‘Uri kuda $450, apa ndinotambira $122’
MURUME anoshanda semurairidzi wekuendeswa kudare nenyaya yemendenenzi akarohwa nehana apo mudzimai wake akati anoda mari yake yaanohora yose iri $450 pamwedzi yekuchengeta vana vatatu.
Rungina Manyeruke akaudza dare reHarare Civil Court kuti anoda kuti Jacob Mutizo amupe mari yekutenga chikafu nekuita zvimwe zvinodiwa nevana.
“Changamire, ndinoda kuti baba ava vandipe $450 pamwedzi yekuchengeta vana vedu vatatu kubva pane zvekudya, mari yechikoro uye zvekupfeka,” anodaro Manyeruke.
Anoti Mutizo anoshanda semudzidzisi achihora $450 pamwedzi uye ane imwe mari yaanowana kubva kumotokari yaanoshandisa kutakura vanhu.
“Ini handishande, asi baba ava mudzidzisi vanohora $450 pamwedzi pamwe chete neimwe mari inobva kumotokari yedu inoshandiswa kutakura vanhu. Saka $450 ndiyo yandiri kuda,” anodaro Manyeruke.
Mut izo, achitar idza kukahadzika kukuru, anoti mari inodiwa naManyeruke haaikwanise.
“Mari inodiwa naamai ava yakawandisa ini handiikwanise, ndingangokwanisa $100 pavana vese vari vatatu. Ndinodzidzisa kumusha ndichitambira $122 pamwedzi,” anodaro Mutizo.
Anoti mukadzi wake akaramba kuenda kumusha kune upenyu hwakareruka achiti anoda upenyu hwemuHarare uye haadi kutsvaga basa, kunyangwe zvake akadzidza kusvika pakuwana chitupa chediploma.
“Amai ava vanoda kudya vakagara. Vakaramba kuenda kumusha kwakachipa upenyu vachiti vakakurira kumusha saka vanoda kumboonawo Harare. Ane diploma asi haadi kutsvaga basa, zvemota zvaari kutaura ndezvekunyepa,” anodaro Mutizo.
Manyeruke anomugamha achiti hunhu hwaMutizo ndihwo hwakonzeresa kuti amuunze kudare.
“Baba ava vane hunhu hwakaora, havadi kufonerwa neni, kunyangwe mwana akarwara vanoti usandifonere. Apa ndini ndinenge ndichinetseka nevana ivo vari kubasa kwavo saka kana asingakwanise yandataura ngaachindipa $300 pamwedzi,” anodaro Manyeruke.
Mutongi Amanda Muridzo akati Mutizo abhadhare $100 pamwedzi yekuchen- MUDZIMAI wekuenda kudare achiti anoda $913 pamwedzi kubva kune aimbova murume wake yekuchengeta vana vaviri akashaya pekupinda apo chikumbiro chake chakaraswa mushure mekuburitswa kweumboo hunoratidza kuti haasiriye ari kugara nevana ava.
Tracy Dhliwayo akaudza dare reHarare Civil Court kuti anoda kuti Nicholas Ndoro abvise $913 pamwedzi yekuchengeta vana vavo. “Ndauya kuno nechikumbiro chekuti baba ava vandipewo $913 pamwedzi yekuchengeta vana vedu vaviri. Mari iyi ndeyekutenga zvekudya, zvekupfeka neyechikoro uye zvakakodzera kuti baba ava vandipe mari iyi,” anodaro Dhliwayo. Anoenderera mberi achiti Ndoro ane kambani uye anowana $2 000 pamwedzi saka anokwanisa kubhadhara mari iyi. “Muridzi wekambani, vanowana $2 000 pamwedzi uye mudzimai wavainaye havana mwana vose,” anodaro Dhliwayo.
Ndoro anopikisana nemashoko aya achiti ndiye ari kugara nevana achivaitira zvose zvavanoda. “Changamire, chikumbiro chaamai ava hachina maturo nekuti ini ndini ndinogara nevana iye akavatiza. Vana ndinovaitira zvose zvavanoda kusvika pakuvaendesa kuchikoro saka handina mari yandinomupa,” anodaro Ndoro.
Dhliwayo anotsinhira kuti Ndoro ndiye anogara nevana vavo. “Ndizvozvo kuti ndiye anogara nevana asi ini ndinoda vana vangu nekuti hazvigone kuti vachengetwe nemumwe mudzimai ini ndiripo,” anodaro Dhliwayo.Mutongi Amanda Muridzo akarasa chikumbiro chaDhliwayo achiti hazviite kuti apihwe mari yemendenenzi sezvo asiriye ari kugara nevana.