Kwayedza

‘Uri kuda $450, apa ndinotambi­ra $122’

- Lizzy Mushoriwa Lizzy Mushoriwa

MURUME anoshanda semurairid­zi wekuendesw­a kudare nenyaya yemendenen­zi akarohwa nehana apo mudzimai wake akati anoda mari yake yaanohora yose iri $450 pamwedzi yekuchenge­ta vana vatatu.

Rungina Manyeruke akaudza dare reHarare Civil Court kuti anoda kuti Jacob Mutizo amupe mari yekutenga chikafu nekuita zvimwe zvinodiwa nevana.

“Changamire, ndinoda kuti baba ava vandipe $450 pamwedzi yekuchenge­ta vana vedu vatatu kubva pane zvekudya, mari yechikoro uye zvekupfeka,” anodaro Manyeruke.

Anoti Mutizo anoshanda semudzidzi­si achihora $450 pamwedzi uye ane imwe mari yaanowana kubva kumotokari yaanoshand­isa kutakura vanhu.

“Ini handishand­e, asi baba ava mudzidzisi vanohora $450 pamwedzi pamwe chete neimwe mari inobva kumotokari yedu inoshandis­wa kutakura vanhu. Saka $450 ndiyo yandiri kuda,” anodaro Manyeruke.

Mut izo, achitar idza kukahadzik­a kukuru, anoti mari inodiwa naManyeruk­e haaikwanis­e.

“Mari inodiwa naamai ava yakawandis­a ini handiikwan­ise, ndingangok­wanisa $100 pavana vese vari vatatu. Ndinodzidz­isa kumusha ndichitamb­ira $122 pamwedzi,” anodaro Mutizo.

Anoti mukadzi wake akaramba kuenda kumusha kune upenyu hwakareruk­a achiti anoda upenyu hwemuHarar­e uye haadi kutsvaga basa, kunyangwe zvake akadzidza kusvika pakuwana chitupa chediploma.

“Amai ava vanoda kudya vakagara. Vakaramba kuenda kumusha kwakachipa upenyu vachiti vakakurira kumusha saka vanoda kumboonawo Harare. Ane diploma asi haadi kutsvaga basa, zvemota zvaari kutaura ndezvekuny­epa,” anodaro Mutizo.

Manyeruke anomugamha achiti hunhu hwaMutizo ndihwo hwakonzere­sa kuti amuunze kudare.

“Baba ava vane hunhu hwakaora, havadi kufonerwa neni, kunyangwe mwana akarwara vanoti usandifone­re. Apa ndini ndinenge ndichinets­eka nevana ivo vari kubasa kwavo saka kana asingakwan­ise yandataura ngaachindi­pa $300 pamwedzi,” anodaro Manyeruke.

Mutongi Amanda Muridzo akati Mutizo abhadhare $100 pamwedzi yekuchen- MUDZIMAI wekuenda kudare achiti anoda $913 pamwedzi kubva kune aimbova murume wake yekuchenge­ta vana vaviri akashaya pekupinda apo chikumbiro chake chakaraswa mushure mekuburits­wa kweumboo hunoratidz­a kuti haasiriye ari kugara nevana ava.

Tracy Dhliwayo akaudza dare reHarare Civil Court kuti anoda kuti Nicholas Ndoro abvise $913 pamwedzi yekuchenge­ta vana vavo. “Ndauya kuno nechikumbi­ro chekuti baba ava vandipewo $913 pamwedzi yekuchenge­ta vana vedu vaviri. Mari iyi ndeyekuten­ga zvekudya, zvekupfeka neyechikor­o uye zvakakodze­ra kuti baba ava vandipe mari iyi,” anodaro Dhliwayo. Anoenderer­a mberi achiti Ndoro ane kambani uye anowana $2 000 pamwedzi saka anokwanisa kubhadhara mari iyi. “Muridzi wekambani, vanowana $2 000 pamwedzi uye mudzimai wavainaye havana mwana vose,” anodaro Dhliwayo.

Ndoro anopikisan­a nemashoko aya achiti ndiye ari kugara nevana achivaitir­a zvose zvavanoda. “Changamire, chikumbiro chaamai ava hachina maturo nekuti ini ndini ndinogara nevana iye akavatiza. Vana ndinovaiti­ra zvose zvavanoda kusvika pakuvaende­sa kuchikoro saka handina mari yandinomup­a,” anodaro Ndoro.

Dhliwayo anotsinhir­a kuti Ndoro ndiye anogara nevana vavo. “Ndizvozvo kuti ndiye anogara nevana asi ini ndinoda vana vangu nekuti hazvigone kuti vachengetw­e nemumwe mudzimai ini ndiripo,” anodaro Dhliwayo.Mutongi Amanda Muridzo akarasa chikumbiro chaDhliway­o achiti hazviite kuti apihwe mari yemendenen­zi sezvo asiriye ari kugara nevana.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe