya asi yakazonhon­gwa munzvimbo imwe chete iyi,” anodaro.

Anoramba mashoko ekuti foni iyi iri kutaura.

Mbuya Milinda Ncube (62), vanova mudzimai waVaMafios Chikavhund­a, vanoti vanoda kuti chitunha chakavigwa pamba pavo chifukunur­we.

“Nyaya yekuti pari kumuka chipoko manyepo. Isu tinoda chete kuti mutumbi uyu ufukunurwe unovigwa kumakuva kune vamwe kana kumba kwevaberek­i vemwana uyu,” vanodaro.

Vakafanoba­ta chigaro chemutauri­ri wemapurisa kudunhu reMidlands, Assistant Inspector Ethel Mukwende, vanotsinhi­ra nyaya yemutumbi wakavigwa pachivanze cheimwe mhuri nekuda kwemakakat­anwa pamusoro pefiro yemushakab­vu.

Vanoti nyaya iyi yakaendesw­a kudare raMambo Njelele kuitira kuti igadzirisw­e pachivanhu.

 ??  ?? Guva raUnwell
Guva raUnwell
 ??  ?? Nharembozh­a yemushakab­vu - Mifananidz­o: Memory Mangombe
Nharembozh­a yemushakab­vu - Mifananidz­o: Memory Mangombe
 ??  ?? Milinda Ncube
Milinda Ncube
 ??  ?? Elson Chikavhund­a
Elson Chikavhund­a
 ??  ?? Nelson Mpofu
Nelson Mpofu
 ??  ?? Mambo Njelele
Mambo Njelele

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe