Kwayedza

MWANA OROODZA AMAI ‘Baba zvavafa kudai, saka chitsvagai mumwe murume’

- Anesu Kurebwasek­a ari kwaMUTARE

CHIREVO chinoti nhamo inhamo zvayo amai havarodzwi chakashaya basa zvichiteve­ra nyaya yemumwe murume wekwaMaran­ge, kuBocha, kudunhu reManicala­nd, uyo akadzinga amai vake vane makore 50 okuberekwa pamusha achivati vatsvage murume anovaroora mushure mekufa kwababa vake.

Izvi zvakabuda mudare reMutare Magistrate­s’ Court apo Josiah Mujaho (25) akamiswa pamberi pemutongi Innocent Bepura akatarisan­a nemhosva yekuita mhirizhong­a yemudzimba.

Mujaho akasungwa nemhosva yekushungu­rudza amai vake mbune – vekumubere­ka – achivati vabve pamba.

Dare rakaudzwa kuti Mujaho akataurira amai vake kuti vanofanira kutsvaga mumwe murume anovaroora zvichiteve­ra kufa kwababa vake.

Mujaho anobvuma mhosva yake mudare ndokuti sezvo baba vake vakafa, amai vake vanofanira kutsvaga mumwe murume anovacheng­eta.

Muchuchisi, Fletcher Karombe, akaudza dare kuti nemusi wa12 Chivabvu munguva dzemangwan­ani, Mujaho – uyo anogara naamai vake avo vakangoziv­ikanwa saMarufu – akavadzing­a pamba achiti ava kuda kugara oga.

Mujaho akaudza amai vake kuti hapana chikonzero chekuti varambe vachigara pamusha apa.

Muchuchisi Karombe anoti Mujaho akaramba achishungu­rudza amai vake kusvikira vanomhan’ara kumapurisa zvikazoita kuti mwanakoman­a uyu asungwe.

Mujaho akatadza kutsanangu­ra zvinogutsa mudare kuti sei achidzinga amai vake pamba sezvo vaine kodzero yekuwanawo mugove wenhaka yababa vake nekugara pamusha ipapa.

“Handina kuvadzinga, asi ndakangova­udza kuti vatsvage mumwe murume anovaroora nekuti iye zvino ndinoda kugara ndega,” anodaro. Mutongi Bepura akatemera Mujaho chirango chekugara mujeri kwemwedzi mishanu, iyo yakazosend­ekwa yose padivi paine chitsidzo chekuti haapare imwezve mhosva yerudzi urwu mukati memakore mashanu.

Mutongi anoti Mujaho ngaaregedz­e kushunguru­dza amai vake. – The Manica Post

 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe