Kwayedza

‘Ibva pano, enda kuna amai vako kumakuva’

- Lizzy Mushoriwa

MUZUKURU wekuti ari kudzingwa pamba pevabereki nasekuru vake vamuchiti ndiye akauraya amai vake akaridza mhere mudare.

Nyasha Oswell (22) akaendesa hanzvadzi yamai vake, Maxwell Kacherera, kudare reHarare Civil Court achiti vari kumushungu­rudza zvikuru.

“Sekuru vanondidzi­nga pamba vachiti ivo ndivo vave kutonga pamba apa sezvo amai vangu vakashaya. Asi imba iyi ndeyaamai vangu uye ndaigara navo vasati vashaya,” anodaro Oswell.

Anoenderer­a mberi achiti Kacherera ane tsika yekumutuka uye kumurova achiti ndiye akauraya amai vake.

“Sekuru vanondirov­a vachinditu­ka nemashoko anorwadza uye kana vachinge vandidzing­a vanobva vati ndiende kumakuva kuna amai vangu zvokuti pari zvino handisi kutogara kumba ikoko,” anodaro achisvimha misodzi.

Oswell anoti pakafa amai vake, Kacherera akauya kuzogara pamba apa uye akagova zvinhu zvose kusara kwezvishom­a izvo zvaanoti ndezvake. “Pakafa amai, sekuru vakauya kuzogara pamba kuEast View ndokubva vagova zvinhu zvose zvakasara vakati ndezvavo, ini ndokusiiwa ndisina chinhu,” anodaro Oswell.

Kacherera anoudza dare kuti mashoko akawanda ari kutaurwa nemuzukuru wake manyepo uye chaanongoz­iva chete ndechekuti anomurova apo anenge amudenha achida kuita zvemhirizh­onga naye.

“Mukomana uyu anonyepa,

kumurova ndinomurov­a nekuti ndiye anenge atanga bongozozo achiti ndibve pamba paamai vake.

‘‘Ane tsika yekutora nhumbi dzangu nedzemudzi­mai wangu achipfeka, pamba handibve nekuti ndini ndiri kubhadhara mari inodiwa kukanzuru saka ndikabva inobhadhar­wa nani iye Oswell asingashan­de?” anodaro Kacherera

Oswell anopikisa achiti sekuru vake hapana mari yavanobhad­hara kukanzuru.

Mutongi Nyasha Marufu akapa Oswell gwaro rerunyarar­o ndokuti Kacherera achengeted­ze runyararo nemuzukuru wake.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe